Dhanieri 7:1-28
Dhanieri 7:1-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mugore rokutanga ramambo Bherishazari, mambo weBhabhironi, Dhanieri akarota hope, uye akaona zviratidzo mumusoro make paakanga avete pamubhedha wake. Akanyora zvose zvaakarota. Dhanieri akati, “Muchiratidzo changu usiku, ndakatarira, uye hapo pamberi pangu pakanga pane mhepo ina dzokudenga dzaibvongodza gungwa guru. Mhuka huru ina, dzisina kufanana dzakabuda kubva mugungwa. “Yokutanga yakanga yakaita seshumba, uye yakanga ina mapapiro egondo. Ndakatarisa kusvikira mapapiro ayo abviswa uye ikasimudzwa kubva pasi zvokuti yakamira namakumbo maviri somunhu, uye yakapiwa mwoyo womunhu. “Uye hapo pamberi pangu pakanga pane mhuka yechipiri, yakanga yakafanana nebere. Yakanga yakasimudzwa kuno rumwe rutivi rwayo, uye yakanga yakaruma mbabvu nhatu mumuromo mayo. Yakanzi, ‘Simuka udye nyama yako ugute!’ “Shure kwaizvozvo, ndakatarisa, uye hapo pamberi pangu pakanga pane imwe mhuka, yakanga yakafanana neingwe. Uye yakanga ina mapapiro mana akaita seeshiri kumusana kwayo. Mhuka iyi yakanga ine misoro mina, uye yakapiwa simba rokutonga. “Shure kwaizvozvo, ndakatarisa muchiratidzo changu usiku, uye hapo pamberi pangu pakanga pane mhuka yechina, yaityisa uye yaivhundutsa, uye ine simba guru. Yakanga ina meno makuru esimbi; yakapwanya ikadya nyama yayo uye ikatsika-tsika namakumbo ayo zvose zvakanga zvasara. Yakanga yakasiyana nedzimwe mhuka dzose dzakare, uye yakanga ine nyanga gumi. “Ndichiri kufunga pamusoro penyanga, hapo pamberi pangu pakanga pava norumwe runyanga, ruduku rwakabuda pakati padzo; uye dzimwe nyanga nhatu dzokutanga dzakadzurwa pamberi parwo. Runyanga urwu rwakanga runa meso akafanana nameso omunhu uye nomuromo waitaura zvokuzvikudza. “Ndichakatarisa, “zvigaro zvoushe zvakagadzikwa, uye Iye Wamazuva Akare akagara pachigaro chake. Nguo dzake dzakanga dzakachena sechando; bvudzi romusoro wake rakanga rakachena sewuru. Chigaro chake chainganduma nomoto, uye mavhiri acho ose aipfuta. Rwizi rwomoto rwaiyerera, ruchibuda pamberi pake. Zviuru nezviuru zvakanga zvichimushandira; zviuru gumi zvakapetwa kanokwana gumi zvakamira pamberi pake. Dare rakagara pasi, mabhuku ndokuzarurwa. “Ipapo ndakaramba ndakatarira nokuda kwamashoko okuzvikudza akanga achitaurwa norunyanga. Ndakaramba ndakatarira kusvikira mhuka iyi yaurayiwa uye muviri wayo waparadzwa ikakandwa mumoto waipfuta. Kana dziri dzimwe mhuka dzakanga dzatorerwa simba radzo, asi dzakatenderwa kurarama kwechinguva. “Ndakatarisa pachiratidzo changu usiku, uye hapo pamberi pangu pakanga pano mumwe akaita somwanakomana womunhu, akanga achiuya namakore okudenga. Akaenda kuna Wamazuva Akare akasvitswa pamberi pake. Akapiwa simba, kubwinya nesimba roushe; vanhu vose, ndudzi dzose uye vanhu vemitauro yose vakamunamata. Ushe hwake hunogara nokusingaperi