Mabasa 21:15-36
Mabasa 21:15-36 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Shure kwaizvozvo takagadzirira tikakwidza kuJerusarema. Vamwe vadzidzi vokuKesaria vakatiperekedza vakatisvitsa kuimba yaMunasoni, uko kwataifanira kundogara. Akanga ari murume aibva kuSaipurasi uye ari mumwe wavadzidzi vokutanga. Takati tasvika paJerusarema, hama dzakatigamuchira nomufaro. Zuva rakatevera Pauro nesu tose takaenda kundoona Jakobho, uye vakuru vose vaivapo. Pauro akavakwazisa uye akanyatsovarondedzera zvakanga zvaitwa naMwari pakati pavaHedheni kubudikidza noushumiri hwake. Vakati vanzwa izvi, vakarumbidza Mwari. Ipapo vakati kuna Pauro, “Unoona, hama, kune zviuru nezviuru zvavaJudha vakatenda, uye vose zvavo vanoshingairira murayiro. Vakaudzwa kuti iwe unodzidzisa vaJudha vose vagere pakati peveDzimwe Ndudzi kuti vatsauke kubva kuna Mozisi, uchivaudza kuti varege kudzingisa vana vavo kana kuchengeta tsika dzedu. Zvino toita seiko? Vachanzwa zvirokwazvo kuti wauya, saka iwe chiita zvatinokuudza zvino. Tina varume vana pano vakaita mhiko. Tora varume ava, ubatane navo pakuzvinatsa kwavo, uye iwe ugovaripira kuti vaveurwe misoro yavo. Ipapo munhu wose achaziva kuti hapana chokwadi pane zviri kurehwa pamusoro pako, asi kuti iwe pachako unoteerera murayiro. Kana vari vatendi vokune veDzimwe Ndudzi, takavanyorera pane zvatakatema kuti varege kudya zvakabayirwa kuzvifananidzo, uye ropa, nenyama yemhuka dzakadzipwa uye varege upombwe.” Zuva rakatevera Pauro akatora varume vaya uye akazvinatsa pamwe chete navo. Ipapo akaenda kutemberi kundozivisa kupera kwamazuva okuzvinatsa uye kuti chipiriso chaizoitirwa mumwe nomumwe wavo rinhi. Mazuva manomwe akati oda kupera, vamwe vaJudha vaibva kuEzhia vakaona Pauro patemberi. Vakamutsa vanhu vazhinji uye vakamubata, vachishevedzera vachiti, “Varume veIsraeri, tibatsirei! Uyu ndiye murume anodzidzisa vanhu kwose kwose zvinopesana navanhu vokwedu, murayiro wedu uye nenzvimbo ino. Zvisati zviri izvozvo zvoga, akapinza vaGiriki muruvanze rwetemberi akasvibisa nzvimbo iyi tsvene.” (Nokuti vakanga vamboona Tirofimasi muEfeso ari muguta pamwe chete naPauro vakafunga kuti Pauro akanga apinda naye mutemberi.) Guta rose rakamutswa, uye vanhu vakauya vachimhanya vachibva kumativi ose. Vakabata Pauro, vakamukwevera kunze kwetemberi, pakarepo masuo akazarirwa. Pavakanga vachiedza kumuuraya, shoko rakasvika kumukuru wehondo yeuto ravaRoma richiti guta rose reJerusarema rakanga raita bope. Pakarepo akatora mamwe machinda navarwi akamhanyira kuvanhu. Vaiti vebongozozo vakati vachiona mukuru wamauto ana varwi vake, vakabva varega kurova Pauro. Mukuru wamauto akauya akasunga Pauro uye akarayira kuti asungwe nengetani mbiri. Ipapo akamubvunza kuti akanga ari ani uye kuti akanga aitei. Vamwe vaiva pakati pavanhu vazhinji ava vakadanidzira, mumwe ichi, mumwe icho, uye sezvo mukuru wamauto akanga asingagoni kusvika pachokwadi chenyaya nokuda kwebope, akarayira kuti Pauro aiswe kudzimba dzavarwi. Pauro akati asvika pamatanho, bongozozo ravanhu rakanga rakurisa zvokuti akaita zvokutotakurwa navarwi. Vanhu vazhinji vaimutevera vakaramba vachidanidzira vachiti, “Ngaaurayiwe!”
