Mabasa 25:1-12
Mabasa 25:1-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Kwakati kwapera mazuva matatu mushure mokusvika kwake munyika iyo, Fesitasi akakwira kubva kuKesaria akaenda kuJerusarema, vaprista vakuru navakuru vavaJudha vakamira pamberi pake vakapira mhosva yaPauro kwaari. Vakakumbira zvikuru kuna Fesitasi, sechinhu chinofadza kwavari, kuti Pauro aendeswe kuJerusarema, nokuti vakanga vachigadzirira kumuvandira kuti vagomuuraya munzira imomo. Fesitasi akapindura akati, “Pauro akachengetwa paKesaria, uye ini pachangu ndichaendako nokukurumidza. Vamwe vavakuru venyu ngavaende neni vagondokwirira munhu uyu ikoko, kana akaita chinhu chipi zvacho chakaipa.” Akati apedza mazuva masere kana gumi navo, akaburuka akaenda kuKesaria, uye zuva rakatevera akaunganidza vedare akarayira kuti Pauro auyiswe pamberi pake. Pauro akati asvika, vaJudha vakanga vabva kuJerusarema vakamira vakamukomberedza, vachimupomera mhosva dzakaipisisa, dzavakanga vasingakwanisi kusimbisa. Ipapo Pauro akazvidavirira achiti, “Ini handina kuita chinhu chakaipa pamusoro pomurayiro wavaJudha kana temberi kana Kesari.” Fesitasi achida kufadza vaJudha, akati kuna Pauro, “Unoda here kuenda kuJerusarema kuti undomira pamberi pangu uchitongwa neni ikoko pamusoro pemhosva dzaunopomerwa idzi?” Pauro akapindura akati, “Iye zvino ndimire pamberi pedare raKesari, munova ndimo mandinofanira kutongwa. Handina kuita chinhu chakaipa kuvaJudha, sezvamunonyatsoziva imi pachenyu. Kunyange zvakadaro hazvo, kana ndine mhosva yokuita chinhu chipi zvacho chinokodzera rufu, handingarambi kufa. Asi kana mhosva dzandinopomerwa navaJudha dzisina chokwadi, hakuna munhu ane mvumo yokundiisa kwavari. Ndinozviisa kuna Kesari!” Shure kwokunge Fesitasi ataurirana namakurukota ake, akati, “Wazviisa kuna Kesari. Kuna Kesari uchaenda!”
Mabasa 25:1-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Fesito akati asvika panyika iyo, mazuva matatu apfuura, akakwira Jerusaremu, achibva Kesaria, vapristi vakuru navakuru vavaJudha vakamhan'arira Pauro kwaari vakamunyengetera, vakakumbira kuti avafadze pamusoro pake, amudanire Jerusaremu, kuti vamuvandire vamuuraye panzira. Asi Fesito akapindura, achiti, “Pauro akachengetwa Kesaria, uye kuti iye amene akanga okurumidza kuendako. Akati, avo vane simba pakati penyu, ngavaburuke neni; kana kune chinhu chisakafanira kumunhu uyu, ngavamupomere mhosva.” Akagara pakati pavo mazuva asingapfuuri masere kana gumi, ndokuburukira Kesaria; fume mangwana akagara pachigaro chokutonga, akarayira kuti vauye naPauro. Akati asvika, vaJudha vakabva Jerusaremu, vakamukomba, vakamupomera mhosva zhinji dzakaipa, dzavakanga vasingagoni kusimbisa. Zvino Pauro akazvidavirira, akati, “Handina kutadzira murayiro wavaJudha, kana temberi, kana Kesari.” Zvino Fesito achida kufadza vaJudha, akapindura Pauro akati, “Unoda here kukwira Jerusaremu, undotongwako pamberi pangu pamusoro pezvinhu izvi?” Ipapo Pauro akati, “Ndinomira pamberi pechigaro chokutonga chaKesari, pandinofanira kutongwa; handina kuitira vaJudha zvisakarurama, sezvamunoziva nemiwo zvakanaka. Zvino kana ndinenge ndisakarurama, ndaita chinhu chinofanira rufu, handirambi kufa; asi kana pasina chinhu chezvokwadi pazvinhu zvavanondipomera, hakuna munhu angandiisa kwavari. Ndinozviisa kuna Kesari.” Ipapo Fesito akataurirana namakurukota, akapindura, akati, “Wazviisa kuna Kesari; kuna Kesari uchaenda.”
Mabasa 25:1-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Fesitusi paakauya kudunhu rake mushure memazuva matatu akakwira kuJerusaremu achibva kuSezaria. Vapristi vakuru navakuru vakuru vaVaJudha vakamuzivisa nezvemhosva yavaipa Pauro. Vakamukumbirisa, kuti avaitire mutsa wokuti, Pauro aunzwe kuJerusaremu ivo vaine bangano rokumuhwandira kuti vamuuraye panzira. Fesitusi akapindura achiti, “Pauro ari kuchengetedzwa kuSezaria uye kuti iye Fesitusi pachakewo aitoda kuendako mushure mechinguvana.” Iye akati, “Naizvozvo regai varume vane ukuru pakati penyu vadzike pamwechete neni uye kana pane chakaipa nomunhu uyu mutaure mhosva yaanayo.” Akati garei mazuva asingapfuuri masere kana gumi, akadzika kuSezaria. Ramangwana acho agara pachigaro chake chokutonga akati Pauro aunzwe. Paakauya, vaJudha vakanga vadzika vachibva kuJerusaremu vakamukomba vachimupomera mhosva zhinji dzakaipisisa dzavakanga vasingagoni kuburitsa chokwadi chadzo. Pauro, achizvidzivirira, akati, “Handina kana kutyora mutemo wavaJudha kana weTemberi kana kutadzira Siza.” Pamusana pokuda kufadza vaJudha akati kuna Pauro, “Unoda here kuenda kuJerusaremu kundotongwa nemhosva dzamhan'arwa kwandiri idzi?” Pauro akati, “Ndimire mudare raSiza kwandinofanira kutongwa. Handina kutadzira vaJudha, sokunyatsozviziva kwamunoita. Kana ndiri munhu akakanganisa uye ndakapara mhosva ipi neipi zvayo inokodzera kuti ndife handisi kuda kutsvaga kupunyuka rufu asi pane zvavari kundimhan'arira kana pasina mhosva hapana angakwanise kunditurira mumaoko avo. Ini ndinoda kuti mhosva yangu ichisvitswa kuna Siza.” Ipapo, Fesitusi, mushure mokunge ambobvunzawo makurukota ake akapindura achiti, “Wakumbira kuti mhosva yako isvitswe kuna Siza, kuna Siza ndiko kwauchaenda.”
Mabasa 25:1-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Festo wakati aȿika panyika iyo, mazuʋa matatu apfuʋura, akakwira Jerusarema, acibva Kesaria, ʋaprista ʋakuru naʋakuru ʋaʋaJuda ʋakamhaŋarira Pauro kwaari, ʋakamunyeŋgetera, ʋakakumbira kuti aʋafadze pamsoro pake, amuɗanire Jerusarema, kuti ʋamuʋandire ʋamuʋuraye panzira. Asi Festo wakapindura, aciti Pauro wakaceŋgetwa Kesaria, ʋuye kuti iye amene wakaŋga okurumidza kuenda’ko. Akati: Aʋo ʋanesimba pakati penyu, ŋgaʋaɓuruke neni; kana kunecinhu cisakafanira kumunhu uyu, ŋgaʋamupomere mhoȿa. Akagara pakati paʋo mazuʋa asiŋgapfuʋuri masere kana gumi, ndokuɓurukira Kesaria; fume maŋgwana akagara pacigaro cokutoŋga, akaraira kuti ʋaʋuye naPauro. Wakati aȿika, ʋaJuda ʋakabva Jerusarema, ʋakamukomba, ʋakamupomera mhoȿa zhinji dzakaipa, dzaʋakaŋga ʋasiŋgagoni kusimbisa. Ɀino Pauro akaɀiɗaʋirira, akati: Handina‐kutadzira murairo waʋaJuda, kana tembere, kana Kesari Ɀino Festo aciɗa kufadza ʋaJuda, akapindura Pauro akati: Unoɗa here kukwira Jerusarema, undotoŋgwa’ko pamberi paŋgu pamsoro peɀinhu iɀi? Ipapo Pauro akati: Ndinomira pamberi pecigaro cokutoŋga caKesari, pandinofanira kutoŋgwa; handina‐kuitira ʋaJuda ɀisakarurama, seɀamunoziʋa nemi ʋo ɀakanaka. Ɀino kana ndineŋge ndisakarurama, ndaita cinhu cinofanira rufu, handirambi kufa; asi kana pasinecinhu ceɀokwaɗi paɀinhu ɀaʋanondipomera, hakunomunhu uŋgandiisa kwaʋari. Ndinoɀiisa kunaKesari. Ipapo Festo akataurirana namakurukota, akapindura, akati: Waɀiisa kunaKesari; kunaKesari ucaenda.
Mabasa 25:1-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)