Mabasa 27:13-20
Mabasa 27:13-20 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino mhepo yezasi yakati ichirira zvishoma, vakati tawana zvatakanga tichivinga, vakabvapo, vakafamba pedyo neKiriti. Zvino gare-gare mhepo ine simba, yainzi, “Yurakuro,” ikaburuka ichibva kwairi, ikatiwira. Zvino chikepe chakati chichibatwa, tisingagoni kufamba takatarira mhepo, tikachirega, tikaramba tichingotorwa. Zvino tikafamba nyasi kwechimwe chiwi chiduku, chainzi Kiraudha, tikanga tokoniwa kusunga igwa. Vakati varisimudza, vakatora zvibatsiro, vakasunga chikepe nenyasi; zvino zvavakatya kuti vachakandirwa pajecha reSiritisi, vakaderedza masaira, ndokungotorwa. Fume mangwana, zvakatambura kwazvo nedutu remhepo, vakakandira nhumbi kunze; nezuva retatu, vakakandira zvinhu zvechikepe kunze namaoko avo. Zvino zvatakanga tisina kubudirwa nezuva kana nyeredzi mazuva mazhinji, nedutu guru remhepo richirambira riripo, takatorerwa kutarira kwose kwokuti tichaponeswa.
Mabasa 27:13-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mhepo yakadzikama yaibva zasi yakati yotanga kuvhuvhuta, vakafunga kuti vawana zvavaida; saka vakakanga chimiso mumvura tikafamba takatevedza mahombekombe eKirete. Kusati kwambopera nguva huru, mhepo huru ine simba, yainzi “Yurakuro,” yakavhuvhuta ichibva nokuchitsuwa. Chikepe chakabatwa nedutu chikatadza kupinda nomumhepo; saka takarega zvakadaro uye tikaramba tichingosairirwa. Takati tapfuura nezasi kwechitsuwa chiduku chainzi Kaudha, takanga tisisagoni kuchengetedza igwa rokununura upenyu. Varume vakati varikwidza pamusoro pechikepe, vakapinza tambo napasi pechikepe kuti zvibate zvakasimba. Vachitya kuti vangasairirwa kujecha rokuSiritisi, vakaderedza zvimiso zvomugungwa ndokubva varega chikepe chichisairirwa. Takanga tava kuvhungwa-vhungwa nedutu raiva nesimba zvokuti mangwana acho vakatanga kubudisa nhumbi muchikepe vachidzikanda mugungwa. Pazuva retatu, vakakanda mimwe midziyo yaishandiswa muchikepe mugungwa namaoko avo. Zuva kana nyeredzi pazvisina kuonekwa kwamazuva mazhinji, uye dutu parakaramba richipenga, takagumisira tarasikirwa netariro yose yokuponeswa kwedu.
Mabasa 27:13-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pakafefetera kamhepo kanobva kumaodzanyemba vakafunga kuti vawana zvavakanga vachida vakasimudza zvinorema zvokumisisa chikepe vakafambisa chikepe vachitevedza Kiriti vari pedyo namahombekombe. Asi pakarepo dutu rinonzi mhepo yokuchamhembe kwakadziva kumabvazuva yakarova ichidzika ichibva nokuKiriti ikoko. Chikepe chakahwetsurwa chikatadza kukunda mhepo tikabva tangoregerawo zvakadaro ndokubva tavakungoendeswa. Takamhanya tiri kwakadzivirwa mhepo nakatsuwa kanonzi Kaudha. Takakwanisa kusungirira igwa zviri zvokutovavarira kwazvo. Vakarikakatira mukati. Vakaita kuti chikepe chinyatsosimba nokusungirira tambo napasi pacho. Pamusana pokutya kuti vangangopinda mujecha ramahombekombe eSiritisi vakaderedza zvinofambisa chikepe, ndokungosundwa zvachowo. Nenzira yokuti takanga tichitomhotswa–tomhotswa zvinotyisa ramangwana acho vakatangisa kukanda zvinhu panze. Pazuva retatu vakakanda panze namaoko avo, zvimwe zvokushandisa pakufambisa chikepe. Kuzoti kwaita mazuva akawanda pasingambooneka zuva kana nyenyedzi, iro dutu richitivhuvhuta zvakaomarara takanga tangobatira ura mumaoko tongoti ndiko kwavakupera uku.
Mabasa 27:13-20 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino mhepo yezasi yakati icirira ɀishoma, ʋakati tawana ɀatakaŋga ticiʋiŋga, ʋakabva’po, ʋakafamba pedyo neKrita. Ɀino gare‐gare mhepo inesimba, yainzi Yurakuro, ikaɓuruka icibva kwairi, ikatiwira. Ɀino cikepe cakati ciciɓatwa, tisiŋgagoni kufamba takatarira mhepo, tikacirega, tikaramba ticiŋgotorwa. Ɀino tikafamba nyasi kwecimŋe ciwi ciɗuku, cainzi Krauda, tikaŋga tokoniwa kusuŋga igwa. Ʋakati ʋarisimudza, ʋakatora ɀiɓatsiro, ʋakasuŋga cikepe nenyasi; ɀino ɀaʋakatya kuti ʋacakandirwa pajeca reSirtisi, ʋakaɗeredza maseiri, ndokuŋgotorwa Fume maŋgwana, ɀatakatambura kwaɀo neɗutu remhepo, ʋakakandira nhumbi kunze; nezuʋa retatu, ʋakakandira ɀinhu ɀecikepe kunze namaʋoko aʋo. Ɀino ɀatakaŋga tisina‐kuɓuɗirwa nezuʋa kana nyeredzi mazuʋa mazhinji, neɗutu guru remhepo ricirambira riri’po, takatorerwa kutarira kwose kwokuti ticaponeswa.
Mabasa 27:13-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)