Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 21:1-21

Mabasa 21:1-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Shure kwokuparadzana kwedu navo, takaenda kugungwa tikandokwira chikepe tikananga kuKosi. Zuva rakatevera takaenda kuRhodzi uye tichibva ikoko takaenda kuPatara. Takawana chikepe chaiyambuka chichienda kuFonisia, tikakwira machiri tikaenda. Takati taona Saipurasi takaipfuura nechezasi kwayo, tikaenda kuSiria. Takandoburuka chikepe paTire, paiburutsa chikepe chedu nhumbi dzacho. Takati tawana vadzidzi ipapo, takagara navo kwamazuva manomwe. Vakakumbirisa Pauro kubudikidza noMweya kuti arege kuenda kuJerusarema. Asi nguva yedu yakati yapera, takabvapo tikaenderera mberi norwendo rwedu. Vadzidzi vose pamwe chete navakadzi vavo navana vakatiperekedza vakatisiya tava kunze kweguta, uye pamahombekombe ipapo takapfugama tikanyengetera. Shure kwokuonekana kwedu, takabva taenda kundokwira chikepe, ivo vakadzokera kumusha kwavo. Takapfuurira mberi norwendo rwedu tichibva kuTire tikandoburuka chikepe paToremai, patakakwazisana nehama tikagara zuva rimwe chete navo. Zuva rakatevera takabvapo, tikandosvika kuKesaria tikandogara pamba pomuvhangeri Firipi, mumwe wavaya vanomwe. Akanga ana vanasikana vana vakanga vasati vawanikwa vaiprofita. Shure kwokugara kwedu ipapo kwamazuva akati kuti, muprofita ainzi Agabhusi akasvika achibva kuJudhea. Asvika kwatiri, akatora bhanhire raPauro, akabva azvisunga makumbo namaoko ake naro akati, “Mweya Mutsvene anoti, ‘Nenzira imwe chete iyoyi, vaJudha vokuJerusarema vachasunga muridzi webhanhire vagomuisa mumaoko eveDzimwe Ndudzi.’ ” Takati tanzwa izvi, isu navanhu voko takakumbirisa Pauro kuti arege kukwidza kuJerusarema. Ipapo Pauro akapindura akati, “Seiko muchichema uye muchirwadzisa mwoyo wangu? Ini ndakagadzirira kwete kusungwa kwoga, asi kufawo muJerusarema nokuda kwezita raIshe Jesu.” Paakaramba kudziviswa, isu takamurega tikati, “Kuda kwaShe ngakuitwe.” Shure kwaizvozvo takagadzirira tikakwidza kuJerusarema. Vamwe vadzidzi vokuKesaria vakatiperekedza vakatisvitsa kuimba yaMunasoni, uko kwataifanira kundogara. Akanga ari murume aibva kuSaipurasi uye ari mumwe wavadzidzi vokutanga. Takati tasvika paJerusarema, hama dzakatigamuchira nomufaro. Zuva rakatevera Pauro nesu tose takaenda kundoona Jakobho, uye vakuru vose vaivapo. Pauro akavakwazisa uye akanyatsovarondedzera zvakanga zvaitwa naMwari pakati pavaHedheni kubudikidza noushumiri hwake. Vakati vanzwa izvi, vakarumbidza Mwari. Ipapo vakati kuna Pauro, “Unoona, hama, kune zviuru nezviuru zvavaJudha vakatenda, uye vose zvavo vanoshingairira murayiro. Vakaudzwa kuti iwe unodzidzisa vaJudha vose vagere pakati peveDzimwe Ndudzi kuti vatsauke kubva kuna Mozisi, uchivaudza kuti varege kudzingisa vana vavo kana kuchengeta tsika dzedu.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mabasa 21

