Dhanieri 7:13-18
Dhanieri 7:13-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Ndakatarisa pachiratidzo changu usiku, uye hapo pamberi pangu pakanga pano mumwe akaita somwanakomana womunhu, akanga achiuya namakore okudenga. Akaenda kuna Wamazuva Akare akasvitswa pamberi pake. Akapiwa simba, kubwinya nesimba roushe; vanhu vose, ndudzi dzose uye vanhu vemitauro yose vakamunamata. Ushe hwake hunogara nokusingaperi husingatongopfuuri, uye umambo hwake ndihwo husingazomboparadzwi. “Ini Dhanieri ndakatambudzika mumweya wangu, uye zviratidzo zvakasvika mumusoro mangu zvakanditambudza. Ndakaenda kuno mumwe wavakanga vakamirapo ndikamubvunza chaizvo zvaireva izvi zvose. “Saka akandiudza ndokundidudzira zvinhu izvi, achiti, ‘Mhuka huru ina ndidzo umambo huna huchamuka panyika. Asi vatsvene veWokumusoro-soro vachapiwa umambo uhu uye huchava hwavo nokusingaperi, hongu nokusingaperi-peri.’
Dhanieri 7:13-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Ndikaona pane zvandakaratidzwa usiku, ndikaona mumwe akafanana noMwanakomana womunhu achiuya namakore okudenga, akasvika kune akakwegura pamazuva ake, vakamuswededza pamberi pake. Akapiwa simba, nokubwinya, noushe, kuti vanhu vose namarudzi ose namarimi ose vamushumire; simba rake roushe isimba risingaperi, risingazopfuuri, uye ushe hwake haungazoparadzwi. “Kana ndirini Dhanieri, mweya wangu wakatambudzika mukati momuviri wangu, uye zvandakaona mumusoro mangu zvakandivhundusa. Ndikaswedera kune mumwe akanga amirepo, ndikamubvunza kududzirwa kwechokwadi kwezvinhu izvi zvose. Akandiudza, akandizivisa kududzirwa kwezvinhu izvozvi. Mhuka idzi huru, idzo ina, ndiwo madzimambo mana achamuka panyika. Asi vatsvene voWokumusoro‐soro vachapiwa ushe, ushe uchava hwavo nokusingaperi‐peri.
Dhanieri 7:13-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Muzviratidzo izvozvo usiku, ndakaona, hezvo nomumakore mudenga kuchiuya mumwe anenge mwanakomana womunhu. Akasvika kuna Chidzachapo akabva asumwa kwaari.” Iye ndokupiwa utongi nembiri noumambo kuitira kuti vanhu vamarudzi ose zvawo ndudzi nendudzi, ndimi nendimi vave vokumushandira, hutongi hwake, huri hutongi hwokugara nokugara husingazombofa hwakapera, umambowo hwake umambo husingafi hwakaparadzwa. “Ini Dhanieri ndakashushikana mwoyo ndikadumbirwa kwazvo nezviratidzo zvakauya mumusoro mangu. Ndakaenda pane mumwe akanga amirepo ndikamubvunza chokwadi chezvinhu izvozvi. Nokudaro akanditaurira zvazvaireva achiti, ‘Zvikara zvina zvikuru izvozvi, madzimambo mana achamuka panyika. Asi vatsvene vaiye Wokumusorosoro vachapiwa umambo vachabata umambo ihwohwo nokusingaperi narini narini wose.’
Dhanieri 7:13-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndikaʋona paneɀandakaratidzwa ʋusiku, ndikaʋona mumŋe wakafanana nomŋanakomana womunhu aciʋuya namakore okuɗeŋga, akaȿika kunowakakwegura pamazuʋa ake, ʋakamusweɗedza pamberi pake. Akapiwa simba, nokubginya, noʋushe, kuti ʋanhu ʋose namarudzi ose namarimi ose ʋamushumire; simba rake roʋushe isimba risiŋgaperi, risiŋgazopfuʋuri, ʋuye ʋushe bgake haʋuŋgazoparadzwi. Kana ndiri’ni Danieri, mŋeya waŋgu wakatambudzika mukati momuʋiri waŋgu, ʋuye ɀandakaʋona mumusoro maŋgu ɀakandivundusa. Ndikasweɗera kunomumŋe wakaŋga amire’po, ndikamubvunza kuɗudzirwa kwaɀokwaɗi kweɀinhu iɀo ɀose. Akandiʋudza, akandiziʋisa kuɗudzirwa kweɀinhu iɀo. Mhuka idzi huru, idzo inna, ndiwo madzimambo manna acamuka panyika. Asi ʋatȿene ʋoWokumsoro‐soro ʋacapiwa ʋushe, ʋushe ʋucaʋa bgaʋo nokusiŋgaperi‐peri.
Dhanieri 7:13-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)