husingatongopfuuri, uye umambo hwake ndihwo husingazomboparadzwi. “Ini Dhanieri ndakatambudzika mumweya wangu, uye zviratidzo zvakasvika mumusoro mangu zvakanditambudza. Ndakaenda kuno mumwe wavakanga vakamirapo ndikamubvunza chaizvo zvaireva izvi zvose. “Saka akandiudza ndokundidudzira zvinhu izvi, achiti, ‘Mhuka huru ina ndidzo umambo huna huchamuka panyika. Asi vatsvene veWokumusoro-soro vachapiwa umambo uhu uye huchava hwavo nokusingaperi, hongu nokusingaperi-peri.’ “Ipapo ndakada kuziva chokwadi chezvinoreva mhuka yechina, yakanga yakasiyana nedzimwe dzose uye yaityisa kwazvo, namazino ayo esimbi nenzara dzendarira, mhuka yakapwanya ikadya nyama uye ikatsika-tsika namakumbo ayo zvose zvakanga zvasara. Ndakadawo kuziva pamusoro penyanga gumi dzakanga dziri pamusoro wayo uye napamusoro porumwe runyanga rwuya rwakabuda, dzimwe dzacho nhatu dzikawa pamberi payo, runyanga rwuya rwainyanya kuva nomukundo kupfuura dzimwe, uye rwakanga runa meso uye nomuromo waitaura mashoko okuzvikudza. Ndichakatarisa, runyanga urwu rwakanga ruchirwa hondo navatsvene ruchivakunda, kusvikira Iye Wamazuva Akare asvika akaruramisira vatsvene veWokumusoro-soro, uye nguva ikasvika yavakatora umambo. “Akandipa tsananguro iyi achiti, ‘Mhuka yechina ndiyo umambo hwechina huchaonekwa panyika. Huchasiyana nohumwe umambo uye huchaparadza nyika yose, huchiitsika-tsika huchiiparadza. Nyanga gumi ndidzo madzimambo gumi achabva kuumambo uhu. Shure kwavo kuchamuka mumwe mambo, akasiyana navaya vokutanga; achakunda madzimambo matatu. Achataura zvinorwisana neWokumusoro-soro achimanikidza vatsvene vake, uye achaedza kushandura nguva dzakatarwa nemirayiro. Vatsvene vachaiswa kwaari kwechinguva, nedzimwe nguva nehafu yenguva. “ ‘Asi dare richagara, uye simba rake richatorwa rigoparadzwa zvachose nokusingaperi. Ipapo simba roumambo, simba noukuru hwoumambo pasi pedenga rose richapiwa kuvatsvene, ivo vanhu veWokumusoro-soro. Umambo hwake huchava hwokusingaperi, vatongi vose vachamunamata uye vachamuteerera.’ “Aya ndiwo magumo enyaya. Ini, Dhanieri, ndakatambudzika zvikuru nepfungwa dzangu, uye uso hwangu hwakatsvukuruka, asi ndakachengeta nyaya iyi mumwoyo mangu.”
Dhanieri 7:1-28 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Negore rokutanga raBheshazari mambo weBhabhironi Dhanieri akarota, akaratidzwa zvimwe mumusoro make ari panhoo dzake; akanyora zvaakarota, akaudza vanhu mashoko makuru azvo. Dhanieri akataura, akati, “Ndakaona pane zvandakaratidzwa usiku, tarirai, mhepo ina dzokudenga dzakamutsa gungwa guru. Mhuka huru ina dzikakwira dzichibuda mugungwa, dzisina kufanana. Yokutanga yakanga yakafanana neshumba, ina mapapiro egondo; ndikaramba ndakatarira kusvikira mapapiro ayo ataurwa, ikasimudzwa ichibva panyika, ikamiswa namakumbo maviri somunhu, ikapiwa mwoyo womunhu. “Ndikaonazve imwe mhuka, yechipiri, yakafanana nebere; iyo yakanga yakasimudza rumwe rutivi rwayo, uye mumuromo mayo yakanga yakaruma mbabvu nhatu pakati pameno ayo; vakati kwariri, ‘Simuka, upedze nyama zhinji.’ “Shure kwaizvozvo ndakatarira, ndikaona imwezve, yakafanana nengwe, yakanga ina mapapiro mana pamusana wayo akafanana neeshiri; mhuka iyi yakanga ine misoro minawo; ikapiwa simba. “Shure kwaizvozvo ndakaona pane zvandakaratidzwa usiku, ndikaona mhuka yechina, yaityisa nokuvhundusa, ine simba guru kwazvo; yakanga ina meno makuru outare; ikapedza, nokuvhuna‐vhuna, nokupwanya zvakanga zvasara netsoka dzayo; iyi yakanga yakasiyana nemhuka dzose dzakaitangira; yakanga ine nyanga gumi. Ndikacherechedza nyanga, ndikaona rumwe runyanga ruchibuda pakati pedzimwe, ruri ruduku, dzimwe nyanga nhatu pane dzokutanga dzikadzurwa nemidzi yadzo pamberi parwo; ndikaona kuti parunyanga urwo pakanga pana meso omunhu, nomuromo wakanga uchitaura zvinhu zvikuru. “Ndikaramba ndakatarira kusvikira zvigaro zvoushe zvagadzwapo, mumwe akakwegura pamazuva ake akagarapo; nguo yake yakanga yakachena sechando, uye vhudzi romusoro wake rakanga rakaita samakushe akanatswa; chigaro chake choushe chakanga chiri mirazvo yomoto, makumbo acho uri moto unopfuta. Rwizi rwomoto rwakanga rwuchibuda ruchibva pamberi pake; zviuru nezviuru zvakanga zvichimubatira, uye pamberi pake pakanga pamire zviuru zvine gumi zvezviuru zvine gumi; kutonga kukatanga, bhuku rikazarurwa. “Ndikaramba ndakatarira nenguva iyo nemhaka yokudana kwamashoko makuru akanga achitaurwa norunyanga; ndikaramba ndakatarira kusvikira mhuka yaurawa, muviri wayo uchiparadzwa, uchiiswa mumoto kuti upiswe. Kana dziri dzimwe mhuka, dzakatorerwa ushe hwadzo, asi upenyu hwadzo hwakawedzerwa kusvikira nhambo nenguva zvakatenderwa. “Ndikaona pane zvandakaratidzwa usiku, ndikaona mumwe akafanana noMwanakomana womunhu achiuya namakore okudenga, akasvika kune akakwegura pamazuva ake, vakamuswededza pamberi pake. Akapiwa simba, nokubwinya, noushe, kuti vanhu vose namarudzi ose namarimi ose vamushumire; simba rake roushe isimba risingaperi, risingazopfuuri, uye ushe hwake haungazoparadzwi. “Kana ndirini Dhanieri, mweya wangu wakatambudzika mukati momuviri wangu, uye zvandakaona mumusoro mangu zvakandivhundusa. Ndikaswedera kune mumwe akanga amirepo, ndikamubvunza kududzirwa kwechokwadi kwezvinhu izvi zvose. Akandiudza, akandizivisa kududzirwa kwezvinhu izvozvi. Mhuka idzi huru, idzo ina, ndiwo madzimambo mana achamuka panyika. Asi vatsvene voWokumusoro‐soro vachapiwa ushe, ushe uchava hwavo nokusingaperi‐peri. “Ipapo ndakada kuziva kududzirwa kwachokwadi kwemhuka yechina, yakanga yakasiyana nedzimwe dzose, yakanga ichityisa zvikuru, yakanga ina meso outare, nzara dzayo dziri dzendarira; iyo, yakanga yapedza, nokuputsanya, nokupwanya zvakasara netsoka dzayo; uye pamusoro