Zvino Fesito akati asvika panyika iyo, mazuva matatu apfuura, akakwira Jerusaremu, achibva Kesaria, vapristi vakuru navakuru vavaJudha vakamhan'arira Pauro kwaari vakamunyengetera, vakakumbira kuti avafadze pamusoro pake, amudanire Jerusaremu, kuti vamuvandire vamuuraye panzira. Asi Fesito akapindura, achiti, “Pauro akachengetwa Kesaria, uye kuti iye amene akanga okurumidza kuendako. Akati, avo vane simba pakati penyu, ngavaburuke neni; kana kune chinhu chisakafanira kumunhu uyu, ngavamupomere mhosva.”
Akagara pakati pavo mazuva asingapfuuri masere kana gumi, ndokuburukira Kesaria; fume mangwana akagara pachigaro chokutonga, akarayira kuti vauye naPauro. Akati asvika, vaJudha vakabva Jerusaremu, vakamukomba, vakamupomera mhosva zhinji dzakaipa, dzavakanga vasingagoni kusimbisa. Zvino Pauro akazvidavirira, akati, “Handina kutadzira murayiro wavaJudha, kana temberi, kana Kesari.”
Zvino Fesito achida kufadza vaJudha, akapindura Pauro akati, “Unoda here kukwira Jerusaremu, undotongwako pamberi pangu pamusoro pezvinhu izvi?”
Ipapo Pauro akati, “Ndinomira pamberi pechigaro chokutonga chaKesari, pandinofanira kutongwa; handina kuitira vaJudha zvisakarurama, sezvamunoziva nemiwo zvakanaka. Zvino kana ndinenge ndisakarurama, ndaita chinhu chinofanira rufu, handirambi kufa; asi kana pasina chinhu chezvokwadi pazvinhu zvavanondipomera, hakuna munhu angandiisa kwavari. Ndinozviisa kuna Kesari.”
Ipapo Fesito akataurirana namakurukota, akapindura, akati, “Wazviisa kuna Kesari; kuna Kesari uchaenda.”