Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 8:4-13

Mabasa 8:4-13 SNA2002

Zvino avo vakaparadzirwa, vakapota nyika, vachiparidza shoko. NaFiripi akaburukira kuguta reSamaria, akavaparidzira Kristu. Vanhu vazhinji vakateerera nomwoyo mumwe zvairehwa naFiripi, vachinzwa nokuona zviratidzo zvaakanga achiita. Nokuti mweya yetsvina yakabuda kuvazhinji vaiva nayo, ichidanidzira nezwi guru; navazhinji vakanga vakafa mitezo navaikamhina vakaporeswa. Mufaro mukuru ukavapo paguta iro. Zvino kwakanga kuno mumwe murume, ainzi Simoni, aiva n'anga kare paguta iro, aishamisa vanhu veSamaria, achizviita munhu mukuru. Vose, vaduku navakuru, vakamuteerera, vachiti, “Uyu munhu isimba guru raMwari.” Vakamuteerera, nokuti akanga avashamisa noun'anga hwake nguva huru. Zvino vakati vatenda Firipi, aiparidza mashoko oushe hwaMwari nezita raJesu Kristu, vakabhabhatidzwa varume navakadzi. Naiye Simoni akatendawo, ndokubhabhatidzwawo, akagara naFiripi; akashamiswa, achiona zviratidzo namabasa emasimba makuru, akanga achiitwa.

Verenga chikamu Mabasa 8