penyanga dzine gumi dzakanga dziri pamusoro wayo, norumwe runyanga rwakazobuda, dzimwe nyanga nhatu dzikaparadzwa pamberi parwo, irwo runyanga rwakanga runa meso nomuromo wakanga uchitaura zvikuru, rwakanga rwakapfuura dzimwe shamwari dzarwo paukuru. “Ndakatarira, ndikaona runyanga urwu ruchirwa navatsvene, nokuvakunda; kusvikira akakwegura pamazuva ake achisvika, vatsvene voWokumusoro‐soro vakaruramisirwa, nguva ikasvika yokuti vatsvene vapiwe ushe. “Akati, ‘Mhuka yechina uchava ushe hwechina panyika, uchasiyana noumwe ushe hwose, uchapedza nyika yose, nokuupwanya nokuuputsanya. Kana dziri nyanga dzine gumi, paushe uhwu pachamuka madzimambo ane gumi, asi mumwezve achamuka shure kwavo; iye achasiyana navamwe vokutanga, achakunda madzimambo matatu. Achataura mashoko okumhura Wokumusoro‐soro, achaparadza vatsvene, uye achatsvaka mano okushandura nguva nemirayiro; ivo vatsvene vachaiswa mumaoko ake kusvikira nguva imwe nedzimwe nguva, nehafu yenguva.’ Asi kutonga kuchatanga, vachabvisa simba rake, kuti varipedze nokuriparadza kusvikira pakuguma. Ipapo ushe nesimba noukuru hwoushe hwose pasi pedenga rose, zvichapiwa vatsvene voWokumusoro‐soro; ushe hwake ndohwokusingaperi, masimba ose achamushumira nokumuteerera. “Ndiko kuguma kweshoko. Kana ndirini Dhanieri, pfungwa dzangu dzakandivhundusa kwazvo, chiso changu chikashandurwa mukati mangu; asi ndakachengeta shoko iri mumwoyo mangu.
Dhanieri 7:1-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mugore rechiposhi rokutonga kwaBherishaza, mambo weBhabhironi, Dhanieri akarota hope. Akaona zviratidzo mumusoro make arere pamubhedha wake. Akanyora chiroto ichocho akarondedzera muchidimu zvaakarota. Dhanieri akati, “Zvandakaona muchiratidzo usiku ndezvizvi. Ndakaona mhepo dzokumativi mana edenga dzichisimudza zigungwa guru. Ndokubva mugungwa imomo madzumbunuka zvikara zvina zvakakura chaizvo zvakasiyana. Chokutanga chakanga chakaita seshumba uye chiina mapapiro egondo. Ndakati ndakatarisa kudaro, mapapiro acho akadzurwa ndokubva chasumudzwa kubva pasi chikaitwa kuti chimire namakumbo maviri somunhu chikapiwa pfungwa dzinenge dzomunhu. “Onei hecho chimwe chikara chechipiri zvino, chakafanana nebere chakati kwirirei kumwe uku chakaruma namazino pamuromo mbabvu nhatu. Zvino ichi chakanzi, ‘Sumuka udye nyama yakawanda!’ “Pedzepo ndakaona hecho chimwewo chinenge mbada chiina mapapiro mana eshiri pamusana pacho. Chikara ichi chakanga chiine misoro mina chikabvawo chapiwa simba rokutonga. “Tevere, ndakaona zviratidzo usiku, ndakaona chimwezve chikara chechina chakashata chinotyisa kwazvo chiine simba guru kwazvo. Chaiva namazino makuru esimbi chaizhanya chichibvambura-bvambura chichitsokodzera netsoka zvainge zvasara. Chakanga chakasiyana nezvimwe zvikara zvose zvakachitangira. Chakanga chiine nyanga gumi. Ndichicherechedza kudaro