Mabasa 21:15-36 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mazuva iwayo akati apera, tikarongedza, tikakwira Jerusaremu. Navamwe vadzidzi veKesaria vakaenda nesu, vakauyawo nomumwe, ainzi Minasoni, mudzidzi wakare, weSaipurasi, wataindogara naye. Zvino takati tichisvika Jerusaremu, hama dzikatigamuchira nomufaro. Fume mangwana Pauro akapinda nesu kuna Jakobho; navakuru vakanga varipo vose. Akavakwazisa, ndokuvarondedzera, chimwe nechimwe, zvakaitwa naMwari pakati pavahedheni nebasa rake. Ivo vakati vazvinzwa, vakakudza Mwari, vakati kwaari, “Hama, unoona kuti varipo vane zviuru zvamazana zvizhinji zvavaJudha vakatenda; vose vanoshingairira murayiro; zvino vakaudzwa kuti iwe unodzidzisa vaJudha vose, vari pakati pavahedheni, kuti varambe Mosesi, uchiti, varege kudzingisa vana vavo, kana kufamba netsika dzomurayiro. Zvino todiniko? Vachanzwa havo kuti wasvika. Naizvozvo ita izvi zvatinotaura kwauri, tina varume vana vakazvisunga nokupika; uvatore, uzvinatse pamwechete navo, uvaripire, vagoveura misoro yavo; ipapo vose vachaziva, kuti haazi mashoko ezvokwadi, avakaudzwa pamusoro pako; asi kuti iwewo unofamba zvakanaka, uchichengeta murayiro umene. Asi kana vari vahedheni vakatenda, takavanyorera, tichiti vazvidzore pane zvakabayirwa zvifananidzo, neropa, nezvakadzipwa, noupombwe.” Ipapo Pauro akatora varume avo, akazvinatsa pamwechete navo nezuva rakatevera, akapinda mutemberi, kuti azivise kupera kwamazuva okunatsa, kusvikira mumwe nomumwe abayirwa chibayiro. Zvino mazuva manomwe akati opera, vaJudha veAsia vakamuona mutemberi, vakamutsa vanhu vazhinji, vakamubata, vakadanidzira, vachiti, “Varume vaIsiraeri, batsirai! Uyu ndiye munhu anodzidzisa vanhu kwose-kwose zvinopesana navanhu, nomurayiro, nenzvimbo ino; uyezve akauya navaGiriki mutemberi, akasvibisa nzvimbo ino tsvene.” Nokuti vakanga vaona Tirofimo muEfeso, anaye muguta, vakati zvimwe Pauro apinda naye mutemberi. Ipapo guta rose rakanyonganiswa, vanhu vakamhanyira pamwechete; vakabata Pauro, vakamukwevera kunze kwetemberi, misuo ikazarirwa pakarepo. Zvino vakati vachitsvaka kumuuraya, shoko rikakwira kumukuru wechiuru chamazana, kuti Jerusaremu rose ranyonganiswa. Iye akatora pakarepo varwi vakuru vezana, akaburuka achimhanyira kwavari; ivo vakati vachiona mukuru wechiuru chamazana navarwi, vakarega kurova Pauro. “Zvino mukuru wechiuru chamazana akaswedera, akamubata, ndokurayira kuti asungwe nengetani mbiri; akabvunza kuti ndiani, uye kuti aiteiko.” Zvino vamwe pakati pavazhinji vakadanidzira chimwe chinhu, vamwe chimwe chinhu; zvino iye asingagoni kuziva chokwadi nokuda kwebopoto, akarayira kuti vamuise kuimba yavarwi. Akati achisvika pazvikwiriso, akaita sokutakurwa navarwi; nokuti vanhu vazhinji vakatevera, vachidanidzira, vachiti, “Mubvise!”
