Amosi 5:21-24
Amosi 5:21-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Ndinovenga, ndinozvidza mitambo yenyu yechinamato; handifadzwi neungano dzenyu. Kunyange mukandivigira zvipiriso zvenyu zvinopiswa nezvipiriso zvezviyo, handingazvigamuchiri. Kunyange mukandivigira zvipiriso zvakaisvonaka zvokuwadzana, handingavi nehanya nazvo. Ibvai pamberi pangu noruzha rwenziyo dzenyu! Handidi kunzwa kurira kwembira dzenyu. Asi kururamisira ngakuyerere sorwizi, kururama sorukova rusingapwi!
Amosi 5:21-24 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Ndinovenga nokuzvidza mitambo yenyu, handingatongofadzwi neungano dzenyu dzakatarwa. Zvirokwazvo, kunyange mukandivigira zvipiriso zvenyu zvinopiswa nezvipiriso zvoupfu, handingazvigamuchiri; handingavi nehanya nezvipiriso zvenyu zvokuvonga zvezvipfuwo zvenyu zvakakodzwa. Bvisai pamberi pangu ruzha rwenziyo dzenyu, nokuti handidi kunzwa kurira kwembira dzenyu. Asi kururamisa ngakuyerere semvura, uye kururama sorwizi runongoramba ruchidira.
Amosi 5:21-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Ndinovenga, uye ndinozvidza mazuva enyu makuru, handisi kumbofarira zvangu misangano yenyu yezvokunamata. Kunyange zvenyu mukapira kwandiri mipiro yenyu yokupisa nemipiro yenyu yembesanwa handisi kuzoigamuchira. Kanawo mipiro yokuwadzana yezvipfuwo zvenyu zvakakodzwa, handisi kuzoitarisa. Ndinyararirei mheremhere yenziyo dzenyu, mumhanzi wamadimbwa enyu handisi kana kuzombouteerera. Asi ruenzaniso ngarudirane kuyerera semvura uye kururama kuitewo sorukova runogarosaruka ruchingoyerera.
Amosi 5:21-24 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndinoʋeŋga nokuɀidza mitambo yenyu, handiŋgatoŋgofadzwi neʋuŋgano dzenyu dzakatarwa. Ɀirokwaɀo, kunyaŋge mukandiʋigira ɀipiriso ɀenyu ɀinopiswa neɀipiriso ɀoʋupfu, handiŋgaɀigamuciri; handiŋgaʋi nehanya neɀipiriso ɀenyu ɀokuʋoŋga ɀeɀipfuwo ɀenyu ɀakakodzwa. Bvisai pamberi paŋgu ruzha rwenziyo dzenyu, nokuti handiɗi kunzwa kurira kwembira dzenyu. Asi kururamisa ŋgakuyerere semvura, ʋuye kururama sorwizi runoŋgoramba ruciɗira.
Amosi 5:21-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)