Mabasa 21:1-21 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino takati taparadzana navo, tikabva nechikepe, tikarurama, tikasvika Kose; fume mangwana tikasvika Rodhe; tikabvapo, tikasvika Patara. Takati tawanapo chikepe, chaiyambukira Fonikia, tikapinda mukati macho, tikaenda. Takati taona Saipurasi, tikaisiya kuruboshwe, tichienda Siria, tikasvika Tire; nokuti chikepe chaifanira kututunura mutoro ipapo; zvino takati tawanapo vadzidzi, tikagarapo mazuva manomwe; ivo vakati nomweya kuna Pauro kuti arege kukwira Jerusaremu. Zvino takati tapedzapo mazuva, tikabva, tikaenda; ivo vose, navakadzi navana, vakatiperekedza kusvikira tabuda paguta; ipapo tikafugama pamhenderekedzo, tikanyengetera. Tikaonekana, isu tikaenda kuchikepe, ivo vakadzokera kumusha kwavo. Isu takati tapedza rwendo tichibva Tire, tikasvika Toremai, tikakwazisa hama, ndokuswera zuva rimwe navo. Fume mangwana tikabvapo, tikasvika Kesaria; ipapo tikapinda mumba maFiripi, Muvhangeri, mumwe wavanomwe, tikagara naye. Iye akanga ana vakunda vana, mhandara, vaiporofita. Zvino takati tichigarapo mazuva mazhinji, mumwe muporofita, ainzi Akabho, akaburuka achibva Judhea, akauya kwatiri, akatora bhanhire raPauro, akazvisunga makumbo namaoko ake, akati, “Mweya Mutsvene anoreva kudai, saizvozvo vaJudha paJerusaremu vachasunga murume, mwene webhanhire iri, nokumuisa pamaoko avahedheni.” Takati tichinzwa izvozvo, isu navamwe vaipapo tikakumbira zvikuru kwaari, kuti arege kukwira Jerusaremu. Ipapo Pauro akapindura, akati, “Munoiteiko, muchichema nokuputsa mwoyo wangu? Nokuti ini handina kuzvigadzirira kusungwa bedzi, asi kunyange kufira zita raIshe Jesu paJerusaremu.” Zvino akati achiramba kukundwa, tikanyarara, tikati, “Kuda kwaIshe ngakuitwe.” Mazuva iwayo akati apera, tikarongedza, tikakwira Jerusaremu. Navamwe vadzidzi veKesaria vakaenda nesu, vakauyawo nomumwe, ainzi Minasoni, mudzidzi wakare, weSaipurasi, wataindogara naye. Zvino takati tichisvika Jerusaremu, hama dzikatigamuchira nomufaro. Fume mangwana Pauro akapinda nesu kuna Jakobho; navakuru vakanga varipo vose. Akavakwazisa, ndokuvarondedzera, chimwe nechimwe, zvakaitwa naMwari pakati pavahedheni nebasa rake. Ivo vakati vazvinzwa, vakakudza Mwari, vakati kwaari, “Hama, unoona kuti varipo vane zviuru zvamazana zvizhinji zvavaJudha vakatenda; vose vanoshingairira murayiro; zvino vakaudzwa kuti iwe unodzidzisa vaJudha vose, vari pakati pavahedheni, kuti varambe Mosesi, uchiti, varege kudzingisa vana vavo, kana kufamba netsika dzomurayiro.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mabasa 21

Mabasa 21:1-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Patakanga taparadzana navo tava kuenda nechikepe takangoti tasa kuenda kuKosi. Zuva rakatevera takaenda kuRodzi. Patakabvako takaenda kuPatara. Patakawana chikepe chaiyambukira kuFonisia takachikwira tikaenda. Patakasvika pokunge tava kuona Saipurasi takaisiya kuruboshwe toenda kuSiria tikamira paTire nokuti ipapo chikepe chaifanira kututunura zvachainge chakatakura. Patakatsvaka tikawana vadzidzi, takagarapo mazuva manomwe. Vaina Mweya Mutsvene, vakataurira Pauro kuti arege kunge achaenda kuJerusaremu. Pakapera mazuva edu ikoko, takasimuka tikaenda murwendo rwedu. Vakatiperekedza vose namadzimai avo navana kusvikira kunze kweguta. Takapfugama pamahombekombe egungwa tikanamata ndokuonekana. Takazokwira muchikepe, ivo ndokubva vadzokera kumba. Rwendo rwedu rwokubva kuTire rwakapera nokusvika kwatakaita kuToremaisi. Takakwazisa vehama tikagara navo zuva rimwechete. Ramangwana takasimuka tikasvika kuSezaria tikanopinda mumba maFiripi, muparidzi aiva mumwe wavanomwe vaya, tikagara naye. Akanga ane vanasikana vana vasina kuroorwa vaiporofita. Patakamboti garei kwamazuva akati kuti, mumwe muporofita anonzi Agabhusi akadzika achibva kuJudhea. Paakauya kwatiri akatora bhande raPauro akazvisunga makumbo namaoko akati zvanzi naMweya Mutsvene, “Ndiko kusungwa kuchaitwa, navaJudha vokuJerusaremu, muridzi webhande iri vachizomuturira mumaoko evechirudzi.” Patakanzwa izvi, isu pamwechete navanhu vaivapo takamukumbira kuti arege kukwira kuJerusaremu Pauro akapindura achiti, “Ko muri kuiteiko, kuchema muchindibaya mwoyo kudai. Inga wani ndakatogadzirira, kwete chete kusungwa, asi kana kutofira zita raTenzi Jesu kuJerusaremu.” Paakaramba kudzoreka, takarega kutaura tikati, “Kuda kwaTenzi ngakuitwe.” Mushure memazuva iwaya takagadzirira tikakwira kuJerusaremu. Vamwe vadzidzi vokuSezaria vakaenda nesu. Vakatisvitsa kumba kwaMunasoni wekuSaipurasi mudzidzi wapakutanga chaipo ane kumba kwataifanira kundogara. Patakasvika kuJerusaremu vehama vakatigamuchira nomufaro. Pazuva rakatevera Pauro akaenda nesu kuna Jemusi uye vakuru vakuru vose vakanga varipo. Pashure pokuvakwazisa akavarondedzera chimwe nechimwe chezvinhu zvakaitwa naMwari pakati pevechirudzi nomubasa rake iye Pauro. Pavakazvinzwa vakarumbidza Mwari. Vakamuti, “Unoona here nhai hama, kuti zviuru zvingani pakati pavaJudha vakatenda, vane shungu noMutemo. Vakataurirwa nezvako zvokuti uri kudzidzisa vaJudha vose vari pakati pevechirudzi kuti vafuratire Mosesi, uchivaudza kuti vasadzingise vana vavo kana kuchengeta tsika dzedu.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mabasa 21

