Amosi 5
5
1Inzwai shoko iri randinokuchemai naro, imi imba yaIsiraeri. 2Mhandara yaIsiraeri yawira pasi; haangazomukizve; wawiswa pasi panyika yake, hakuna angamumutsazve.
3Nokuti zvanzi naIshe Jehovha, “Paimba yaIsiraeri guta, rakabuda kundorwa navane chiuru chamazana, richasara nezana roga, uye rakabuda nezana richasara negumi.”
4Nokuti zvanzi naIshe Jehovha kuimba yaIsiraeri, “Nditsvakei, murarame; 5asi regai kutsvaka Bhetieri, kana kupinda Girigari, kana kupfuurira Bheerishebha; nokuti Girigari richatapwa zvirokwazvo, Bhetieri richarova.”
6Tsvakai Jehovha, murarame; kuti arege kupfuta paimba yaJosefa somoto unopedza zvose, kukasava nomunhu anoudzima paBhetieri. 7Imi, munoshandura kururamisira muchikuita segavakava, muchiwisira kururama pasi, 8tsvakai iye, akaita nyeredzi dzeChimutanhatu nedzeOrioni, anoshandura mumvuri worufu achiuita mangwanani, anodzima masikati achiaita usiku, anodana mvura yegungwa, ndokuidururira panyika (Jehovha ndiro zita rake); 9anouyisira vane simba kuparadza kunokurumidza, kuparadza ndokuwira nhare.
10Vanovenga anovaraira pasuo, vanosema anotaura zvakarurama. 11Zvino zvamunotsika murombo pasi, muchitora dzimba dzamabwe akavezwa, asi hamungagarimo, makasima minda yemidzambiringa inofadza, asi hamunganwi waini yayo.
12Nokuti ndinoziva kuti kudarika kwenyu kuzhinji, uye kuti zvivi zvenyu zvikuru, kwazvo, iyemi, munomanikidza vakarurama, munogamuchira fufuro, muchiramba anoshaiwa pasuo. 13Saka akangwara achanyarara nenguva yakadai, nokuti inguva yakaipa.
14Tsvakai zvakanaka, murege kutsvaka zvakaipa, kuti murarame, ipapo Jehovha, Mwari wehondo achava nemi, sezvamunoreva. 15Vengai zvakaipa, mude zvakanaka, mururamisire vanhu musuo; zvimwe Jehovha, iye Mwari wehondo, achanzwira nyasha vakasara vaJosefa.
16Naizvozvo zvanzi naJehovha, iye Mwari wehondo, iye Ishe, “Kuchema kuchavapo panzira dzose huru, panzira dzose dzomumusha vachati, ‘Maiwe! Maiwe!’ Vachadana varimi kuzochema, navanoziva nziyo dzemariro kuzoungudza. 17Kuungudza kuchavapo paminda yose yemidzambiringa; nokuti ndichapfuura napakati penyu,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
18Mune nhamo imi munoshuva zuva raJehovha! Zuva raJehovha munorida neiko? Richava rima, hachingavi chiedza.
19Zvichaita somunhu anotiza shumba, ndokusangana nebere; kana seanopinda mumba, akabata pamadziro noruoko rwake, ndokurumwa nenyoka.
20Ko zuva raJehovha haringavi rima, rikarega kuva chiedza here? Haringati, Zi! Kwazvo, risina kupenya here?
21“Ndinovenga nokuzvidza mitambo yenyu, handingatongofadzwi neungano dzenyu dzakatarwa. 22Zvirokwazvo, kunyange mukandivigira zvipiriso zvenyu zvinopiswa nezvipiriso zvoupfu, handingazvigamuchiri; handingavi nehanya nezvipiriso zvenyu zvokuvonga zvezvipfuwo zvenyu zvakakodzwa. 23Bvisai pamberi pangu ruzha rwenziyo dzenyu, nokuti handidi kunzwa kurira kwembira dzenyu. 24Asi kururamisa ngakuyerere semvura, uye kururama sorwizi runongoramba ruchidira.
25“Nhai imba yaIsiraeri, makandivigira zvibayiro nezvipo murenje makore ana makumi mana here? 26Zvirokwazvo, makatakura Sikuti mambo wenyu, neKijuni zvifananidzo zvenyu, iyo nyeredzi yamwari wenyu, wamakazviitira. 27Naizvozvo ndichakutapisai mberi kweDhamasiko,” ndizvo zvinotaura Jehovha, anezita rinonzi Mwari wehondo.
Zvasarudzwa nguva ino
Amosi 5: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002