Dhanieri 7:13-14
Dhanieri 7:13-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Ndakatarisa pachiratidzo changu usiku, uye hapo pamberi pangu pakanga pano mumwe akaita somwanakomana womunhu, akanga achiuya namakore okudenga. Akaenda kuna Wamazuva Akare akasvitswa pamberi pake. Akapiwa simba, kubwinya nesimba roushe; vanhu vose, ndudzi dzose uye vanhu vemitauro yose vakamunamata. Ushe hwake hunogara nokusingaperi husingatongopfuuri, uye umambo hwake ndihwo husingazomboparadzwi.
Dhanieri 7:13-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Ndikaona pane zvandakaratidzwa usiku, ndikaona mumwe akafanana noMwanakomana womunhu achiuya namakore okudenga, akasvika kune akakwegura pamazuva ake, vakamuswededza pamberi pake. Akapiwa simba, nokubwinya, noushe, kuti vanhu vose namarudzi ose namarimi ose vamushumire; simba rake roushe isimba risingaperi, risingazopfuuri, uye ushe hwake haungazoparadzwi.
Dhanieri 7:13-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Muzviratidzo izvozvo usiku, ndakaona, hezvo nomumakore mudenga kuchiuya mumwe anenge mwanakomana womunhu. Akasvika kuna Chidzachapo akabva asumwa kwaari.” Iye ndokupiwa utongi nembiri noumambo kuitira kuti vanhu vamarudzi ose zvawo ndudzi nendudzi, ndimi nendimi vave vokumushandira, hutongi hwake, huri hutongi hwokugara nokugara husingazombofa hwakapera, umambowo hwake umambo husingafi hwakaparadzwa.
Dhanieri 7:13-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndikaʋona paneɀandakaratidzwa ʋusiku, ndikaʋona mumŋe wakafanana nomŋanakomana womunhu aciʋuya namakore okuɗeŋga, akaȿika kunowakakwegura pamazuʋa ake, ʋakamusweɗedza pamberi pake. Akapiwa simba, nokubginya, noʋushe, kuti ʋanhu ʋose namarudzi ose namarimi ose ʋamushumire; simba rake roʋushe isimba risiŋgaperi, risiŋgazopfuʋuri, ʋuye ʋushe bgake haʋuŋgazoparadzwi.
Dhanieri 7:13-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)