Dhanieri 7:24-27
Dhanieri 7:24-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nyanga gumi ndidzo madzimambo gumi achabva kuumambo uhu. Shure kwavo kuchamuka mumwe mambo, akasiyana navaya vokutanga; achakunda madzimambo matatu. Achataura zvinorwisana neWokumusoro-soro achimanikidza vatsvene vake, uye achaedza kushandura nguva dzakatarwa nemirayiro. Vatsvene vachaiswa kwaari kwechinguva, nedzimwe nguva nehafu yenguva. “ ‘Asi dare richagara, uye simba rake richatorwa rigoparadzwa zvachose nokusingaperi. Ipapo simba roumambo, simba noukuru hwoumambo pasi pedenga rose richapiwa kuvatsvene, ivo vanhu veWokumusoro-soro. Umambo hwake huchava hwokusingaperi, vatongi vose vachamunamata uye vachamuteerera.’
Dhanieri 7:24-27 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Kana dziri nyanga dzine gumi, paushe uhwu pachamuka madzimambo ane gumi, asi mumwezve achamuka shure kwavo; iye achasiyana navamwe vokutanga, achakunda madzimambo matatu. Achataura mashoko okumhura Wokumusoro‐soro, achaparadza vatsvene, uye achatsvaka mano okushandura nguva nemirayiro; ivo vatsvene vachaiswa mumaoko ake kusvikira nguva imwe nedzimwe nguva, nehafu yenguva.’ Asi kutonga kuchatanga, vachabvisa simba rake, kuti varipedze nokuriparadza kusvikira pakuguma. Ipapo ushe nesimba noukuru hwoushe hwose pasi pedenga rose, zvichapiwa vatsvene voWokumusoro‐soro; ushe hwake ndohwokusingaperi, masimba ose achamushumira nokumuteerera.
Dhanieri 7:24-27 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvegumi renyanga dziya zvinoreva kuti muumambo ihwohu muchamuka madzimambo gumi kwozomukawo mumwezve mushure mahwo. Iyeyu uyu achange akasiyana navamwe vaya vokutanga, achakurira madzimambo matatu. Achataura mazwi okushonha Wokumusorosoro; achaonesa nhamo vatsvene vaiye Wokumusorosoro. Achafunga zvokusandura nguva nemitemo vachaiswa mumaoko make vasaruke vakadaro vagosarukazve kaviri vagosvikazve pachikamu chepakati napakati chamakei iwayo. Asi kuchagarwa dare simba rake rokutonga acharitorerwa rigororomeswa richiparadzwa zvachose. Ipapo umambo nohutongi noukuru hwoumambo hwose pasi pedenga pose zvapo huchapiwa kurudzi rwavatsvene vaiye Wokumusorosoro: umambo hwavo huchava umambo hwokugara nokusingaperi. Vose vane simba rokutonga vachavashandira vachivateerera.”
Dhanieri 7:24-27 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Kana dziri nyaŋga dzinegumi, paʋushe ubgu pacamuka madzimambo anegumi, asi mumŋe ɀe ucamuka shure kwaʋo; iye ucasiyana naʋamŋe ʋokutaŋga, ucakunda madzimambo matatu. Ucataura mashoko okumhura Wokumsoro‐soro, ucaparadza ʋatȿene, ʋuye ucatȿaka mano okushandura ŋguʋa nemirairo; iʋo ʋacaiswa mumaʋoko ake kuȿikira ŋguʋa imŋe nedzimŋe ŋguʋa, nehafu yeŋguʋa. Asi kutoŋga kucataŋga, ʋacabvisa simba rake, kuti ʋaripedze nokuriparadza kuȿikira pakuguma. Ipapo ʋushe nesimba noʋukuru bgoʋushe bgose pasi peɗeŋga rose, ɀicapiwa ʋanhu ʋaʋatȿene ʋoWokumsoro‐soro; ʋushe bgake ndobgokusiŋgaperi, masimba ose acamushumira nokumuterera.
Dhanieri 7:24-27 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)