Mabasa 9:1-43
Mabasa 9:1-43 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvichakadaro Sauro akanga ari mubishi rokutaura zvokuuraya vadzidzi vaShe. Akaenda kumuprista mukuru akandomukumbira matsamba kuti agoenda nawo kumasinagoge okuDhamasiko, kuti kana akawana ani zvake ari weNzira iyo, vangava varume kana vakadzi, aizovabata savasungwa agoenda navo kuJerusarema. Akati oswedera kuDhamasiko ari parwendo rwake, pakarepo chiedza chakabva kudenga chikamupenyera kumativi ose. Akawira pasi akanzwa inzwi richiti kwaari, “Sauro, Sauro, unonditambudzireiko?” Sauro akabvunza akati, “Ndimi aniko, Ishe?” Iye akapindura akati, “Ndini Jesu wauri kutambudza. Zvino simuka uende muguta, uchandoudzwa zvaunofanira kuita.” Varume vaifamba naSauro vakamira vakashaya chokutaura; vakanzwa inzwi asi havana kuona kana munhu. Sauro akasimuka, asi akati achisvinudza meso ake haana kugona kuona chinhu. Saka vakamubata ruoko vakamutungamirira kupinda muDhamasiko. Akava bofu kwamazuva matatu, uye akanga asingadyi kana kunwa kana chinhu. MuDhamasiko makanga muno mudzidzi ainzi Ananiasi. Ishe akati kwaari muchiratidzo, “Ananiasi!” Iye akapindura akati, “Ndiri pano Ishe.” Ishe akati kwaari, “Enda kumba kwaJudhasi panzira inonzi Nzira Yakarurama undobvunza murume anonzi Sauro anobva kuTasasi, nokuti ari kunyengetera. Akaona muchiratidzo murume anonzi Ananiasi achiuya kwaari akaisa maoko ake pamusoro pake kuti aonezve.” Ananiasi akapindura akati, “Ishe, ndakanzwa mashoko akawanda pamusoro pomurume uyu, uye nezvakaipa zvose zvaakaitira vatsvene venyu muJerusarema. Uye akauya kuno nemvumo yakabva kuvaprista vakuru yokuti asunge vose vanodana kuzita renyu.” Asi Ishe akati kuna Ananiasi, “Enda! Murume uyu mudziyo wangu wandakasanangura kuti aende nezita rangu pamberi pevedzimwe ndudzi napamberi pamadzimambo avo uye napamberi paIsraeri. Ndichamuratidza kuti anofanira kutambudzika sei nokuda kwezita rangu.” Ipapo Ananiasi akaenda kuimba iyi akasvikopindamo. Akaisa maoko ake pamusoro paSauro akati, “Muzvarwa Sauro, Ishe Jesu, uyo akazviratidza kwauri pamugwagwa pawakanga uchiuya kuno, andituma kuti iwe uonezve uye uzadzwe noMweya Mutsvene.” Pakarepo, zvinhu zvakaita samakwati zvakabva pameso aSauro, akagona kuonazve. Akasimuka akabhabhatidzwa, uye shure kwokunge adya zvokudya, akavazve nesimba. Sauro akagara navadzidzi paDhamasiko kwamazuva mazhinji. Pakarepo akatanga kuparidza musinagoge kuti Jesu ndiye Mwanakomana waMwari. Vose vakamunzwa vakakatyamara vakati, “Ko, haazi iye here akamutsa bongozozo muJerusarema pakati paavo vanodana kuzita iri? Uye haana kuuya kuno kuzovabata savasungwa kuti avaendese kuvaprista vakuru here?” Asi Sauro akanyanya kuva nesimba akakunda vaJudha vaigara muDhamasiko achivaratidza kuti Jesu ndiye Kristu. Mazuva mazhinji akati apera, vaJudha vakarangana kumuuraya, asi Sauro akanzwa nezverangano yavo. Vakarinda