Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 8:26-39

Mabasa 8:26-39 SCLB

Mutumwa waMwari akati kuna Firipi, “Simuka uende kumaodzanyemba kunzira inodzika kuGaza ichibva kuJerusaremu.” Nzira iyi inzira yomurenje. Akasimuka akaenda. Hoyo muEtiopia muyuniki aiva gurukota raKandasi mambokadzi wavaEtiopia aiva mukuru mukuru wezvoupfumi hwake hwose, akanga auya kuJerusaremu kuzonamata. Akanga achidzokera agere mungoro yake achiverenga bhuku romuporofita Isaya. Mweya akati kuna Firipi, “Enda undobatana nengoro iyo.” Firipi akamhanyira kwaari akamunzwa achiverenga Isaya muporofita. Akabvunza kuti, “Muri kunzwisisa here zvamuri kuverenga.” Iye akati, “Ndingagonzwisisa sei kusatoti mumwe anditsanangurira.” Akakumbirisa Firipi kuti akwire agare naye. Zvino ndima yaMagwaro Matsvene yaaiverenga ndeiyi. “Sehwai iri kuendwa nayo kundouraiwa kana sehwayana iri pamuveuri wayo, haana kumboti muromo bufu. Mukuninipiswa ikoku haana kuitirwa zvaaikodzera Ndiani angatsanangure nezvechizvarwa chake nokuti upenyu hwake hwakabviswa panyika.” Muyuniki akati kuna Firipi, “Nditaurirewo kuti muporofita uyu ari kutaura nezvani, nezvake here kana kuti nezvomumwewo?” Ipapo Firipi akatangisa kutaura achibvira pandima iyi yaMagwaro Matsvene, akamutaurira zveShoko Rakanaka rezvaJesu. Pavaifamba kudaro munzira vakasvika pane mvura. Muyuniki akati, “Tarisa uone pano pane mvura. Chingandirambidze kuombekwa chii?” Firipi akati, “Kana uchitenda nemwoyo wose unogona kuombekwa.” Iye akapindura achiti, “Ndinotenda kuti Jesu Kristu Mwanakomana waMwari.” Muyuniki akati, Ngoro imiswe. Vose vari vaviri vakapinda mumvura iye Firipi nomuyuniki akabva amuombeka. Pavakabuda mumvura Mweya waTenzi wakabvisa Firipi ipapo. Muyuniki haana kuzomuonazve. Asi akaenda rwendo rwake achifara zvikuru.

Verenga chikamu Mabasa 8