Mabasa 21:37-40
Mabasa 21:37-40 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Varwi pavakanga vava kuda kupinza Pauro mudzimba dzavarwi, akakumbira mukuru wavarwi akati, “Ndingataurawo nemi here?” Iye akati, “Unotaura chiGiriki here? Ko, hauzi uya muIjipita akamutsa bope, akatungamirira zviuru zvina zvavapanduki mugwenga nguva dzakapfuura here?” Pauro akapindura akati, “Ini ndiri muJudha anobva kuTasasi kuSirisia, munhu weguta rakakurumbira. Ndapota regai nditaure kuvanhu.” Akati apiwa mvumo nomukuru wavarwi, Pauro akamira pamatanho akaninira vanhu noruoko rwake. Uye vakati vanyarara vose, akati kwavari nechiHebheru
Mabasa 21:37-40 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino oda kupinzwa muimba yavarwi, Pauro akati kumukuru wechiuru chamazana, “Ndingataura chimwe nemi here?” Iye akati, “Unoziva chiGiriki here? Ko hauzi uya muIjipiti, akadeya kukanganisa vanhu panguva yapfuura, akaenda navaurayi vane zviuru zvina kurenje here?” Ipapo Pauro akati, “Ini ndiri muJudha weTaso muKirikia, munhu weguta rakakurumbira. Ndinokumbira kuti munditendere nditaure navanhu.” Zvino akati amutendera, Pauro akamira pazvikwiriso, akaninira vanhu noruoko rwake; zvino vakati vanyarara kwazvo, akataura norurimi rwechiHebheru, akati
Mabasa 21:37-40 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pauro paakanga ava kuda kupinzwa munogara masoja akati kuna mukuru wamasoja, “Ndingataurewo here zvangu nemi.” Mukuru wamasoja akati, “Unoziva chiGiriki here? Hausiwe here muIjipiti uya akamutsa chimurenga mazuva ano achangopfuura aya akatungamirira varume zviuru zvina zvemhondi kurenje?” Pauro akapindura achiti, “Ini ndiri muJudha anobva kuTasusi kuSirisia, mugari weguta rinozivikanwa. Ndinokutetererai kuti mundibvumirewo kuti nditaure kuvanhu.” Paakamubvumira, Pauro akaninira ruoko kuvanhu amire pamasitepisi enzvimbo iyoyo. Pakwakanyararwa kuti mwi–i akataura nomutauro wechiHebheru achiti
Mabasa 21:37-40 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino oɗa kupinzwa muimba yaʋarwi, Pauro akati kumukuru wecuru camazana: Ndiŋgataura cimŋe nemi here? Iye akati: Unoziʋa ciGiriki here? Ko hauzi uya muEgipita, wakaɗeya kukaŋganisa ʋanhu paŋguʋa yapfuʋura, akaenda naʋaʋurayi ʋaneɀuru ɀinna kurenje here? Ipapo Pauro akati: Ini ndiri muJuda weTarso muKirikia, munhu weguta rakakurumbira. Ndinokumbira kuti munditendere nditaure naʋanhu. Ɀino wakati amutendera, Pauro akamira paɀikwiriso, akaninira ʋanhu noruʋoko rwake; ɀino ʋakati ʋanyarara kwaɀo, akataura norurimi rweciHeberu, akati
Mabasa 21:37-40 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)