Mabasa 8:1-3
Mabasa 8:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Uye Sauro akanga aripo achibvumirana nokufa kwake. Nomusi uyo kutambudzwa kukuru kwakatanga pakereke yepaJerusarema, uye vose vakaparadzirwa muJudhea rose nomuSamaria, kukasara vapostori chete. Varume vaitya Mwari vakaviga Sitefani uye vakamuchema zvikuru. Asi Sauro akatanga kuparadza kereke. Achipinda muimba neimba, akazvuzvurudza varume navakadzi achivaisa mutorongo.
Mabasa 8:1-3 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Sauro akanga achitenda kuurawa kwake. Zvino nenguva iyo kereke yapaJerusaremu yakatambudzwa zvikuru, vakaparadzirwa vose kunyika yeJudhea neSamaria, vakasara vapostori bedzi. Varume vakarurama vakaviga Sitefano, vakamuchema zvikuru. Zvino Sauro akaparadza kereke, achipinda mudzimba dzose, achikakata varume navakadzi, nokuvaisa mutorongo.
Mabasa 8:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Sauro akabvumirana nezvokuuraiwa kwake. Musi iwoyo kutambudzwa kukuru kwesangano kwakamuka muJerusaremu. Vose, kusiya vapositori chete, vakapararira nenyika yeJudhea neSamaria. Vanamati vakaviga Sitefani vakamuchema zvikuru. Asi Sauro paaiedza kuparadza Sangano, aipinda imba nemba achikwekweretsa varume navakadzi achivaisa mujeri.
Mabasa 8:1-3 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Sauro wakaŋga acitenda kuʋurawa kwake. Ɀino neŋguʋa iyo kereke yapaJerusarema yakatambudzwa ɀikuru, ʋakaparadzirwa ʋose kunyika yeJudea neSamaria, ʋakasara ʋaapostora ɓedzi. Ʋarume ʋakarurama ʋakaʋiga Stefano, ʋakamucema ɀikuru. Ɀino Sauro akaparadza kereke, acipinda mudzimba dzose, acikakata ʋarume naʋakadzi, nokuʋaisa mutoroŋgo.
Mabasa 8:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)