Varume veIsiraeri, donzwai mashoko awa, Jesu weNazareta, murume akaratidzwa naMwari kwamuri namabasa esimba, nezvishamiso, nezviratidzo zvakaitwa naMwari pakati penyu naye, sezvamunoziva imi mumene; iye, akaiswa kwamuri nomutemo nokuziva zviri mberi kwaMwari, imi makamurovera pamuchinjikwa, mukamuuraya namaoko avanhu vasingateereri murayiro; iye akamutswa naMwari, amusunungura pakurwadziwa kworufu; nokuti zvakanga zvisingabviri kuti abatwe narwo. Nokuti Dhavhidhi akataura pamusoro pake, achiti,
‘Ndakaona Ishe pamberi pangu misi yose,
Nokuti ari kurudyi rwangu,
kuti ndirege kuzununguswa.
Naizvozvo mwoyo wangu wakafara,
norurimi rwangu rwakafarisisa;
Uyezve, nenyama yangu ichazorora netariro.
Nokuti hamungasiyi mweya wangu muHadhesi;
Hamungaisi Mutsvene wenyu kuti aone kuora.
Makandizivisa nzira dzoupenyu;
Muchandizadzisa nomufaro ndichiona chiso chenyu.’
“Varume, hama, ndingakuudzai pachena zvatateguru Dhavhidhi, kuti vakafa, vakavigwa, bwiro hwavo huri pakati pedu kusvikira nhasi. Zvino zvaakanga ari muporofita, achizivawo kuti Mwari akamupikira nemhiko kuti achagadza pachigaro chake choushe mumwe wezvibereko zvechiwuno chake, zvaaiona zviri mberi, akareva pamusoro pokumuka kwaKristu, kuti haana kuora. Uyu Jesu akamutswa naMwari, isu tiri zvapupu zvake tose.
“Zvino akati asimudzirwa kurudyi rwaMwari, apiwa naBaba chipikirwa chaMweya Mutsvene, akadurura izvi zvamunoona nezvamunonzwa. Nokuti Dhavhidhi haana kukwira kudenga, asi anoti amene,
‘Ishe akati kuna Ishe wangu,
Gara kurudyi rwangu,
Kusvikira ndichiita
vavengi vako vave
chitsiko chetsoka dzako.’
“Zvino imba yose yavaIsiraeri ngaizive kwazvo, kuti uyu Jesu wamakarovera pamuchinjikwa, Mwari akamuita Ishe naKristu.”