Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 9:23-43

Mabasa 9:23-43 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Mazuva mazhinji akati apera, vaJudha vakarangana kumuuraya, asi Sauro akanzwa nezverangano yavo. Vakarinda masuo eguta masikati nousiku vachiitira kuti vagomuuraya. Asi vateveri vake vakamutora usiku vakamuburutsa ari mudengu napakanga pakashama murusvingo. Akati asvika kuJerusarema akaedza kuti abatane navadzidzi, asi vose vakanga vachimutya, vasingatendi kuti akanga ava mudzidzi wechokwadi. Asi Bhanabhasi akamutora akamuuyisa kuvapostori. Akavaudza kuti Sauro akanga aona Ishe sei ari parwendo rwake uye kuti muDhamasiko Ishe akanga ataura kwaari, uyewo kuti akaparidza sei muzita raJesu asingatyi. Saka Sauro akagara navo muJerusarema akasununguka, achitaura muzita raIshe uye akafamba asingatyi. Akataura uye akapikisana navaJudha vaitaura chiGiriki, asi vakaedza kumuuraya. Zvino hama dzakati dzazvinzwa izvi, dzakamutora dzikaburuka naye kuKesaria ndokumuendesa kuTasasi. Ipapo kereke yakava norugare muJudhea mose, nomuGarirea neSamaria. Kereke yakasimbiswa; uye yakakurudzirwa naMweya Mutsvene, ikakura pauwandu, ichirarama mukutya Ishe. Petro paakanga achifamba achipota nenyika, akashanyira vatsvene muRidha. Ikoko, akawana mumwe murume ainzi Eniasi akanga akaoma mutezo uye akanga achigara avete panhoo kwamakore masere. Petro akati kwaari, “Eniasi, Jesu Kristu anokuporesa. Simuka uzvitakurire nhoo yako.” Pakarepo Eniasi akasimuka. Vose vaigara muRidha nomuSharoni vakamuona vakatendeukira kuna She. MuJopa maiva nomudzidzi ainzi Tabhita (kana zvichishandurwa, Dhokasi), aiita zvakanaka nguva dzose uye achibatsira varombo. Panguva inenge iyoyo akatanga kurwara ndokubva afa, mutumbi wake ukashambidzwa uye ukaiswa muimba yapamusoro. Ridha yakanga iri pedyo neJopa; saka vadzidzi vakati vanzwa kuti Petro akanga ari muRidha, vakatuma varume vaviri kwaari kuti vandomukumbira vachiti, “Tapota, uyai nokukurumidza!” Petro akaenda navo, uye akati asvika, vakamutora vakaenda naye muimba yapamusoro. Chirikadzi dzose dzakamira dzakamupoteredza, dzichichema dzichimuratidza majasi nedzimwe nguo dzakanga dzaitwa naDhokasi panguva yaakanga achinavo. Petro akavabudisa vose mumba; ipapo akapfugama namabvi ake akanyengetera. Akatendeukira kumukadzi akanga afa akati, “Tabhita, muka.” Iye akasvinura meso ake, uye akati aona Petro, akamuka akagara. Akamubata noruoko akamubatsira kuti amire netsoka dzake. Ipapo akadana vatendi nechirikadzi ndokubva amupa kwavari ari mupenyu. Izvi zvakazivikanwa muJopa yose, uye vanhu vazhinji vakatenda kuna She. Petro akambogara muJopa kwechinguva nomusuki wamatehwe ainzi Simoni.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mabasa 9

