Mabasa 8:4-13
Mabasa 8:4-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vaya vakanga vaparadzirwa vakaparidza shoko kwose kwose kwavaienda. Firipi akaburuka akaenda kuguta raiva muSamaria akaparidza Kristu ikoko. Vanhu vazhinji vakati vanzwa Firipi uye vakaona zviratidzo zvaakaita, vose vakanyatsoteerera kune zvaaitaura. Nokuti mweya yetsvina yakabuda muvanhu ichidanidzira nenzwi guru, uye vazhinji vakanga vakaoma mitezo navakanga vakaremara vakaporeswa. Nokudaro kwakava nomufaro mukuru muguta iro. Zvino kwechinguva mumwe murume ainzi Simoni akanga aita unʼanga muguta uye akashamisa vanhu vose veSamaria. Aizvirumbidza achiti iye akanga ari munhu mukuru, uye vanhu vose kubva kuna vakakwirira kusvikira kuna vari pasi pasi, vaimuteerera vachiti, “Munhu uyu ndiye simba guru raMwari.” Vaimutevera nokuti akanga avashamisa kwenguva refu namashiripiti ake. Asi vakati vatenda Firipi sezvo aiparidza vhangeri roumambo hwaMwari nezita raJesu Kristu, vakabhabhatidzwa, vose varume navakadzi. Simoni pachake akatenda uye akabhabhatidzwa. Uye akatevera Firipi kwose kwose, achikatyamadzwa nezviratidzo zvikuru zvaakaona.
Mabasa 8:4-13 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino avo vakaparadzirwa, vakapota nyika, vachiparidza shoko. NaFiripi akaburukira kuguta reSamaria, akavaparidzira Kristu. Vanhu vazhinji vakateerera nomwoyo mumwe zvairehwa naFiripi, vachinzwa nokuona zviratidzo zvaakanga achiita. Nokuti mweya yetsvina yakabuda kuvazhinji vaiva nayo, ichidanidzira nezwi guru; navazhinji vakanga vakafa mitezo navaikamhina vakaporeswa. Mufaro mukuru ukavapo paguta iro. Zvino kwakanga kuno mumwe murume, ainzi Simoni, aiva n'anga kare paguta iro, aishamisa vanhu veSamaria, achizviita munhu mukuru. Vose, vaduku navakuru, vakamuteerera, vachiti, “Uyu munhu isimba guru raMwari.” Vakamuteerera, nokuti akanga avashamisa noun'anga hwake nguva huru. Zvino vakati vatenda Firipi, aiparidza mashoko oushe hwaMwari nezita raJesu Kristu, vakabhabhatidzwa varume navakadzi. Naiye Simoni akatendawo, ndokubhabhatidzwawo, akagara naFiripi; akashamiswa, achiona zviratidzo namabasa emasimba makuru, akanga achiitwa.
Mabasa 8:4-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvino vaya vakapararira, vakaenda vachiparidza shoko. Firipi akadzika kuguta reSamaria akavaparidza zvaMesia. Chikwata chikuru chavanhu chakateerera nomwoyo mumwechete kune zvaitaurwa naFiripi pavakamunzwa uye pavakaona zviratidzo zvaaiita, nokuti mweya yakaipa yakabuda muna vazhinji vakanga vakapoterwa ichizhamba. Vamwe vazhinji vakanga vakaoma mitezo kana kuremara vakarapwa. Naizvozvo makave norufaro rukuru muguta iroro. Kwaiva nomumwe murume ainzi Simoni aiita mashiripiti muguta iroro, akashamisa vanhu veSamaria achizviti ndini pano. Vose vakamuteerera kubvira kuvaduku kusvika kuvakuru vachiti, “Murume uyu ndiye mumwe mwari uya anonzi Samukurumukuru.” Nokudaro vaimuteerera nokuti aivashamisa namashiripiti ake kwenguva ndefu. Asi pavakatenda Firipi paaiparidza Shoko Rakanaka nezvoumambo hwaMwari uye zita raJesu Kristu vakaombekwa, varume navakadzi. Kunyange Simoni pachake akadavira. Mushure mokunge aombekwa akaenderera mberi aina Firipi. Paakaona zviratidzo nezvishamiso zvikuru zvakaitwa zvakamukatyamadza.
Mabasa 8:4-13 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino aʋo ʋakaparadzirwa, ʋakapotenyika, ʋaciparidza shoko. NaFiripo wakaɓurukira kuguta reSamaria, akaʋaparidzira Kristu. Ʋanhu ʋazhinji ʋakaterera nomŋoyo mumŋe ɀairebga naFiripo, ʋacinzwa nokuʋona ɀiratidzo ɀaakaŋga aciita. Nokuti mŋeya yetȿina yakaɓuɗa kuʋazhinji ʋaiʋa nayo, iciɗanidzira nenzwi guru; naʋazhinji ʋakaŋga ʋakafa mitezo naʋaikamhina ʋakaporeswa. Mufaro mukuru ukaʋa’po paguta iro. Ɀino kwakaŋga kunomumŋe murume, wainzi Simoni, waiʋa ŋaŋga kare paguta iro, waishamisa ʋanhu ʋeSamaria, aciɀiita munhu mukuru. Ʋose, ʋaɗuku naʋakuru, ʋakamuterera, ʋaciti: Uyu munhu isimba guru raMŋari. Ʋakamuterera, nokuti wakaŋga aʋashamisa noʋuŋaŋga bgake ŋguʋa huru. Ɀino ʋakati ʋatenda Firipo, waiparidza mashoko oʋushe bgaMŋari nezita raJesu Kristu, ʋakabapatidzwa ʋarume naʋakadzi. Naiye Simoni akatenda ʋo, ndokubapatidzwa ʋo, akagara naFiripo; akashamiswa, aciʋona ɀiratidzo namaɓasa esimba makuru, akaŋga aciitwa.
Mabasa 8:4-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)