masuo eguta masikati nousiku vachiitira kuti vagomuuraya. Asi vateveri vake vakamutora usiku vakamuburutsa ari mudengu napakanga pakashama murusvingo. Akati asvika kuJerusarema akaedza kuti abatane navadzidzi, asi vose vakanga vachimutya, vasingatendi kuti akanga ava mudzidzi wechokwadi. Asi Bhanabhasi akamutora akamuuyisa kuvapostori. Akavaudza kuti Sauro akanga aona Ishe sei ari parwendo rwake uye kuti muDhamasiko Ishe akanga ataura kwaari, uyewo kuti akaparidza sei muzita raJesu asingatyi. Saka Sauro akagara navo muJerusarema akasununguka, achitaura muzita raIshe uye akafamba asingatyi. Akataura uye akapikisana navaJudha vaitaura chiGiriki, asi vakaedza kumuuraya. Zvino hama dzakati dzazvinzwa izvi, dzakamutora dzikaburuka naye kuKesaria ndokumuendesa kuTasasi. Ipapo kereke yakava norugare muJudhea mose, nomuGarirea neSamaria. Kereke yakasimbiswa; uye yakakurudzirwa naMweya Mutsvene, ikakura pauwandu, ichirarama mukutya Ishe. Petro paakanga achifamba achipota nenyika, akashanyira vatsvene muRidha. Ikoko, akawana mumwe murume ainzi Eniasi akanga akaoma mutezo uye akanga achigara avete panhoo kwamakore masere. Petro akati kwaari, “Eniasi, Jesu Kristu anokuporesa. Simuka uzvitakurire nhoo yako.” Pakarepo Eniasi akasimuka. Vose vaigara muRidha nomuSharoni vakamuona vakatendeukira kuna She. MuJopa maiva nomudzidzi ainzi Tabhita (kana zvichishandurwa, Dhokasi), aiita zvakanaka nguva dzose uye achibatsira varombo. Panguva inenge iyoyo akatanga kurwara ndokubva afa, mutumbi wake ukashambidzwa uye ukaiswa muimba yapamusoro. Ridha yakanga iri pedyo neJopa; saka vadzidzi vakati vanzwa kuti Petro akanga ari muRidha, vakatuma varume vaviri kwaari kuti vandomukumbira vachiti, “Tapota, uyai nokukurumidza!” Petro akaenda navo, uye akati asvika, vakamutora vakaenda naye muimba yapamusoro. Chirikadzi dzose dzakamira dzakamupoteredza, dzichichema dzichimuratidza majasi nedzimwe nguo dzakanga dzaitwa naDhokasi panguva yaakanga achinavo. Petro akavabudisa vose mumba; ipapo akapfugama namabvi ake akanyengetera. Akatendeukira kumukadzi akanga afa akati, “Tabhita, muka.” Iye akasvinura meso ake, uye akati aona Petro, akamuka akagara. Akamubata noruoko akamubatsira kuti amire netsoka dzake. Ipapo akadana vatendi nechirikadzi ndokubva amupa kwavari ari mupenyu. Izvi zvakazivikanwa muJopa yose, uye vanhu vazhinji vakatenda kuna She. Petro akambogara muJopa kwechinguva nomusuki wamatehwe ainzi Simoni.
Mabasa 9:1-43 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi Sauro achingorangarira kutyisa nokuuraya vadzidzi vaIshe, akaenda kumupristi mukuru, akakumbira kwaari magwaro okuenda nawo Dhamasiko kumasinagoge, kuti kana awana vamwe vaiva veNzira iyo, varume kana vakadzi, auye navo Jerusaremu vakasungwa. Zvino akati ari parwendo, oswedera pedyo neDhamasiko, kamwe-kamwe chiedza chakabva kudenga chikamupenyera pamativi