“Varume, vaIsiraeri teererai mazwi aya anoti Jesu wokuNazareti, munhu akapupurirwa kwamuri naMwari namabasa makuru nezvishamiso nezviratidzo zvakaitwa pakati penyu naMwari nemaari sokuziva kwenyu, Jesu iyeyo, wamakaturirwa maererano nourongwa hwakanyatsoti tsvikiti uye nokufanoziva kwaMwari, imi makamuroverera pamuchinjikwa mukamuuraya muchishandisa vanhu vasina mutemo. Asi Mwari akamumutsa amusunungura marwadzo orufu nokuti zvakanga zvisingagoneki kuti arambe akasungwa narwo. Chikonzero ndechokuti Dhavhidhi achitaura nezvake anoti: “Ndaiona Mwari ari pamberi pangu nguva dzose nokuti ari kurudyi kwangu kuti ndirege kuzunguzwa. Naizvozvo mwoyo wangu unofara uye rurimi rwangu rwakapembera kufara uyezve muviri wangu uchagara uine chitarisiro. Nokuti hamungasii mweya wangu munzvimbo yavafi kana kurega mururami wenyu achiora. Makandizivisa nzira youpenyu muchandizadza norufaro nokuvapo kwenyu.” “Hama, regai ndikutaurirei zviri pachena nezvaTateguru wedu Dhavhidhi kuti akafa akavigwa uye guva rake tinaro nanhasi uno. Nezvo somuporofita, uye zvaaiziva kuti Mwari akapika nechitsidzo kwaari kuti achaisa mumwe wechizvarwa chake pachigaro chake choumambo, akafanoona akataura nezvokumuka kwaMesia achiti, “Haana kusiiwa munzvimbo yavafi uye muviri wake hauna kuora. “Mwari akamutsa iye Jesu iyeyo, isu tose tiri zvapupu zvaizvozvo. Asumudzirwa kurudyi rwaMwari uye agamuchira kubva kuna Baba chitsidzo chaMweya Mutsvene, adururira zvamurikuona nokunzwa izvi. Chiripo ndechokuti Dhavhidhi haana kukwira kudenga asi iye pachake anototi: “Tenzi akati kuna Tenzi wangu, ‘Gara kurudyi kwangu kusvikira ndaita vavengi vako chitambarariko chetsoka dzako.’ “Naizvozvo imba yose yaIsiraeri ngainyotsoziva kuti Mwari akamuita kuti ave Tenzi naMesia, iye Jesu uyu wamakaroverera pamuchinjikwa.”
Verenga chikamu Mabasa 2
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mabasa 2:22-36
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo