Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Maɓasa Aʋaapostora 27

27
Pauro unoenda Roma.
1Ɀino kwakati kwatemŋa kuti tiende Itaria necikepe, ʋakaisa Pauro naʋamŋe ʋasuŋgwa kumukuru wezana, wainzi Jurio, wehondo yaAugusto. 2Ɀino takati tapinda mucikepe ceAdramiteni, cakaŋga coenda napamisha yemhenderekedzo dzeAsia, tikabva tinaAristarko muMakedonia, waibva Tesaronika. 3Fume maŋgwana tikaȿika Sidoni, Jurio akaitira Pauro ɀakanaka, akamutendera kuti aende kushamŋari dzake, aceŋgetwe naʋo. 4Tikabva ipapo, tikapfuʋura nenyasi kweKupro, nokuti mhepo yakatidziʋisa. 5Ɀino tikayambuka guŋgwa reKirikia nePamfiria, tikaȿika Mira, musha weRikia. 6Mukuru wezana akawana’po cikepe ceAreksandria, caienda Itaria, ndokutipinza’mo. 7Ɀino takanatsofamba mazuʋa mazhinji, tikaȿika pakatarisana neKinido ticitambudzika, mhepo ɀayakaŋga isiŋgatitenderi kufamba, tikapfuʋura nenyasi kweKrita, pakatarisana neSarmoni. 8Tikapfuʋura napo ticitambudzika, ndokuȿika pamŋe painzi Zororo Rakanaka, pedyo neguta reRasea.
9Ɀino ŋguʋa huru yakati yapfuʋura, nokufamba neguŋgwa kwaʋa nenjodzi, nokuti ŋguʋa yokuɀinyima ɀokudya yakaŋga yatopfuʋura, Pauro akaʋaraira, 10akati kwaʋari: Ʋarume, ndinoʋona kuti rwendo rweɗu rucaʋa nokutambudzika nokurashikirwa kukuru, ɀisani ɀiri ɀomutoro necikepe ɓedzi, asi nokwoʋupenyu bgeɗu ʋo. 11Asi mukuru wezana wakaterera mufambisi wecikepe, nomŋene waco, kupfuʋura ɀakarebga naPauro, 12nokuti zororo ɀarakaŋga risina‐kunaka kuti ʋagare’po cando, ʋamŋe ʋazhinji ʋakati ɀirinani kuti ʋabve’po, kuti ɀimŋe ʋaŋgaȿika Fenika ʋagare’po cando; ndiro zororo reKrita, rakaŋga rakatarira mabvazuʋa kumsoro nezasi. 13Ɀino mhepo yezasi yakati icirira ɀishoma, ʋakati tawana ɀatakaŋga ticiʋiŋga, ʋakabva’po, ʋakafamba pedyo neKrita. 14Ɀino gare‐gare mhepo inesimba, yainzi Yurakuro, ikaɓuruka icibva kwairi, ikatiwira. 15Ɀino cikepe cakati ciciɓatwa, tisiŋgagoni kufamba takatarira mhepo, tikacirega, tikaramba ticiŋgotorwa. 16Ɀino tikafamba nyasi kwecimŋe ciwi ciɗuku, cainzi Krauda, tikaŋga tokoniwa kusuŋga igwa. 17Ʋakati ʋarisimudza, ʋakatora ɀiɓatsiro, ʋakasuŋga cikepe nenyasi; ɀino ɀaʋakatya kuti ʋacakandirwa pajeca reSirtisi, ʋakaɗeredza maseiri, ndokuŋgotorwa 18Fume maŋgwana, ɀatakatambura kwaɀo neɗutu remhepo, ʋakakandira nhumbi kunze; 19nezuʋa retatu, ʋakakandira ɀinhu ɀecikepe kunze namaʋoko aʋo. 20Ɀino ɀatakaŋga tisina‐kuɓuɗirwa nezuʋa kana nyeredzi mazuʋa mazhinji, neɗutu guru remhepo ricirambira riri’po, takatorerwa kutarira kwose kwokuti ticaponeswa. 21Ɀino ʋakati ʋagara ŋguʋa refu ʋasiŋgadyi, Pauro akamira pakati paʋo, akati: Ʋarume, maifanira kunditerera, mukasabva Krita, mukasawirwa nokutambudzika nokurashikirwa uku. 22Asi ɀino ndinokurairai kuti mutsuŋge mŋoyo; nokuti hakunauŋgarashikirwa noʋupenyu bgake pakati penyu, asi cikepe ɓedzi. 23Nokuti ʋusiku bguno mutumŋa waMŋari, wandiri wake, nowandinoshumira ʋo, wakamira neni, 24akati: Pauro, usatya; unofanira kumira pamberi paKesari; tarira, Mŋari wakakupa ʋose ʋanofamba newe mucikepe. 25Naiɀoɀo, ʋarume, tsuŋgai mŋoyo, nokuti ndinotenda Mŋari, kuti ɀicaitika seɀandakaʋudzwa. 26Asi tinofanira kukandirwa panecimŋe ciwi.