ose, akawira pasi, akanzwa izwi richiti kwaari, “Sauro, Sauro, unonditambudzireiko?” Iye akati, “Ndimi aniko, Ishe?” Akati, “Ndini Jesu waunotambudza; zvinokuremera kupfura zvibayiso.” Iye achidedera nokutya, akati, “Ishe, munoda kuti ndiiteiko?” Ishe akati kwaari, “Simuka, uende muguta, uchandoudzwa zvaunofanira kuita.” Varume vaiva parwendo naye, vakamira vanyerere, vachinzwa izwi, asi vasingaoni munhu. Zvino Sauro akasimuka; asi achisvinudza meso ake, haana kuona chinhu; vakamubata ruoko, vakaenda naye Dhamasiko. Akaita mazuva matatu, asingaoni, asingadyi, asinganwi chinhu. Zvino paDhamasiko pakanga pano mumwe mudzidzi, ainzi Ananiasi; Ishe akati kwaari nezvaakaratidzwa, “Ananiasi!” Iye akati, “Ndiri pano Ishe!” Ishe akati kwaari, “Simuka, uende munzira yomuguta inonzi Yakarurama, ubvunze mumba maJudhasi, munhu anonzi Sauro weTaso; nokuti tarira, anonyengetera; naiye akaona murume, anonzi Ananiasi achipinda, achiisa maoko ake pamusoro pake, kuti aonezve.” Zvino Ananiasi akapindura, akati, “Ishe, ndakanzwa navanhu vazhinji zvomunhu uyu, kuti akaitira vatsvene venyu paJerusaremu zvakaipa zvizhinji; napano ane simba raakapiwa navapristi vakuru, kuti asunge vose vanonamata nezita renyu.” Asi Ishe akati kwaari, “Enda, nokuti iye mudziyo wakasanangurwa neni, kuti aende nezita rangu kuvahedheni, namadzimambo, nokuvana vaIsiraeri; nokuti ndichamuratidza zvose, zvaachafanira kutamburira nokuda kwezita rangu.” Ipapo Ananiasi akaenda akapinda mumba, akaisa maoko ake pamusoro pake, akati, “Sauro, hama, Ishe Jesu, akazviratidza kwauri munzira yawakauya nayo, akandituma, kuti uonezve, uzadzwe naMweya Mutsvene.” Pakarepo pameso ake pakabva zvinhu zvinenge mafunhurwa, akaonazve; akasimuka, ndokubhabhatidzwa; akadya zvokudya, ndokusimbiswa. Akagara navadzidzi paDhamasiko mamwe mazuva. Pakarepo akaparidza Jesu mumasinagoge, kuti ndiye Mwanakomana waMwari. Vose vakazvinzwa vakashamiswa, vakati, “Ko uyu haazi iye aiparadza vaidana zita iri paJerusaremu here, akauira izvozvo pano, kuti aende navo vakasungwa kuvapristi vakuru?” Asi Sauro akaramba achisimbiswa, akakunda vaJudha vakanga vagere Dhamasiko, achiratidza kuti Jesu ndiye Kristu. Zvino mazuva mazhinji akati apera, vaJudha vakarangana kuti vamuuraye. Asi kurangana kwavo kwakazikanwa naSauro. Vakarindawo masuo masikati nousiku, kuti vamuuraye. Zvino vadzidzi vake vakamutora usiku, vakamuburusa naparusvingo, vamuisa mudengu. Zvino akati asvika Jerusaremu, akaedza kufambidzana navadzidzi; asi ivo vakamutya vose, vasingatendi kuti ava mudzidzi. Zvino Bhanabhasi akamutora, akaenda naye kuvapostori, ndokuvarondedzera kuti akaona Ishe munzira, uye kuti akataura naye, uye kuti akaparidza nezita raJesu paDhamasiko asingatyi. Akagara navo paJerusaremu, achifambidzana navo, akaparidza nezita raIshe asingatyi. Akataura navaJudha vaitaura chiGiriki; asi ivo vakaedza kumuuraya. Zvino