panyanga idzodzo pakatukudza imwe nyanga duku ikatipura nemidzi dzimwe nyanga nhatu panyanga dzokutanga dziya. Nyanga iyoyo yaiva namaziso anenge omunhu nomuromo waitaura mazwi asingatauriki. “Ndakachitarisa kudaro, pakagadzikirwa zvigaro zvoumambo, mumwe, iye Chidzachapo ndokubva agara pachigaro chake. Hanzu dzake dzakanga dzakati ngwe-e kuchena sechando iro vhudzi iri mumusoro make, rakachena kuti mbu-u sewuru yakanakisisa. Chigaro chake choumambo chakanga chiri marimi omoto anovavaya, mavhiri acho ari moto chaiwo. Kakova chaiko kemoto kaiyerera kachitangira mberi kwake. Zviuru nezviuru zvaimushandira, gumi rezviuru rakapetwa kagumi rakanga rimire paari pakagarwa dare rokutonga, mabhuku akazarurwa. “Ini ndakatarisa pamusana pemheremhere yamazwi asingatauriki aitaurwa nenyanga iyoyo. Ndakatarisa kudaro, chikara ichocho chakaurayiwa mutumbi wacho ukaparadzwa chikabva chapiswa nomoto. Zvimwe zvikara zvose zviya zvakatorerwa simba razvo rokutonga asi zvakambosiyiwa zviri zvipenyu kwemwaka nekachinguva. “Muzviratidzo izvozvo usiku, ndakaona, hezvo nomumakore mudenga kuchiuya mumwe anenge mwanakomana womunhu. Akasvika kuna Chidzachapo akabva asumwa kwaari.” Iye ndokupiwa utongi nembiri noumambo kuitira kuti vanhu vamarudzi ose zvawo ndudzi nendudzi, ndimi nendimi vave vokumushandira, hutongi hwake, huri hutongi hwokugara nokugara husingazombofa hwakapera, umambowo hwake umambo husingafi hwakaparadzwa. “Ini Dhanieri ndakashushikana mwoyo ndikadumbirwa kwazvo nezviratidzo zvakauya mumusoro mangu. Ndakaenda pane mumwe akanga amirepo ndikamubvunza chokwadi chezvinhu izvozvi. Nokudaro akanditaurira zvazvaireva achiti, ‘Zvikara zvina zvikuru izvozvi, madzimambo mana achamuka panyika. Asi vatsvene vaiye Wokumusorosoro vachapiwa umambo vachabata umambo ihwohwo nokusingaperi narini narini wose.’ “Ini ndipo pandakada kuziva chaizvoizvo zvaireva chikara chechina chiya chakanga chakasiyana nezvimwe zvose chaityisa kwazvo, chaiva namazino esimbi nenzara dzendarira, chaibvambura chichityoranisa chichitsokodzera netsoka dzacho zvainge zvasara uye ndakada kuziva nezvaireva gumi renyanga dzaiva pamusoro wacho uyewo neimwe nyanga iya yakatukudza ikawisira pasi dzimwe nhatu, nyanga iya yaiva namaziso nomuromo waitaura zvisingatauriki uye yakanga ichiita sehuru kupinda dzimwe dzayo. Pandainge ndakatarisa, nyanga iyoyo yakaita hondo navatsvene ikavakurira kusvikira Chidzachapo auya ndokuitwa dare rokupipirira vatsvene vaWokumusorosoro, nguva ikazosvika yakapiwa vatsvene umambo.” Iye akati, “Zvinoreva chikara chechina ndezvokuti, kuchauya umambo hwechina panyika huchange hwakasiyana nohumwe humambo hwose. Huchazhanya pasi pose zvapo huchipatsokodzera nokuhupwanya-pwanya. Zvegumi renyanga dziya zvinoreva kuti muumambo ihwohu muchamuka madzimambo gumi kwozomukawo mumwezve mushure mahwo. Iyeyu uyu