Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 2:22-36

Mabasa 2:22-36 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

“Imi vaIsraeri, teererai izvi: Jesu weNazareta akanga ari murume akaratidzwa kwamuri naMwari namabasa esimba, nezvishamiso uye nezviratidzo, zvakaitwa naMwari pakati penyu kubudikidza naye, sezvamunoziva imi pachenyu. Murume uyu akaiswa mumaoko enyu nourongwa uye nokuziva zviri mberi kwaMwari; uye imi, mukamuroverera pamuchinjikwa muchibatsirwa navanhu vakaipa. Asi Mwari akamumutsa kubva kuvakafa, akamusunungura kubva pakurwadza kworufu, nokuti zvakanga zvisingagoni kuti rufu rumubate. Dhavhidhi akataura nezvake achiti: “ ‘Ndakaona Ishe mberi kwangu nguva dzose. Nokuti ari kuruoko rwangu rworudyi, handingatongozungunuswi. Naizvozvo mwoyo wangu unofara uye rurimi rwangu runofarisisa; uyezve muviri wangu uchararama netariro, nokuti imi hamuzondisiyi muguva, uye hamungaregi Mutsvene wenyu achiona kuora. Makandizivisa nzira dzoupenyu; muchandizadza nomufaro pamberi penyu.’ “Hama, ndingakuudzai ndiine chokwadi kuti tateguru wedu Dhavhidhi akafa akavigwa, uye guva rake richiri pano kusvikira nhasi. Asi akanga ari muprofita uye aiziva kuti Mwari akanga amuvimbisa nemhiko kuti aizogadza mumwe wezvizvarwa zvake pachigaro choushe. Achiona zviri mberi, akataura nezvokumuka kwaKristu, kuti akanga asina kusiyiwa muguva, uye muviri wake hauna kuona kuora. Mwari akamutsa Jesu uyu kubva kuvakafa, uye isu tose tiri zvapupu zvacho. Akasimudzirwa kuruoko rworudyi rwaMwari, akagamuchira kubva kuna Baba chipikirwa choMweya Mutsvene uye akadurura izvi zvamuri kuona nokunzwa iye zvino. Nokuti Dhavhidhi haana kukwira kudenga, asi iye akati: “ ‘Ishe akati kuna She wangu: “Gara kuruoko rwangu rworudyi kusvikira ndaita kuti vavengi vako vave chitsiko chetsoka dzako.” ’ “Naizvozvo vaIsraeri vose ngavazive izvi: Jesu uyu, wamakaroverera pamuchinjikwa, Mwari akamuita Ishe naKristu.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mabasa 2

Mabasa 2:22-36 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Varume veIsiraeri, donzwai mashoko awa, Jesu weNazareta, murume akaratidzwa naMwari kwamuri namabasa esimba, nezvishamiso, nezviratidzo zvakaitwa naMwari pakati penyu naye, sezvamunoziva imi mumene; iye, akaiswa kwamuri nomutemo nokuziva zviri mberi kwaMwari, imi makamurovera pamuchinjikwa, mukamuuraya namaoko avanhu vasingateereri murayiro; iye akamutswa naMwari, amusunungura pakurwadziwa kworufu; nokuti zvakanga zvisingabviri kuti abatwe narwo. Nokuti Dhavhidhi akataura pamusoro pake, achiti, ‘Ndakaona Ishe pamberi pangu misi yose, Nokuti ari kurudyi rwangu, kuti ndirege kuzununguswa. Naizvozvo mwoyo wangu wakafara, norurimi rwangu rwakafarisisa; Uyezve, nenyama yangu ichazorora netariro. Nokuti hamungasiyi mweya wangu muHadhesi; Hamungaisi Mutsvene wenyu kuti aone kuora. Makandizivisa nzira dzoupenyu; Muchandizadzisa nomufaro ndichiona chiso chenyu.’ “Varume, hama, ndingakuudzai pachena zvatateguru Dhavhidhi, kuti vakafa, vakavigwa, bwiro hwavo huri pakati pedu kusvikira nhasi. Zvino zvaakanga ari muporofita, achizivawo kuti Mwari akamupikira nemhiko kuti achagadza pachigaro chake choushe mumwe wezvibereko zvechiwuno chake, zvaaiona zviri mberi, akareva pamusoro pokumuka kwaKristu, kuti haana kuora. Uyu Jesu akamutswa naMwari, isu tiri zvapupu zvake tose. “Zvino akati asimudzirwa kurudyi rwaMwari, apiwa naBaba chipikirwa chaMweya Mutsvene, akadurura izvi zvamunoona nezvamunonzwa. Nokuti Dhavhidhi haana kukwira kudenga, asi anoti amene, ‘Ishe akati kuna Ishe wangu, Gara kurudyi rwangu, Kusvikira ndichiita vavengi vako vave chitsiko chetsoka dzako.’ “Zvino imba yose yavaIsiraeri ngaizive kwazvo, kuti uyu Jesu wamakarovera pamuchinjikwa, Mwari akamuita Ishe naKristu.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mabasa 2

