Mabasa 27:11-13
Mabasa 27:11-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi mukuru wezana, pachinzvimbo chokuti ateerere kune zvakanga zvataurwa naPauro, akatevera zano romuchairi wechikepe uye neromuridzi wechikepe. Sezvo panomira chikepe pakanga pasina kunaka kuti vanhu vagarepo munguva yechando, voruzhinji vakasarudza kuti tirambe tichifamba, vachitarisira kusvika kuFonisia tigogarako panguva yechando. Iyi ndiyo yaiva nzvimbo yomuKirete yaimirira chikepe, yakatarisa kwose zasi kwakadziva kumavirira nokumusoro kwakadziva kumavirira. Mhepo yakadzikama yaibva zasi yakati yotanga kuvhuvhuta, vakafunga kuti vawana zvavaida; saka vakakanga chimiso mumvura tikafamba takatevedza mahombekombe eKirete.
Mabasa 27:11-13 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi mukuru wezana akaterera mufambisi wechikepe, nomwene wacho, kupfuura zvakarehwa naPauro, nokuti zororo zvarakanga risina kunaka kuti vagarepo chando, vamwe vazhinji vakati zviri nani kuti vabvepo, kuti zvimwe vangasvika Fenika vagarepo chando; ndiro zororo reKiriti, rakanga rakatarira mabvazuva kumusoro nezasi. Zvino mhepo yezasi yakati ichirira zvishoma, vakati tawana zvatakanga tichivinga, vakabvapo, vakafamba pedyo neKiriti.
Mabasa 27:11-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Asi mutungamiriri wezana akateerera kune zvemutungamiriri wechikepe nomuridzi wechikepe kupinda zvaitaurwa naPauro. Pamusanawo pokuti panomirira zvikepe pakanga pasingaiti kupedzera nguva yechando varipo, ruzhinji rwakasarudza kuti vabvepo vaende, vachiti zvimwe, vangadaro vakakwanisa kusvika kuFonikisi, nzvimbo inomirwa nezvikepe zveKiriti yakatarisa kuchamhembe kwakadziva kumabvazuva uye kumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva kuti tigopedzera nguva yechando tiriko. Pakafefetera kamhepo kanobva kumaodzanyemba vakafunga kuti vawana zvavakanga vachida vakasimudza zvinorema zvokumisisa chikepe vakafambisa chikepe vachitevedza Kiriti vari pedyo namahombekombe.
Mabasa 27:11-13 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi mukuru wezana wakaterera mufambisi wecikepe, nomŋene waco, kupfuʋura ɀakarebga naPauro, nokuti zororo ɀarakaŋga risina‐kunaka kuti ʋagare’po cando, ʋamŋe ʋazhinji ʋakati ɀirinani kuti ʋabve’po, kuti ɀimŋe ʋaŋgaȿika Fenika ʋagare’po cando; ndiro zororo reKrita, rakaŋga rakatarira mabvazuʋa kumsoro nezasi. Ɀino mhepo yezasi yakati icirira ɀishoma, ʋakati tawana ɀatakaŋga ticiʋiŋga, ʋakabva’po, ʋakafamba pedyo neKrita.
Mabasa 27:11-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)