Mabasa 9:23-43 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino mazuva mazhinji akati apera, vaJudha vakarangana kuti vamuuraye. Asi kurangana kwavo kwakazikanwa naSauro. Vakarindawo masuo masikati nousiku, kuti vamuuraye. Zvino vadzidzi vake vakamutora usiku, vakamuburusa naparusvingo, vamuisa mudengu. Zvino akati asvika Jerusaremu, akaedza kufambidzana navadzidzi; asi ivo vakamutya vose, vasingatendi kuti ava mudzidzi. Zvino Bhanabhasi akamutora, akaenda naye kuvapostori, ndokuvarondedzera kuti akaona Ishe munzira, uye kuti akataura naye, uye kuti akaparidza nezita raJesu paDhamasiko asingatyi. Akagara navo paJerusaremu, achifambidzana navo, akaparidza nezita raIshe asingatyi. Akataura navaJudha vaitaura chiGiriki; asi ivo vakaedza kumuuraya. Zvino hama dzakati dzichizviziva, dzakamuburusira Kesaria, ndokumutumira Taso. Zvino kereke yakanga ino rugare paJudhea rose, reGariria, neSamaria, ikasimbiswa; ikawedzerwa, ichifamba ichitya Ishe, ichinyaradzwa naMweya Mutsvene. Zvino Petirosi akati achipota nyika kwose, akaburukirawo kuvatsvene vakanga vagere Ridha. Akawanapo mumwe munhu, ainzi Eniyasi, akanga avete panhoo makore masere, mitezo yake yakafa. Petirosi akati kwaari, “Eniyasi, Jesu Kristu anokuporesa; simuka, uzviwarire nhoo dzako!” Akasimuka pakarepo. Zvino vose vakanga vagere Ridha neSaroni vakamuona, vakatendeukira kuna Ishe. Zvino paJopa pakanga pano mukadzi aiva mudzidzi, ainzi Tabhita, ndokuti, Dhokasi, kana zvichishandurwa. Iye aishingaira zvikuru pamabasa akanaka ezvipo. Zvino namazuva iwayo iye akarwara, ndokufa. Vakati vamushambidza, vakamuisa muimba yokumusoro. Zvino Ridha zvayakanga iri pedyo neJopa, vadzidzi vakati vanzwa kuti Petirosi aripo, vakatumira kwaari vanhu vaviri, kuti vandokumbira zvikuru kwaari, vachiti, “Usanonoka hako kuuya kwatiri.” Ipapo Petirosi akasimuka, akaenda navo. Akati asvika, vakamuisa kuimba yokumusoro; chirikadzi dzose dzikamira naye dzichichema, vakamuratidza zvokufuka nenguo, dzavakanga vaitirwa naDhokasi, achiri navo. Zvino Petirosi akavabudisira panze vose, akapfugama, akanyengetera, ndokutendeukira kumutumbi, akati, “Tabhita, muka!” Akasvinura meso ake; zvino akati achiona Petirosi, akagara. Akamubata noruoko rwake, akamusimudza; akadana vatsvene nechirikadzi, akamuisa pamberi pavo ari mupenyu. Zvikazikanwa navose paJopa; vazhinji vakatenda kuna Ishe. Ipapo akagara mazuva mazhinji paJopa, kuno mumwe Simoni, musuki wamatehwe.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mabasa 9

Mabasa 9:23-43 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Mushure memazuva mazhinji vaJudha vakapangana kumuuraya. Bangano ravo rakazivikanwa naSauro. Vaigaririra pamisuo mikuru siku nesikati kuti vamuuraye. Asi vadzidzi vake vakamutora nousiku vakamudzikisa ari mutswanda napamusoro porusvingo. Paakasvika kuJerusaremu akaedza kubatana navadzidzi asi vose vaimutya nokuti havana kutenda kuti akanga ava mudzidzi. Asi Bhanabhasi akamutora akaenda naye kuvapositori akavatsanangurira kuti akaona sei panzira, Tenzi akataura naye uye kuti akaparidza muDhamasikusi nechivindi chakadii muzita raJesu. Akagara navo akasununguka muJerusaremu achiparidza akashinga muzita raTenzi. Akataura achipikisana nevechiGiriki asi ivo vaitotsvaka zvokumuuraya. Vehama pavakazviziva vakadzika naye kuSezaria vakamuendesa kuTaso. Nezvo sangano rakava norunyararo muJudhea yose nomuGarirea nomuSamaria. Sangano rakasimbiswa richibatsirwa naMweya Mutsvene, rikakura richigara mukutya Tenzi. Zvino Pita zvaaifamba–famba mukati mavo vose akaendawo kuvatsvene vaigara kuRidha. Ikoko akawana mumwe murume ainzi Eniasi akanga angove wepabonde nokurwara kwamakore masere uye akanga akafa mitezo. Pita akati kwaari, “Eniasi Jesu Kristu ari kukurapa, simuka upete bonde rako.” Akabva asimuka pakarepo. Vagari vose vomuRidha nomuSharoni vakamuona vakatendeukira kuna Tenzi. KuJopa ikoko kwaiva nomudzimai ainzi Tabhita, zvinoreva kuti Dhokasi, akanga azere namabasa akanaka namabasa etsitsi. Pamazuva iwayo akarwara akafa. Pavakanga vamushambidza vakandomurarisa muimba yapamusoro. Zvino Ridha zvayaiva pedyo neJopa, vadzidzi pavakanzwa kuti Pita ariko vakatuma varume vaviri kwaari kundomukumbira vachiti, “Uyai kwatiri nokukasira.” Naizvozvo Pita akasimuka akaenda navo. Paakasvika, vakaenda naye kuimba yapamusoro. Chirikadzi dzose dzakamira paari dzichichema dzichiratidza mabhachi nehanzu dzakasonwa naDhokasi achinavo. Pita akavaburitsa kunze vose akapfugama achinamata. Akatendeukira kuchitunha akati, “Tabhita muka.” Tabhita akabva asvinura. Paakaona Pita, akamuka akaita zvokugara. Pita akamutambanudzira ruoko akabva amusimudza ndokudaidza vanamati nechirikadzi akamupa kwavari ava mupenyu. Zvakazivikanwa muJopa yose, vanhu vazhinji vakadavira muna Tenzi. Akagara kwamazuva mazhinji naSimoni musuki wamaTehwe.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mabasa 9