Mabasa 2:22-36 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

“Varume, vaIsiraeri teererai mazwi aya anoti Jesu wokuNazareti, munhu akapupurirwa kwamuri naMwari namabasa makuru nezvishamiso nezviratidzo zvakaitwa pakati penyu naMwari nemaari sokuziva kwenyu, Jesu iyeyo, wamakaturirwa maererano nourongwa hwakanyatsoti tsvikiti uye nokufanoziva kwaMwari, imi makamuroverera pamuchinjikwa mukamuuraya muchishandisa vanhu vasina mutemo. Asi Mwari akamumutsa amusunungura marwadzo orufu nokuti zvakanga zvisingagoneki kuti arambe akasungwa narwo. Chikonzero ndechokuti Dhavhidhi achitaura nezvake anoti: “Ndaiona Mwari ari pamberi pangu nguva dzose nokuti ari kurudyi kwangu kuti ndirege kuzunguzwa. Naizvozvo mwoyo wangu unofara uye rurimi rwangu rwakapembera kufara uyezve muviri wangu uchagara uine chitarisiro. Nokuti hamungasii mweya wangu munzvimbo yavafi kana kurega mururami wenyu achiora. Makandizivisa nzira youpenyu muchandizadza norufaro nokuvapo kwenyu.” “Hama, regai ndikutaurirei zviri pachena nezvaTateguru wedu Dhavhidhi kuti akafa akavigwa uye guva rake tinaro nanhasi uno. Nezvo somuporofita, uye zvaaiziva kuti Mwari akapika nechitsidzo kwaari kuti achaisa mumwe wechizvarwa chake pachigaro chake choumambo, akafanoona akataura nezvokumuka kwaMesia achiti, “Haana kusiiwa munzvimbo yavafi uye muviri wake hauna kuora. “Mwari akamutsa iye Jesu iyeyo, isu tose tiri zvapupu zvaizvozvo. Asumudzirwa kurudyi rwaMwari uye agamuchira kubva kuna Baba chitsidzo chaMweya Mutsvene, adururira zvamurikuona nokunzwa izvi. Chiripo ndechokuti Dhavhidhi haana kukwira kudenga asi iye pachake anototi: “Tenzi akati kuna Tenzi wangu, ‘Gara kurudyi kwangu kusvikira ndaita vavengi vako chitambarariko chetsoka dzako.’ “Naizvozvo imba yose yaIsiraeri ngainyotsoziva kuti Mwari akamuita kuti ave Tenzi naMesia, iye Jesu uyu wamakaroverera pamuchinjikwa.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mabasa 2

Mabasa 2:22-36 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ʋarume ʋaIsraeri, ɗonzwai mashoko awa: Jesu weNazareta, murume wakaratidzwa naMŋari kwamuri namaɓasa esimba, neɀishamiso, neɀiratidzo ɀakaitwa naMŋari pakati penyu naye, seɀamunoziʋa imi mumene; iye, wakaiswa kwamuri nomutemo nokuziʋa ɀiri mberi kwaMŋari, imi makamuroʋera pamucinjikwa, mukamuʋuraya namaʋoko aʋanhu ʋasiŋgatereri murairo; iye wakamutswa naMŋari, amusunuŋgura pakurwadziwa kworufu; nokuti ɀakaŋga ɀisiŋgabviri kuti aɓatwe narwo. Nokuti Davidi wakataura pamsoro pake, aciti: Ndakaʋona Ishe pamberi paŋgu misi yose, Nokuti uri kurudyi rwaŋgu, kuti ndirege kuzunuŋguswa. Naiɀoɀo mŋoyo waŋgu wakafara, norurimi rwaŋgu rwakafarisisa; Ʋuye ɀe, nenyama yaŋgu icazorora netariro. Nokuti hamuŋgasiyi mŋeya waŋgu muHadesi; Hamuŋgaisi Mutȿene wenyu kuti aʋone kuʋora. Makandiziʋisa nzira dzoʋupenyu; Mucandizadzisa nomufaro ndiciʋona ciso cenyu. Ʋarume, hama, ndiŋgakuʋudzai pacena ɀateteguru Davidi, kuti ʋakafa, ʋakaʋigwa, bgiro bgaʋo bguri pakati peɗu kuȿikira nhasi. Ɀino ɀaakaŋga ari muprofita, aciziʋa ʋo kuti Mŋari wakamupikira nemhiko kuti ucagadza pacigaro cake coʋushe mumŋe weɀiɓereko ɀeciʋuno cake, ɀaaiʋona ɀiri mberi, wakareʋa pamsoro pokumuka kwaKristu, kuti haanakusiyiwa paHadesi, nenyama yake hainakuʋora. Uyu Jesu wakamutswa naMŋari, isu tiri ɀapupu ɀake tose. Ɀino wakati asimudzirwa kurudyi rwaMŋari, apiwa naƂaɓa cipikirwa coMŋeya Mutȿene, akaɗurura iɀi ɀamunoʋona neɀamunonzwa. Nokuti Davidi haana‐kukwira kuɗeŋga, asi unoti amene: Ishe wakati kunaShe waŋgu: Gara kurudyi rwaŋgu, Kuȿikira ndiciita ʋaʋeŋgi ʋako ʋaʋe citsiko cetsoka dzako. Ɀino imba yose yaʋaIsraeri ŋgaiziʋe kwaɀo, kuti uyu Jesu wamakaroʋera pamucinjikwa, Mŋari wakamuita Ishe naKristu.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mabasa 2

Mabasa 2:22-36 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)