hama dzakati dzichizviziva, dzakamuburusira Kesaria, ndokumutumira Taso. Zvino kereke yakanga ino rugare paJudhea rose, reGariria, neSamaria, ikasimbiswa; ikawedzerwa, ichifamba ichitya Ishe, ichinyaradzwa naMweya Mutsvene. Zvino Petirosi akati achipota nyika kwose, akaburukirawo kuvatsvene vakanga vagere Ridha. Akawanapo mumwe munhu, ainzi Eniyasi, akanga avete panhoo makore masere, mitezo yake yakafa. Petirosi akati kwaari, “Eniyasi, Jesu Kristu anokuporesa; simuka, uzviwarire nhoo dzako!” Akasimuka pakarepo. Zvino vose vakanga vagere Ridha neSaroni vakamuona, vakatendeukira kuna Ishe. Zvino paJopa pakanga pano mukadzi aiva mudzidzi, ainzi Tabhita, ndokuti, Dhokasi, kana zvichishandurwa. Iye aishingaira zvikuru pamabasa akanaka ezvipo. Zvino namazuva iwayo iye akarwara, ndokufa. Vakati vamushambidza, vakamuisa muimba yokumusoro. Zvino Ridha zvayakanga iri pedyo neJopa, vadzidzi vakati vanzwa kuti Petirosi aripo, vakatumira kwaari vanhu vaviri, kuti vandokumbira zvikuru kwaari, vachiti, “Usanonoka hako kuuya kwatiri.” Ipapo Petirosi akasimuka, akaenda navo. Akati asvika, vakamuisa kuimba yokumusoro; chirikadzi dzose dzikamira naye dzichichema, vakamuratidza zvokufuka nenguo, dzavakanga vaitirwa naDhokasi, achiri navo. Zvino Petirosi akavabudisira panze vose, akapfugama, akanyengetera, ndokutendeukira kumutumbi, akati, “Tabhita, muka!” Akasvinura meso ake; zvino akati achiona Petirosi, akagara. Akamubata noruoko rwake, akamusimudza; akadana vatsvene nechirikadzi, akamuisa pamberi pavo ari mupenyu. Zvikazikanwa navose paJopa; vazhinji vakatenda kuna Ishe. Ipapo akagara mazuva mazhinji paJopa, kuno mumwe Simoni, musuki wamatehwe.
Mabasa 9:1-43 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ipapowo Sauro akanga ari moto moto kutyisidzira nokuuraya vadzidzi vaTenzi. Akaenda kumupristi mukuru, akamukumbira matsamba akanyorerwa masinagogu okuDhamasikusi okuti kana akawana ani naani zvake anotevera nzira iyi, vangave varume kana vakadzi, auye navo kuJerusaremu vakasungwa. Zvino zvaaifamba; avakusvika kuDhamasikusi chiedza chakabva kudenga chikayerekana chamupenyera. Akabva aputsikira pasi. Akanzwa izwi richitaura kwaari richiti, “Sauro, Sauro uri kunditambudzireiko?” Iye akati, “Ko ndimi aniko Tenzi?” Iye akati, “Ndini Jesu wauri kutambudza. Asi chisimuka upinde muguta. Uchataurirwa zvaunofanira kuita.” Varume vaaifamba navo zvakavashaisa romuromo. Vainzwa izvi asi pasina wavari kuona. Sauro akasimuka akazarura maziso ake asi hapana chaaikwanisa kuona. Naizvozvo vakatoita zvokumubata ruoko vachimutungamirira. Vakaenda naye muDhamasikusi. Akaita mazuva matatu asingaoni asingadyi kana kunwa. Imomo muDhamasikusi maiva nomudzidzi ainzi Ananiya. Tenzi akati kwaari, muchiratidzo, “Ananiya,” iye akati, “Ndiri pano Tenzi.” Tenzi akati kwaari, “Simuka uende kumugwagwa unonzi Sitireti ubvunze pamba paJudhasi mumwe