Mabasa 8:26-39
Mabasa 8:26-39 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino mutumwa waShe akati kuna Firipi, “Buruka uende zasi kumugwagwa, wokugwenga, unoburuka uchibva kuJerusarema uchienda kuGaza.” Saka akasimuka akapinda munzira uye akasangana nomuyunaki wechiEtiopia, muchinda mukuru aichengeta pfuma yaKandase, mambokadzi weEtiopia. Murume uyu akanga aenda kundonamata kuJerusarema, uye pakudzoka kwake kumusha akanga agere mungoro achiverenga bhuku raIsaya muprofita. Mweya Mutsvene akati kuna Firipi, “Enda kungoro iyo, uswedere pedyo nayo.” Ipapo Firipi akamhanya achienda kungoro akanzwa murume uya achiverenga kubva kuna Isaya muprofita. Firipi akati kwaari, “Uri kunzwisisa zvauri kuverenga here?” Iye akati, “Ndinganzwisisa seiko kana pasina munhu anonditsanangurira?” Saka akadana Firipi kuti akwire mungoro agare nayemo. Muyunaki uyu aiverenga chitsauko ichi choRugwaro: “Akatungamirirwa segwai raindobayiwa, uye segwayana rinyerere pamberi pomuveuri, saka haana kushamisa muromo wake. Mukuninipiswa kwake akashayiwa kururamisirwa. Ndianiko angataura nezvezvizvarwa zvake? Nokuti upenyu hwake hwakabviswa panyika.” Muyunaki uyu akabvunza Firipi akati, “Ndapota, ndiudze, muprofita ari kutaura pamusoro paaniko, anozvireva iye kana mumwe munhuwo?” Ipapo Firipi akatanga nechitsauko ichocho choRugwaro akamuparidzira vhangeri raJesu. Zvavakanga vachifamba nomugwagwa, vakasvika pakanga pane mvura saka muyunaki akati, “Tarirai, heino mvura. Chingandikonesa kubhabhatidzwa chiiko?” Uye Firipi akati, “Kana uchitenda nomwoyo wako wose, zvinogoneka.” Iye akapindura akati, “Ndinotenda kuti Jesu Kristu ndiye Mwanakomana waMwari.” Akarayira kuti ngoro imiswe. Ipapo vose vari vaviri, Firipi nomuyunaki vakapinda mumvura, Firipi akamubhabhatidza. Vakati vabuda mumvura, Mweya waShe wakatora Firipi pakarepo, uye muyunaki haana kuzomuonazve, asi akafamba munzira yake achifara kwazvo.
Mabasa 8:26-39 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino mutumwa waIshe akataura naFiripi, akati, “Simuka, uende Zasi kunzira inobva Jerusaremu ichiburukira Gaza; iyo nyika irenje.” Akasimuka, akaenda; zvino kwakanga kuno murume weItiopia, muranda mukuru kwazvo waKandase, mambokadzi weItiopia, aichengeta pfuma yake yose, akanga auya Jerusaremu kuzonamata; akanga achidzoka, agere mungoro yake achirava muporofita Isaya. Mweya akati kuna Firipi, “Swedera, urambire pangoro iyo.” Firipi akamhanyirako, akumunzwa achirava muporofita Isaya, akati, “Unonzwisisa zvaunorava here?” Iye akati, “Ndingagona seiko, kana mumwe asingandidudziri?” Akakumbira zvikuru kuna Firipi kuti akwire, agare naye. Zvino paakanga achirava muRugwaro paiti, “Akaiswa pakubayiwa segwai; Segwayana rinyerere pamberi pomuveuri waro, Saizvozvo haana kushamisa muromo wake; Pakuzvidzwa kwake kutongwa kwake kwakabviswa; Ndianiko acharondedzera rudzi rwake? Nokuti upenyu hwake hunobviswa panyika.” Muranda akapindura Firipi, akati, “Ndinokumbira kwauri, undiudze kuti muporofita anoreva aniko achidaro? Anozvireva iye amene, kana mumwe?” Ipapo Firipi akashamisa muromo wake, akatanga parugwaro urwu, akamuparidzira Jesu. Zvino vakati vachifamba munzira, vakasvika pane mvura; muranda akati, “Heyi mvura; chinyiko chingadzivisa ndirege kubhabhatidzwa?” [ Firipi akati, “Kana uchitenda nomwoyo wako wose, zvingaitwa.” Akapindura, akati, “Ndinotenda kuti Jesu ndiye Mwanakomana waMwari.”] Akarayira kuti ngoro imire; vakaburukira vose mumvura, iye Firipi nomuranda; akamubhabhatidza. Zvino vakati vachibuda mumvura, Mweya waIshe akabvisa Firipi; muranda akasazomuonazve; nokuti akafamba rwendo rwake, achifara.