27Ɀino ʋusiku bgegumi noʋunna bgakati bgaȿika, ticaŋgotorwa‐torwa muguŋgwa reAdria, pakati poʋusiku ʋafambisi ʋecikepe ʋakati ʋosweɗera kuneimŋe nyika. 28Ʋakayera kudzika kwemʋura, ʋakawana pakaita mafadomi#27:28 Fadomi rimŋe dɀineŋge tsoka nhanhatu. makumi maʋiri; ʋakapfuʋura ɀishoma, ndokuyera ɀe, ʋakawana pakaita mafadomi#27:28 Fadomi rimŋe dɀineŋge tsoka nhanhatu. anegumi namashanu. 29Ɀino ʋakatya kuti ɀimŋe ticawira pamabge, ʋakakanda ɀimiso ɀinna neshure kwecikepe, ʋakacema ʋaciti kuedze. 30Ɀino ʋafambisi ʋakati ʋaciɗa kutiza mucikepe, ʋakaɓurusira igwa muguŋgwa, ʋaciita saʋaneŋge ʋokanda ɀimiso kumuromo waco. 31Pauro akati kumukuru wezana naʋarwi: Hamuŋgararami kana aʋa ʋasiŋgagari mucikepe. 32Ipapo ʋarwi ʋakagura maɓote egwa, ʋakarirega, rikawa. 33Ɀino kwakati kwoedza, Pauro akakumbira ɀikuru kwaʋari ʋose kuti ʋadye, aciti: Nhasi raʋa zuʋa regumi nerecinna, ramakagara muciɀinyima kudya, musiŋgadyi cinhu. 34Saka ndinokumbira ɀikuru kuti mudye, nokuti ndiɀo ɀicakuponesai; nokuti hakunoruvudzi rumŋe rucaparadzwa pamusoro womumŋe wenyu. 35Wakati areʋa iɀoɀo, akatora ciŋgwa, akaʋoŋga Mŋari pamberi paʋo ʋose, akacimeɗura, ndokutaŋga kudya iye. 36Ipapo ʋakatsuŋga mŋoyo ʋose, ʋakadya ʋo ʋamene. 37Isu tose taiʋa mucikepe, taiʋa mazana maʋiri namakumi manomŋe naʋatanhatu 38Ɀino ʋakati ʋaguta, ʋakarerusa cikepe, ʋacikandira ɀiyo muguŋgwa. 39Kwakati kwoedza, ʋakasaziʋa nyika; asi ʋakaʋona zororo raiʋa nejeca, ʋakaraŋgana kana ɀaibvira kuitika, kuti ʋaise cikepe pariri. 40Ipapo ʋakagura ɀimiso, ʋakaɀisiya muguŋgwa, ʋakasunuŋgura ɀisuŋgo ɀaisuŋga ɀokudzoresa naɀo, ʋakasimudzira seiri rapamberi kumhepo, ʋakaruramira kumhenderekedzo. 41Ɀino ʋakati ʋaciȿika paiɗira makuŋgwa maʋiri, ʋakagumirisa cikepe pasi; muromo waco ukaɓatwa kwaɀo usiŋgazunuŋguki, asi rutiʋi rwaco rweshure rukavunika nesimba remʋura. 42Ɀino ʋarwi ʋakati ɀirinani kuti ʋasuŋgwa ʋaʋurawe, kuti ʋamŋe ʋarege kutiza ʋacishambira. 43Asi mukuru wezana wakaɗa kuponesa Pauro, akaʋadziʋisa ɀaʋakaŋga ʋaciɗa kuita; akaraira kuti ʋanogona kushambira, ʋataŋge kuɀiwisira mumʋura, ʋaɓuɗe kunyika; 44ʋamŋe, ʋasara, ʋaɓuɗe ʋamŋe pamatanda, ʋamŋe paneɀimŋe ɀinhu ɀecikepe. Naiɀoɀo ɀakaitika kuti ʋose ʋakaȿika kunyika ʋari ʋapenyu.

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda