Mabasa 9:26-28
Mabasa 9:26-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Akati asvika kuJerusarema akaedza kuti abatane navadzidzi, asi vose vakanga vachimutya, vasingatendi kuti akanga ava mudzidzi wechokwadi. Asi Bhanabhasi akamutora akamuuyisa kuvapostori. Akavaudza kuti Sauro akanga aona Ishe sei ari parwendo rwake uye kuti muDhamasiko Ishe akanga ataura kwaari, uyewo kuti akaparidza sei muzita raJesu asingatyi. Saka Sauro akagara navo muJerusarema akasununguka, achitaura muzita raIshe uye akafamba asingatyi.

Mabasa 9:26-28 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino akati asvika Jerusaremu, akaedza kufambidzana navadzidzi; asi ivo vakamutya vose, vasingatendi kuti ava mudzidzi. Zvino Bhanabhasi akamutora, akaenda naye kuvapostori, ndokuvarondedzera kuti akaona Ishe munzira, uye kuti akataura naye, uye kuti akaparidza nezita raJesu paDhamasiko asingatyi. Akagara navo paJerusaremu, achifambidzana navo
Mabasa 9:26-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Paakasvika kuJerusaremu akaedza kubatana navadzidzi asi vose vaimutya nokuti havana kutenda kuti akanga ava mudzidzi. Asi Bhanabhasi akamutora akaenda naye kuvapositori akavatsanangurira kuti akaona sei panzira, Tenzi akataura naye uye kuti akaparidza muDhamasikusi nechivindi chakadii muzita raJesu. Akagara navo akasununguka muJerusaremu
Mabasa 9:26-28 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino wakati aȿika Jerusarema, akaidza kufambidzana naʋadzidzi; asi iʋo ʋakamutya ʋose, ʋasiŋgatendi kuti waʋa mudzidzi. Ɀino Barnabasi akamutora, akaenda naye kuʋaapostora, ndokuʋarondedzera kuti wakaʋona Ishe munzira, ʋuye kuti wakataura naye, ʋuye kuti wakaparidza nezita raJesu paDamasko asiŋgatyi. Akagara naʋo paJerusarema, acifambidzana naʋo
Mabasa 9:26-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)