Mabasa 21:1-21 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino takati taparadzana naʋo, tikabva necikepe, tikarurama, tikaȿika Kose; fume maŋgwana tikaȿika Rode; tikabva’po, tikaȿika Patara. Takati tawana’po cikepe, caiyambukira Finikia, tikapinda mukati maco, tikaenda. Takati taʋona Kupro, tikaisiya kuruɓoshwe, ticienda Siria, tikaȿika Tire; nokuti cikepe caifanira kututunura mutoro ipapo; ɀino takati tawana’po ʋadzidzi, tikagara’po mazuʋa manomŋe; iʋo ʋakati nomŋeya kunaPauro kuti arege kukwira Jerusarema. Ɀino takati tapedza’po mazuʋa, tikabva, tikaenda; iʋo ʋose, naʋakadzi naʋana, ʋakatiperekedza kuȿikira taɓuɗa paguta; ipapo tikafugama pamhenderekedzo, tikanyeŋgetera. Tikawonekana, isu tikaenda kucikepe, iʋo ʋakadzokera kumusha kwaʋo. Isu takati tapedza rwendo ticibva Tire, tikaȿika Toremai, tikakwazisa hama, ndokuswera zuʋa rimŋe naʋo. Fume maŋgwana tikabva’po, tikaȿika Kesaria; ipapo tikapinda mumba maFiripo, Muevaŋgeri, mumŋe waʋanomŋe, tikagara naye. Iye wakaŋga anaʋakunda ʋanna, mhandara, ʋaiprofita. Ɀino takati ticigara’po mazuʋa mazhinji, mumŋe muprofita, wainzi Akabo, akaɓuruka acibʋa Judea, akaʋuya kwatiri, akatora banhire raPauro, akaɀisuŋga makumbo namaʋoko ake, akati: Mŋeya Mutȿene unoreʋa kuɗai: Saiɀoɀo ʋaJuda paJerusarema ʋacasuŋga murume, mŋene webanhire iri, nokumuisa pamaʋoko aʋahedeni. Takati ticinzwa iɀoɀo, isu naʋamŋe ʋaipapo tikakumbira ɀikuru kwaari, kuti arege kukwira Jerusarema. Ipapo Pauro akapindura, akati: Munoiteiko, mucicema nokuputsa mŋoyo waŋgu? Nokuti ini handina‐kuɀigadzirira kusuŋgwa ɓedzi, asi kunyaŋge kufira zita raShe Jesu paJerusarema. Ɀino wakati aciramba kukundwa, tikanyarara, tikati: Kuɗa kwaShe ŋgakuitwe. Mazuʋa iwayo akati apera, tikaroŋgedza, tikakwira Jerusarema. Naʋamŋe ʋadzidzi ʋeKesaria ʋakaenda nesu, ʋakaʋuya ʋo nomumŋe, wainzi Mnasoni, mudzidzi wakare, weKupro, wataindogara naye. Ɀino takati ticiȿika Jerusare ma, hama dzikatigamucira nomufaro. Fume maŋgwana Pauro akapinda nesu kunaJakobo; naʋakuru ʋakaŋga ʋari’po ʋose. Akaʋakwazisa, ndokuʋarondedzera, cimŋe necimŋe, ɀakaitwa naMŋari pakati paʋahedeni neɓasa rake. Iʋo ʋakati ʋaɀinzwa, ʋakakudza Mŋari, ʋakati kwaari: Hama, unoʋona kuti ʋari’po ʋaneɀuru ɀamazana ɀizhinji ɀaʋaJuda ʋakatenda; ʋose ʋanoshiŋgairira murairo; ɀino ʋakaʋudzwa kuti iwe unodzidzisa ʋaJuda ʋose, ʋari pakati paʋahedeni, kuti ʋarambe Mosesi, uciti, ʋarege kudziŋgisa ʋana ʋaʋo, kana kufamba netsika dzomurairo.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mabasa 21

Mabasa 21:1-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)