Mabasa 8:26-39 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mutumwa waMwari akati kuna Firipi, “Simuka uende kumaodzanyemba kunzira inodzika kuGaza ichibva kuJerusaremu.” Nzira iyi inzira yomurenje. Akasimuka akaenda. Hoyo muEtiopia muyuniki aiva gurukota raKandasi mambokadzi wavaEtiopia aiva mukuru mukuru wezvoupfumi hwake hwose, akanga auya kuJerusaremu kuzonamata. Akanga achidzokera agere mungoro yake achiverenga bhuku romuporofita Isaya. Mweya akati kuna Firipi, “Enda undobatana nengoro iyo.” Firipi akamhanyira kwaari akamunzwa achiverenga Isaya muporofita. Akabvunza kuti, “Muri kunzwisisa here zvamuri kuverenga.” Iye akati, “Ndingagonzwisisa sei kusatoti mumwe anditsanangurira.” Akakumbirisa Firipi kuti akwire agare naye. Zvino ndima yaMagwaro Matsvene yaaiverenga ndeiyi. “Sehwai iri kuendwa nayo kundouraiwa kana sehwayana iri pamuveuri wayo, haana kumboti muromo bufu. Mukuninipiswa ikoku haana kuitirwa zvaaikodzera Ndiani angatsanangure nezvechizvarwa chake nokuti upenyu hwake hwakabviswa panyika.” Muyuniki akati kuna Firipi, “Nditaurirewo kuti muporofita uyu ari kutaura nezvani, nezvake here kana kuti nezvomumwewo?” Ipapo Firipi akatangisa kutaura achibvira pandima iyi yaMagwaro Matsvene, akamutaurira zveShoko Rakanaka rezvaJesu. Pavaifamba kudaro munzira vakasvika pane mvura. Muyuniki akati, “Tarisa uone pano pane mvura. Chingandirambidze kuombekwa chii?” Firipi akati, “Kana uchitenda nemwoyo wose unogona kuombekwa.” Iye akapindura achiti, “Ndinotenda kuti Jesu Kristu Mwanakomana waMwari.” Muyuniki akati, Ngoro imiswe. Vose vari vaviri vakapinda mumvura iye Firipi nomuyuniki akabva amuombeka. Pavakabuda mumvura Mweya waTenzi wakabvisa Firipi ipapo. Muyuniki haana kuzomuonazve. Asi akaenda rwendo rwake achifara zvikuru.
Mabasa 8:26-39 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino mutumŋa waShe akataura naFiripo, akati: Simuka, uende Zasi kunzira inobva Jerusarema iciɓurukira Gaza; iyo nyika irenje. Akasimuka, akaenda; ɀino kwakaŋga kunomurume weEtiopia, muranda mukuru kwaɀo waKandase, mambokadzi weEtiopia, waiceŋgeta fuma yake yose, wakaŋga aʋuya Jerusarema kuzonamata; wakaŋga acidzoka, agere muŋgoro yake aciraʋa muprofita Isaya. Mŋeya akati kunaFiripo: Sweɗera, urambire paŋgoro iyo. Firipo akamhanyira’ko, akamunzwa aciraʋa muprofita Isaya, akati: Unonzwisisa ɀaunoraʋa here? Iye akati: Ndiŋgagona seiko, kana mumŋe asiŋgandiɗudziri? Akakumbira ɀikuru kunaFiripo kuti akwire, agare naye. Ɀino paakaŋga aciraʋa paRugwaro paiti: Wakaiswa pakuɓayiwa segwai; Segwaiana rinyerere pamberi pomuʋeʋuri waro, Saiɀoɀo haana‐kushamisa muromo wake; Pakuɀidzwa kwake kutoŋgwa kwake kwakabviswa; Ndianiko ucarondedzera rudzi rwake? Nokuti ʋupenyu bgake bgunobviswa panyika. Muranda akapindura Firipo, akati: Ndinokumbira kwauri, undiʋudze kuti muprofita unoreʋa aniko aciɗaro? Unoɀireʋa iye amene, kana mumŋe? Ipapo Firipo akashamisa muromo wake, akataŋga parugwaro urwu, akamuparidzira Jesu. Ɀino ʋakati ʋacifamba munzira, ʋakaȿika panemvura; muranda akati: Heyi mvura; cinyiko ciŋgadziʋisa ndirege kubapatidzwa? [Firipo akati: Kana ucitenda nomŋoyo wako wose, ɀiŋgaitwa. Akapindura, akati: Ndinotenda kuti Jesu ndiye Mŋanakomana waMŋari.] Akaraira kuti ŋgoro imire; ʋakaɓurukira ʋose mumvura, iye Firipo nomuranda; akamubapatidza. Ɀino ʋakati ʋaciɓuɗa mumvura, Mŋeya waShe ukabvisa Firipo; muranda akasazomuʋona ɀe; nokuti wakafamba rwendo rwake, acifara.
Mabasa 8:26-39 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)