Mabasa 21:15-36 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mushure memazuva iwaya takagadzirira tikakwira kuJerusaremu. Vamwe vadzidzi vokuSezaria vakaenda nesu. Vakatisvitsa kumba kwaMunasoni wekuSaipurasi mudzidzi wapakutanga chaipo ane kumba kwataifanira kundogara. Patakasvika kuJerusaremu vehama vakatigamuchira nomufaro. Pazuva rakatevera Pauro akaenda nesu kuna Jemusi uye vakuru vakuru vose vakanga varipo. Pashure pokuvakwazisa akavarondedzera chimwe nechimwe chezvinhu zvakaitwa naMwari pakati pevechirudzi nomubasa rake iye Pauro. Pavakazvinzwa vakarumbidza Mwari. Vakamuti, “Unoona here nhai hama, kuti zviuru zvingani pakati pavaJudha vakatenda, vane shungu noMutemo. Vakataurirwa nezvako zvokuti uri kudzidzisa vaJudha vose vari pakati pevechirudzi kuti vafuratire Mosesi, uchivaudza kuti vasadzingise vana vavo kana kuchengeta tsika dzedu. Zvino zvoitwa sei? Vachazvinzwa kuti wakauya. Iwe chiita zvatinokuudza. Tine varume vana vakaita mhiko! Tora varume ivavo uzvichenure pamwechete navo uvabhadharire kuti vaveure musoro vose. Vanobva vaziva kuti zvavanga vachitaurirwa nezvako hapana zviripo asi kuti iwe pachako muupenyu hwako unochengeta mutemo. Asi kune vechirudzi, vakadavira, takavatumira tsamba ine zvatakatema zvokuti vasiyane nezvinhu zvakabairwa zvifananidzo zvokunamata, varege musiya nenyama isina kusinzwa noupombwe.” Pauro akatora varume vaya. Zuva rakatevera akazvichenura pamwechete navarume vaya akapinda muTemberi kundotaura kuti mazuva okuzvichenura kwavo anopera rini nechibayiro chinopirirwa mumwe nomumwe wavo. Mazuva manomwe paakanga ava kuda kundopera, vaJudha vanobva kuAsia vakanga vamuona muTemberi vakanyandutsa mhomho yavanhu vakamubata vachidaidzira vachiti, “Varume, vaIsiraeri, uyai tibatsirane uyu ndiye murume ari kudzidzisa vanhu kose kose zvinorwisana navanhu vedu uye zvinorwisana nomutemo wedu nezvinorwisana nenzvimbo ino. Chimwezve ndechokuti akaunza vaGiriki muTemberi uye akan'oresa nzvimbo ino tsvene.” Vakanga vamboona Tirofimusi muEfeso ainaye muguta, nezvo vakangofunga kuti Pauro akanga amuunza muTemberi. Guta rose rakanyanduka vanhu ndokubva vati unga unga kuungana. Vakabata Pauro vakamukwekwereretsera kunze kweTemberi. Pakarepo misuo mikuru yakabva yazarirwa. Pavakanga vachiedza kumuuraya shoko rakasvika kumukuru mukuru webato ramasoja rokuti Jerusaremu yose yangova nyonganyonga. Pakarepo akabva atora masoja navatungamiri vezana akamhanya kwavari. Pavakaona mukuru mukuru namasoja vakaregedza kurova Pauro. Mukuru mukuru wamasoja uya paakasvika pedyo akamusunga akati anofanira kusungwa necheni mbiri. Akabvunza kuti ndiani uye kuti aiitei. Vamwe mumhomho iyoyo, vaidaidzira vachiti, ava vanotaura izvi avawo vachitaurawo zvimwe. Zvaasina kukwanisa kuziva mamiriro ezvinhu pamusana pemhirizhonga iyi akati ngaaendeswe munzvimbo inogara masoja. Paakasvika pamadanho okupinda mumba akatoita zvokutotakurwa kwazvo namasoja nokuda kwechisimba chakanga choitwa nebvakapfaka riya nokuti mhomho yakanga yotevera ichiti, “Pasi naye.”