achange akasiyana navamwe vaya vokutanga, achakurira madzimambo matatu. Achataura mazwi okushonha Wokumusorosoro; achaonesa nhamo vatsvene vaiye Wokumusorosoro. Achafunga zvokusandura nguva nemitemo vachaiswa mumaoko make vasaruke vakadaro vagosarukazve kaviri vagosvikazve pachikamu chepakati napakati chamakei iwayo. Asi kuchagarwa dare simba rake rokutonga acharitorerwa rigororomeswa richiparadzwa zvachose. Ipapo umambo nohutongi noukuru hwoumambo hwose pasi pedenga pose zvapo huchapiwa kurudzi rwavatsvene vaiye Wokumusorosoro: umambo hwavo huchava umambo hwokugara nokusingaperi. Vose vane simba rokutonga vachavashandira vachivateerera.” “Pano ndipo pakaperera nyaya iyoyi. Asi ini Dhanieri ndakadumbirwa kwazvo nendangariro dzangu ndikasanduka ruvara, asi ndakangozvichengeta mumwoyo mangu.”
Dhanieri 7:1-28 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Negore rokutaŋga raBershazari mambo weBabironi Danieri akarota, akaratidzwa ɀimŋe mumusoro make ari panhoʋo dzake; akanyora ɀaakarota, akaʋudza ʋanhu mashoko makuru aɀo. Danieri akataura, akati: Ndakaʋona paneɀandakaratidzwa ʋusiku, tarirai, mhepo inna dzokuɗeŋga dzakamutsa guŋgwa guru. Mhuka huru inna dzikakwira dziciɓuɗa muguŋgwa, dzisina‐kufanana. Yokutaŋga yakaŋga yakafanana neshumba, inamapapiro egondo; ndikaramba ndakatarira kuȿikira mapapiro ayo ataʋurwa, ikasimudzwa icibva panyika, ikamiswa namakumbo maʋiri somunhu, ikapiwa mŋoyo womunhu. Ndikaʋona ɀe imŋe mhuka, yecipiri, yakafanana neɓere; iyo yakaŋga yakasimudza rumŋe rutiʋi rwayo, ʋuye mumuromo mayo yakaŋga yakaruma mbabvu nhatu pakati pameno ayo; ʋakati kwariri: Simuka, upedze nyama zhinji. Shure kwaiɀoɀo ndakatarira, ndikaʋona imŋe ɀe, yakafanana neŋgwe, yakaŋga inamapapiro manna pamusana wayo akafanana neeshiri; mhuka iyi yakaŋga inemisoro minna ʋo; ikapiwa simba. Shure kwaiɀoɀo ndakaʋona paneɀandakaratidzwa ʋusiku, ndikaʋona mhuka yecinna, yaityisa nokuvundusa, inesimba guru kwaɀo; yakaŋga inameno makuru oʋutare; ikapedza, nokuvuna‐vuna, nokupxanya ɀakaŋga ɀasara netsoka dzayo; iyi yakaŋga yakasiyana nemhuka dzose dzakaitaŋgira; yakaŋga inenyaŋga gumi. Ndikacerekedza nyaŋga, ndikaʋona rumŋe runyaŋga ruciɓuɗa pakati pedzimŋe, ruri ruɗuku, dzimŋe nyaŋga nhatu panedzokutaŋga dzikadzurwa nemidzi yadzo pamberi parwo; ndikaʋona kuti parunyaŋga urwo pakaŋga panameso omunhu, nomuromo wakaŋga ucitaura ɀinhu ɀikuru. Ndikaramba ndakatarira kuȿikira ɀigaro ɀoʋushe ɀagadzwa’po, mumŋe wakakwegura pamazuʋa ake akagara’po; ŋguʋo yake yakaŋga yakacena secando, ʋuye vudzi romusoro wake rakaŋga rakaita samakushe akanatswa; cigaro cake coʋushe yakaŋga iri miraɀo yomŋoto, makumbo aco uri mŋoto unopfuta. Rwizi rwomŋoto rwakaŋga ruciɓuɗa rucibva pamberi pake; ɀuru neɀuru ɀakaŋga ɀicimuɓatira, ʋuye pamberi pake pakaŋga pamire ɀuru ɀinegumi ɀeɀuru ɀinegumi; kutoŋga kukataŋga, buku