Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 27:13-20

Mabasa 27:13-20 SNA2002

Zvino mhepo yezasi yakati ichirira zvishoma, vakati tawana zvatakanga tichivinga, vakabvapo, vakafamba pedyo neKiriti. Zvino gare-gare mhepo ine simba, yainzi, “Yurakuro,” ikaburuka ichibva kwairi, ikatiwira. Zvino chikepe chakati chichibatwa, tisingagoni kufamba takatarira mhepo, tikachirega, tikaramba tichingotorwa. Zvino tikafamba nyasi kwechimwe chiwi chiduku, chainzi Kiraudha, tikanga tokoniwa kusunga igwa. Vakati varisimudza, vakatora zvibatsiro, vakasunga chikepe nenyasi; zvino zvavakatya kuti vachakandirwa pajecha reSiritisi, vakaderedza masaira, ndokungotorwa. Fume mangwana, zvakatambura kwazvo nedutu remhepo, vakakandira nhumbi kunze; nezuva retatu, vakakandira zvinhu zvechikepe kunze namaoko avo. Zvino zvatakanga tisina kubudirwa nezuva kana nyeredzi mazuva mazhinji, nedutu guru remhepo richirambira riripo, takatorerwa kutarira kwose kwokuti tichaponeswa.

Verenga chikamu Mabasa 27