murume wokuTasusi anonzi Sauro. Izvozvi ari kutonamata uye aoneswa murume anonzi Ananiya achiuya achizoisa maoko ake paari kuti akwanise kuonazve.” Asi Ananiya akapindura achiti, “Tenzi ndakanzwa navazhinji nezvomurume uyu kuti zvakawanda sei zvakaipa zvaakaita kuvatsvene venyu kuJerusaremu. Iko kuno ane simba rinobva kuvapristi vakuru kuti asunge vose vanodaidza zita renyu.” Asi Tenzi akati kwaari, “Enda zvako nokuti iye mudziyo wangu wokutakura zita rangu pamberi pevechirudzi napamberi pamadzimambo napamberi pavaIsiraeri, nokuti ndichamuratidza kuti anofanira kutambudzika zvakadiyi pamusana pezita rangu.” Naizvozvo Ananiya akaenda akasvikopinda muimba iyoyo. Akaisa maoko ake paari akati, “Hama Sauro, Tenzi Jesu akazvionesa panzira yawaiuya nayo andituma kuti ukwanise kuonazve uye kuti uzadzwe naMweya naMutsvene.” Pakarepo zvimwe zvinenge maranga zvakadonha mumaziso ake, akagona kuonazve. Akasimuka akaombekwa. Akadya akabva asimba. Sauro akagara navadzidzi kuDhamasikusi kwamazuva mazhinji. Pakarepo aiparidza mumasinagogu achiti Jesu Mwanakomana waMwari. Vose vakamunzwa vakakatyamadzwa vachiti, “Ko uyu haasiriye here murume uya akamutsa muchokoto muJerusaremu kuna vavo vanodaidza zita iri uye ndozvaavinga kuno kuti aende navo vakasungwa kuvaPristi vakuru?” Simba raPauro rakaramba richingowedzera, vaJudha vaigara muDhamasikusi vakazvishaira pazvo avakuratidza pachena kuti Jesu ndiye Mesia. Mushure memazuva mazhinji vaJudha vakapangana kumuuraya. Bangano ravo rakazivikanwa naSauro. Vaigaririra pamisuo mikuru siku nesikati kuti vamuuraye. Asi vadzidzi vake vakamutora nousiku vakamudzikisa ari mutswanda napamusoro porusvingo. Paakasvika kuJerusaremu akaedza kubatana navadzidzi asi vose vaimutya nokuti havana kutenda kuti akanga ava mudzidzi. Asi Bhanabhasi akamutora akaenda naye kuvapositori akavatsanangurira kuti akaona sei panzira, Tenzi akataura naye uye kuti akaparidza muDhamasikusi nechivindi chakadii muzita raJesu. Akagara navo akasununguka muJerusaremu achiparidza akashinga muzita raTenzi. Akataura achipikisana nevechiGiriki asi ivo vaitotsvaka zvokumuuraya. Vehama pavakazviziva vakadzika naye kuSezaria vakamuendesa kuTaso. Nezvo sangano rakava norunyararo muJudhea yose nomuGarirea nomuSamaria. Sangano rakasimbiswa richibatsirwa naMweya Mutsvene, rikakura richigara mukutya Tenzi. Zvino Pita zvaaifamba–famba mukati mavo vose akaendawo kuvatsvene vaigara kuRidha. Ikoko akawana mumwe murume ainzi Eniasi akanga angove wepabonde nokurwara kwamakore masere uye akanga akafa mitezo. Pita akati kwaari, “Eniasi Jesu Kristu ari kukurapa, simuka upete bonde rako.” Akabva asimuka pakarepo. Vagari vose vomuRidha nomuSharoni vakamuona vakatendeukira kuna Tenzi. KuJopa ikoko kwaiva nomudzimai ainzi Tabhita, zvinoreva kuti Dhokasi, akanga azere namabasa akanaka namabasa etsitsi. Pamazuva iwayo akarwara akafa. Pavakanga vamushambidza vakandomurarisa muimba yapamusoro. Zvino Ridha zvayaiva pedyo neJopa, vadzidzi pavakanzwa kuti Pita ariko vakatuma varume vaviri kwaari kundomukumbira vachiti, “Uyai kwatiri nokukasira.” Naizvozvo Pita akasimuka akaenda navo. Paakasvika, vakaenda naye kuimba yapamusoro. Chirikadzi dzose dzakamira paari dzichichema dzichiratidza mabhachi nehanzu dzakasonwa naDhokasi achinavo. Pita akavaburitsa kunze vose akapfugama achinamata. Akatendeukira kuchitunha akati, “Tabhita muka.” Tabhita akabva asvinura. Paakaona Pita, akamuka akaita zvokugara. Pita akamutambanudzira ruoko akabva amusimudza ndokudaidza vanamati nechirikadzi akamupa kwavari ava mupenyu. Zvakazivikanwa muJopa yose, vanhu vazhinji vakadavira muna Tenzi. Akagara kwamazuva mazhinji naSimoni musuki wamaTehwe.
Mabasa 9:1-43 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi Sauro aciŋgoraŋgarira kutyisa nokuʋuraya ʋadzidzi ʋaShe, wakaenda kumuprista mukuru, akakumbira kwaari magwaro okuenda nawo Damasko kumasinagoge, kuti kana awana ʋamŋe ʋaiʋa ʋeNzira iyo, ʋarume kana ʋakadzi, aʋuye naʋo Jerusarema ʋakasuŋgwa. Ɀino wakati ari parwendo, osweɗera pedyo neDamasko, kamŋe‐kamŋe ciedza cakabva kuɗeŋga cikamupenyera pamatiʋi ose, akawira pasi, akanzwa inzwi riciti kwaari: Sauro, Sauro, unonditambudzireiko? Iye akati: Ndimi aniko, Ishe? Akati: Ndini Jesu waunotambudza; [ɀinokuremera kupfura ɀiɓayiso. Iye aciɗeɗera nokutya, akati: Ishe, munoɗa kuti ndiiteiko? Ishe akati kwaari:] Simuka, uende muguta, ucandoʋudzwa ɀaunofanira kuita. Ʋarume ʋaiʋa parwendo naye, ʋakamira ʋanyerere, ʋacinzwa inzwi, asi ʋasiŋgaʋoni munhu. Ɀino Sauro akasimuka pasi; asi aciȿinudza meso ake, haana‐kuʋona cinhu; ʋakamuɓata ruʋoko, ʋakaenda naye Damasko. Akaita mazuʋa matatu, asiŋgaʋoni, asiŋgadyi, asiŋganwi cinhu. Ɀino paDamasko pakaŋga panomumŋe mudzidzi, wainzi Ananiasi; Ishe akati kwaari neɀaakaratidzwa: Ananiasi! Iye akati: Ndiri pano Ishe! Ishe akati kwaari: Simuka, uende munzira yomuguta inonzi Yakarurama, ubvunze mumba maJudasi, munhu unonzi Sauro weTarso; nokuti tarira, unonyeŋgetera; naiye wakaʋona murume, unonzi Ananiasi acipinda, aciisa maʋoko ake pamsoro pake, kuti aʋone ɀe. Ɀino Ananiasi akapindura, akati: Ishe, ndakanzwa naʋanhu ʋazhinji ɀomunhu uyu, kuti wakaitira ʋatȿene ʋenyu paJerusarema ɀakaipa ɀizhinji; napano unesimba raakapiwa naʋaprista ʋakuru, kuti asuŋge ʋose ʋanonamata nezita renyu. Asi Ishe akati kwaari: Enda, nokuti iye mudziyo wakasanaŋgurwa neni, kuti aende nezita raŋgu kuʋahedeni, namadzimambo, nokuʋana ʋaIsraeri; nokuti ndicamuratidza ɀose, ɀaacafanira kutamburira nokuɗa kwezita raŋgu. Ipapo Ananiasi akaenda akapinda mumba, akaisa maʋoko ake pamsoro pake, akati: Sauro, hama, Ishe Jesu, wakaɀiratidza kwauri munzira yawakaʋuya nayo, wakandituma, kuti uʋone ɀe, uzadzwe noMŋeya Mutȿene. Pakarepo pameso ake pakabva ɀinhu ɀineŋge mafunhurwa, akaʋona ɀe; akasimuka, ndokubapatidzwa; akadya ɀokudya, ndokusimbiswa. Akagara naʋadzidzi paDamasko mamŋe mazuʋa. Pakarepo akaparidza Jesu mumasinagoge, kuti ndiye Mŋanakomana waMŋari. Ʋose ʋakaɀinzwa ʋakashamiswa, ʋakati: Ko uyu haazi iye waiparadza ʋaiɗana kuzita iri paJerusarema here, akaʋuyira iɀoɀo pano, kuti aende naʋo ʋakasuŋgwa kuʋaprista ʋakuru? Asi Sauro wakaramba acisimbiswa, akakunda ʋaJuda ʋakaŋga ʋagere Damasko, aciratidza kuti Jesu ndiye Kristu. Ɀino mazuʋa mazhinji akati apera, ʋaJuda ʋakaraŋgana kuti ʋamuʋuraye. Asi kuraŋgana kwaʋo kwakazikanwa naSauro. Ʋakarinda ʋo masuʋo masikati noʋusiku, kuti ʋamuʋuraye. Ɀino ʋadzidzi ʋake ʋakamutora ʋusiku, ʋakamuɓurasa naparuȿiŋgo, ʋamuisa mudeŋgu. Ɀino wakati aȿika Jerusarema, akaidza kufambidzana naʋadzidzi; asi iʋo ʋakamutya ʋose, ʋasiŋgatendi kuti waʋa mudzidzi. Ɀino Barnabasi akamutora, akaenda naye kuʋaapostora, ndokuʋarondedzera kuti wakaʋona Ishe munzira, ʋuye kuti wakataura naye, ʋuye kuti wakaparidza nezita raJesu paDamasko asiŋgatyi. Akagara naʋo paJerusarema, acifambidzana naʋo, akaparidza nezita raShe asiŋgatyi. Akataura nokuita nharo naʋaJuda ʋaitaura ciGiriki; asi iʋo ʋakaidza kumuʋuraya. Ɀino hama dzakati dziciɀiziʋa, dzikamuɓurusira Kesaria, ndokumutumira Tarso. Ɀino kereke yakaŋga inorugare paJudea rose, neGarirea, neSamaria, ikasimbiswa; ikawedzerwa, icifamba icitya Ishe, icinyaradzwa noMŋeya Mutȿene. Ɀino Petro wakati acipote‐nyika kwose, akaɓurukira ʋo kuʋatȿene ʋakaŋga ʋagere Rida. Akawana’po mumŋe munhu, wainzi Eneasi, wakaŋga aʋete panhoʋo makore masere, mitezo yake yakafa. Petro akati kwaari: Eneasi, Jesu Kristu unokuporesa; simuka, uɀiwarire nhoʋo dzako! Akasimuka pakarepo. Ɀino ʋose ʋakaŋga ʋagere Rida neSaroni ʋakamuʋona, ʋakatendeʋukira kunaShe. Ɀino paJopa pakaŋga panomukadzi waiʋa mudzidzi, wainzi Tabita, ndokuti Dorkasi, kana ɀicishandurwa. Iye waishiŋgaira ɀikuru pamaɓasa akanaka neɀipo. Ɀino namazuʋa iwayo iye akarwara, ndokufa. Ʋakati ʋamushambidza, ʋakamuisa muimba yokumsoro. Ɀino Rida ɀawakaŋga uri pedyo neJopa, ʋadzidzi ʋakati ʋanzwa kuti Petro uri’po, ʋakatumira kwaari ʋanhu ʋaʋiri, kuti ʋandokumbira ɀikuru kwaari, ʋaciti: Usanonoka hako kuʋuya kwatiri. Ipapo Petro akasimuka, akaenda naʋo. Wakati aȿika, ʋakamuisa kuimba yokumsoro; cirikadzi dzose dzikamira naye dzicicema, ʋakamuratidza ɀokufuka neŋguʋo, dzaʋakaŋga ʋaitirwa naDorkasi, aciri naʋo. Ɀino Petro akaʋaɓuɗisira panze ʋose, akafugama, akanyeŋgetera, ndokutendeʋukira kumutumbu, akati: Tabita, muka! Akaȿinura meso ake; ɀino wakati aciʋona Petro, akagara. Akamuɓata noruʋoko rwake, akamusimudza; akaɗana ʋatȿene necirikadzi, akamuisa pamberi paʋo ari mupenyu. Ɀikazikanwa naʋose paJopa; ʋazhinji ʋakatenda kunaShe. Ipapo akagara mazuʋa mazhinji paJopa, kunomumŋe Simoni, musuki wamatebge.
Mabasa 9:1-43 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)