dzikazarurwa. Ndikaramba ndakatarira neŋguʋa iyo nemhaka yokuɗana kwamashoko makuru akaŋga acitaurwa norunyaŋga; ndikaramba ndakatarira kuȿikira mhuka yaʋurawa, muʋiri wayo uciparadzwa, uciiswa kumŋoto kuti upiswe. Kana dziri dzimŋe mhuka, dzakatorerwa ʋushe bgadzo, asi ʋupenyu bgadzo bgakawedzerwa kuȿikira nhambo neŋguʋa. Ndikaʋona paneɀandakaratidzwa ʋusiku, ndikaʋona mumŋe wakafanana nomŋanakomana womunhu aciʋuya namakore okuɗeŋga, akaȿika kunowakakwegura pamazuʋa ake, ʋakamusweɗedza pamberi pake. Akapiwa simba, nokubginya, noʋushe, kuti ʋanhu ʋose namarudzi ose namarimi ose ʋamushumire; simba rake roʋushe isimba risiŋgaperi, risiŋgazopfuʋuri, ʋuye ʋushe bgake haʋuŋgazoparadzwi. Kana ndiri’ni Danieri, mŋeya waŋgu wakatambudzika mukati momuʋiri waŋgu, ʋuye ɀandakaʋona mumusoro maŋgu ɀakandivundusa. Ndikasweɗera kunomumŋe wakaŋga amire’po, ndikamubvunza kuɗudzirwa kwaɀokwaɗi kweɀinhu iɀo ɀose. Akandiʋudza, akandiziʋisa kuɗudzirwa kweɀinhu iɀo. Mhuka idzi huru, idzo inna, ndiwo madzimambo manna acamuka panyika. Asi ʋatȿene ʋoWokumsoro‐soro ʋacapiwa ʋushe, ʋushe ʋucaʋa bgaʋo nokusiŋgaperi‐peri. Ipapo ndakaɗa kuziʋa kuɗudzirwa kwaɀokwaɗi kwemhuka yecinna, yakaŋga yakasiyana nedzimŋe dzose, yakaŋga icityisa ɀikuru, yakaŋga inameso oʋutare, nzara dzayo dziri dzendarira; iyo, yakaŋga yapedza, nokuputsanya, nokupxanya ɀakasara netsoka dzayo; ʋuye pamsoro penyaŋga dzinegumi dzakaŋga dziri pamusoro wayo, norumŋe runyaŋga rwakazoɓuɗa, dzimŋe nyaŋga nhatu dzikaparadzwa pamberi parwo, irwo runyaŋga rwakaŋga runameso nomuromo wakaŋga ucitaura ɀinhu ɀikuru, rwakaŋga rwakapfuʋura dzimŋe shamŋari dzarwo paʋukuru. Ndakatarira, ndikaʋona runyaŋga urwu rucirwa naʋatȿene, nokuʋakunda; kuȿikira wakakwegura pamazuʋa ake aciȿika, ʋatȿene ʋoWokumsoro‐soro ʋakaruramisirwa, ŋguʋa ikaȿika yokuti ʋatȿene ʋapiwe ʋushe. Akati: Mhuka yecinna ʋucaʋa ʋushe bgecinna panyika, ʋucasiyana noʋumŋe ʋushe bgose, ʋucapedza nyika yose, nokuʋupxanya nokuʋuputsanya. Kana dziri nyaŋga dzinegumi, paʋushe ubgu pacamuka madzimambo anegumi, asi mumŋe ɀe ucamuka shure kwaʋo; iye ucasiyana naʋamŋe ʋokutaŋga, ucakunda madzimambo matatu. Ucataura mashoko okumhura Wokumsoro‐soro, ucaparadza ʋatȿene, ʋuye ucatȿaka mano okushandura ŋguʋa nemirairo; iʋo ʋacaiswa mumaʋoko ake kuȿikira ŋguʋa imŋe nedzimŋe ŋguʋa, nehafu yeŋguʋa. Asi kutoŋga kucataŋga, ʋacabvisa simba rake, kuti ʋaripedze nokuriparadza kuȿikira pakuguma. Ipapo ʋushe nesimba noʋukuru bgoʋushe bgose pasi peɗeŋga rose, ɀicapiwa ʋanhu ʋaʋatȿene ʋoWokumsoro‐soro; ʋushe bgake ndobgokusiŋgaperi, masimba ose acamushumira nokumuterera. Ndi’ko kuguma kweshoko. Kana ndiri’ni Danieri, pfuŋgwa dzaŋgu dzakandivundusa kwaɀo, ciso caŋgu cikashandurwa mukati maŋgu; asi ndakaceŋgeta shoko iri mumŋoyo maŋgu.
Dhanieri 7:1-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)