Mabasa 21:15-36 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mazuʋa iwayo akati apera, tikaroŋgedza, tikakwira Jerusarema. Naʋamŋe ʋadzidzi ʋeKesaria ʋakaenda nesu, ʋakaʋuya ʋo nomumŋe, wainzi Mnasoni, mudzidzi wakare, weKupro, wataindogara naye. Ɀino takati ticiȿika Jerusare ma, hama dzikatigamucira nomufaro. Fume maŋgwana Pauro akapinda nesu kunaJakobo; naʋakuru ʋakaŋga ʋari’po ʋose. Akaʋakwazisa, ndokuʋarondedzera, cimŋe necimŋe, ɀakaitwa naMŋari pakati paʋahedeni neɓasa rake. Iʋo ʋakati ʋaɀinzwa, ʋakakudza Mŋari, ʋakati kwaari: Hama, unoʋona kuti ʋari’po ʋaneɀuru ɀamazana ɀizhinji ɀaʋaJuda ʋakatenda; ʋose ʋanoshiŋgairira murairo; ɀino ʋakaʋudzwa kuti iwe unodzidzisa ʋaJuda ʋose, ʋari pakati paʋahedeni, kuti ʋarambe Mosesi, uciti, ʋarege kudziŋgisa ʋana ʋaʋo, kana kufamba netsika dzomurairo. Ɀino toɗiniko? Ʋacanzwa haʋo kuti waȿika. Naiɀoɀo ita iɀi ɀatinotaura kwauri: Tinaʋarume ʋanna ʋakaɀisuŋga nokupika; uʋatore, uɀinatse pamŋe cete naʋo, uʋaripire, ʋagoʋeʋura misoro yaʋo; ipapo ʋose ʋacaziʋa, kuti haazi mashoko eɀokwaɗi, aʋakaʋudzwa pamsoro pako; asi kuti iwe ʋo unofamba ɀakanaka, uciceŋgeta murairo umene. Asi kana ʋari ʋahedeni ʋakatenda, takaʋanyorera, ticiti ʋaɀidzore paneɀakaɓayirwa ɀifananidzo, neropa, neɀakadzipxa, noʋupombge. Ipapo Pauro akatora ʋarume aʋo, akaɀinatsa pamŋe cete naʋo nezuʋa rakateʋera, akapinda mutembere, kuti aziʋise kupera kwamazuʋa okunatsa, kuȿikira mumŋe nomumŋe aɓayirwa ciɓayiro. Ɀino mazuʋa manomŋe akati opera, ʋaJuda ʋeAsia ʋakamuʋona mutembere, ʋakamutsa ʋanhu ʋazhinji, ʋakamuɓata, ʋakaɗanidzira, ʋaciti: Ʋarume ʋaIsraeri, ɓatsirai! Uyu ndiye munhu unodzidzisa ʋanhu kwose‐kwose ɀinopesana naʋanhu, nomurairo, nenɀimbo ino; ʋuye ɀe, wakaʋuya naʋaGiriki mutembere, akaȿiɓisa nɀimbo ino tȿene. Nokuti ʋakaŋga ʋaʋona Trofimo muEfeso, anaye muguta, ʋakati ɀimŋe Pauro wapinda naye mutembere. Ipapo guta rose rakanyoŋganiswa, ʋanhu ʋakamhanyira pamŋe cete; ʋakaɓata Pauro, ʋakamukweʋera kunze kwetembere, mikoʋa ikazarirwa pakarepo. Ɀino ʋakati ʋacitȿaka kumuʋuraya, shoko rikakwira kumukuru wecuru camazana, kuti Jerusarema rose ranyoŋganiswa. Iye akatora pakarepo ʋarwi naʋakuru ʋezana, akaɓuruka acimhanyira kwaʋari; iʋo ʋakati ʋaciʋona mukuru wecuru camazana naʋarwi, ʋakarega kuroʋa Pauro. Ɀino mukuru wecuru camazana akasweɗera, akamuɓata, ndokuraira kuti asuŋgwe namaketani maʋiri; akabvunza kuti ndiani, ʋuye kuti waiteiko. Ɀino ʋamŋe pakati paʋazhinji ʋakaɗanidzira cimŋe cinhu, ʋamŋe cimŋe cinhu; ɀino iye asiŋgagoni kuziʋa ɀokwaɗi nokuɗa kweɓopoto, akaraira kuti ʋamuise kuimba yaʋarwi. Wakati aciȿika paɀikwiriso, akaita sokutakurwa naʋarwi, nokuɗa kwesimba raʋanhu ʋazhinji; nokuti ʋanhu ʋazhinji ʋakateʋera, ʋaciɗanidzira, ʋaciti: Mubvisei!
Mabasa 21:15-36 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)