Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 25:1-12

Mabasa 25:1-12 SCLBD

Fesitusi paakauya kudunhu rake mushure memazuva matatu akakwira kuJerusaremu achibva kuSezaria. Vapristi vakuru navakuru vakuru vaVaJudha vakamuzivisa nezvemhosva yavaipa Pauro. Vakamukumbirisa, kuti avaitire mutsa wokuti, Pauro aunzwe kuJerusaremu ivo vaine bangano rokumuhwandira kuti vamuuraye panzira. Fesitusi akapindura achiti, “Pauro ari kuchengetedzwa kuSezaria uye kuti iye Fesitusi pachakewo aitoda kuendako mushure mechinguvana.” Iye akati, “Naizvozvo regai varume vane ukuru pakati penyu vadzike pamwechete neni uye kana pane chakaipa nomunhu uyu mutaure mhosva yaanayo.” Akati garei mazuva asingapfuuri masere kana gumi, akadzika kuSezaria. Ramangwana acho agara pachigaro chake chokutonga akati Pauro aunzwe. Paakauya, vaJudha vakanga vadzika vachibva kuJerusaremu vakamukomba vachimupomera mhosva zhinji dzakaipisisa dzavakanga vasingagoni kuburitsa chokwadi chadzo. Pauro, achizvidzivirira, akati, “Handina kana kutyora mutemo wavaJudha kana weTemberi kana kutadzira Siza.” Pamusana pokuda kufadza vaJudha akati kuna Pauro, “Unoda here kuenda kuJerusaremu kundotongwa nemhosva dzamhan'arwa kwandiri idzi?” Pauro akati, “Ndimire mudare raSiza kwandinofanira kutongwa. Handina kutadzira vaJudha, sokunyatsozviziva kwamunoita. Kana ndiri munhu akakanganisa uye ndakapara mhosva ipi neipi zvayo inokodzera kuti ndife handisi kuda kutsvaga kupunyuka rufu asi pane zvavari kundimhan'arira kana pasina mhosva hapana angakwanise kunditurira mumaoko avo. Ini ndinoda kuti mhosva yangu ichisvitswa kuna Siza.” Ipapo, Fesitusi, mushure mokunge ambobvunzawo makurukota ake akapindura achiti, “Wakumbira kuti mhosva yako isvitswe kuna Siza, kuna Siza ndiko kwauchaenda.”

Verenga chikamu Mabasa 25