Ʋarume ʋaIsraeri, ɗonzwai mashoko awa: Jesu weNazareta, murume wakaratidzwa naMŋari kwamuri namaɓasa esimba, neɀishamiso, neɀiratidzo ɀakaitwa naMŋari pakati penyu naye, seɀamunoziʋa imi mumene; iye, wakaiswa kwamuri nomutemo nokuziʋa ɀiri mberi kwaMŋari, imi makamuroʋera pamucinjikwa, mukamuʋuraya namaʋoko aʋanhu ʋasiŋgatereri murairo; iye wakamutswa naMŋari, amusunuŋgura pakurwadziwa kworufu; nokuti ɀakaŋga ɀisiŋgabviri kuti aɓatwe narwo. Nokuti Davidi wakataura pamsoro pake, aciti:
Ndakaʋona Ishe pamberi paŋgu misi yose,
Nokuti uri kurudyi rwaŋgu, kuti ndirege kuzunuŋguswa.
Naiɀoɀo mŋoyo waŋgu wakafara, norurimi rwaŋgu rwakafarisisa;
Ʋuye ɀe, nenyama yaŋgu icazorora netariro.
Nokuti hamuŋgasiyi mŋeya waŋgu muHadesi;
Hamuŋgaisi Mutȿene wenyu kuti aʋone kuʋora.
Makandiziʋisa nzira dzoʋupenyu;
Mucandizadzisa nomufaro ndiciʋona ciso cenyu.
Ʋarume, hama, ndiŋgakuʋudzai pacena ɀateteguru Davidi, kuti ʋakafa, ʋakaʋigwa, bgiro bgaʋo bguri pakati peɗu kuȿikira nhasi. Ɀino ɀaakaŋga ari muprofita, aciziʋa ʋo kuti Mŋari wakamupikira nemhiko kuti ucagadza pacigaro cake coʋushe mumŋe weɀiɓereko ɀeciʋuno cake, ɀaaiʋona ɀiri mberi, wakareʋa pamsoro pokumuka kwaKristu, kuti haanakusiyiwa paHadesi, nenyama yake hainakuʋora. Uyu Jesu wakamutswa naMŋari, isu tiri ɀapupu ɀake tose. Ɀino wakati asimudzirwa kurudyi rwaMŋari, apiwa naƂaɓa cipikirwa coMŋeya Mutȿene, akaɗurura iɀi ɀamunoʋona neɀamunonzwa. Nokuti Davidi haana‐kukwira kuɗeŋga, asi unoti amene:
Ishe wakati kunaShe waŋgu:
Gara kurudyi rwaŋgu,
Kuȿikira ndiciita ʋaʋeŋgi ʋako ʋaʋe citsiko cetsoka dzako. Ɀino imba yose yaʋaIsraeri ŋgaiziʋe kwaɀo, kuti uyu Jesu wamakaroʋera pamucinjikwa, Mŋari wakamuita Ishe naKristu.