Mabasa 9:23-43 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino mazuʋa mazhinji akati apera, ʋaJuda ʋakaraŋgana kuti ʋamuʋuraye. Asi kuraŋgana kwaʋo kwakazikanwa naSauro. Ʋakarinda ʋo masuʋo masikati noʋusiku, kuti ʋamuʋuraye. Ɀino ʋadzidzi ʋake ʋakamutora ʋusiku, ʋakamuɓurasa naparuȿiŋgo, ʋamuisa mudeŋgu. Ɀino wakati aȿika Jerusarema, akaidza kufambidzana naʋadzidzi; asi iʋo ʋakamutya ʋose, ʋasiŋgatendi kuti waʋa mudzidzi. Ɀino Barnabasi akamutora, akaenda naye kuʋaapostora, ndokuʋarondedzera kuti wakaʋona Ishe munzira, ʋuye kuti wakataura naye, ʋuye kuti wakaparidza nezita raJesu paDamasko asiŋgatyi. Akagara naʋo paJerusarema, acifambidzana naʋo, akaparidza nezita raShe asiŋgatyi. Akataura nokuita nharo naʋaJuda ʋaitaura ciGiriki; asi iʋo ʋakaidza kumuʋuraya. Ɀino hama dzakati dziciɀiziʋa, dzikamuɓurusira Kesaria, ndokumutumira Tarso. Ɀino kereke yakaŋga inorugare paJudea rose, neGarirea, neSamaria, ikasimbiswa; ikawedzerwa, icifamba icitya Ishe, icinyaradzwa noMŋeya Mutȿene. Ɀino Petro wakati acipote‐nyika kwose, akaɓurukira ʋo kuʋatȿene ʋakaŋga ʋagere Rida. Akawana’po mumŋe munhu, wainzi Eneasi, wakaŋga aʋete panhoʋo makore masere, mitezo yake yakafa. Petro akati kwaari: Eneasi, Jesu Kristu unokuporesa; simuka, uɀiwarire nhoʋo dzako! Akasimuka pakarepo. Ɀino ʋose ʋakaŋga ʋagere Rida neSaroni ʋakamuʋona, ʋakatendeʋukira kunaShe. Ɀino paJopa pakaŋga panomukadzi waiʋa mudzidzi, wainzi Tabita, ndokuti Dorkasi, kana ɀicishandurwa. Iye waishiŋgaira ɀikuru pamaɓasa akanaka neɀipo. Ɀino namazuʋa iwayo iye akarwara, ndokufa. Ʋakati ʋamushambidza, ʋakamuisa muimba yokumsoro. Ɀino Rida ɀawakaŋga uri pedyo neJopa, ʋadzidzi ʋakati ʋanzwa kuti Petro uri’po, ʋakatumira kwaari ʋanhu ʋaʋiri, kuti ʋandokumbira ɀikuru kwaari, ʋaciti: Usanonoka hako kuʋuya kwatiri. Ipapo Petro akasimuka, akaenda naʋo. Wakati aȿika, ʋakamuisa kuimba yokumsoro; cirikadzi dzose dzikamira naye dzicicema, ʋakamuratidza ɀokufuka neŋguʋo, dzaʋakaŋga ʋaitirwa naDorkasi, aciri naʋo. Ɀino Petro akaʋaɓuɗisira panze ʋose, akafugama, akanyeŋgetera, ndokutendeʋukira kumutumbu, akati: Tabita, muka! Akaȿinura meso ake; ɀino wakati aciʋona Petro, akagara. Akamuɓata noruʋoko rwake, akamusimudza; akaɗana ʋatȿene necirikadzi, akamuisa pamberi paʋo ari mupenyu. Ɀikazikanwa naʋose paJopa; ʋazhinji ʋakatenda kunaShe. Ipapo akagara mazuʋa mazhinji paJopa, kunomumŋe Simoni, musuki wamatebge.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mabasa 9

Mabasa 9:23-43 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)