Mabasa 2:1-17
Mabasa 2:1-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zuva rePendekosti rakati rasvika, vakanga vakaungana vose panzvimbo imwe chete. Pakarepo kutinhira sokwemhepo inovhuvhuta nesimba kwakabva kudenga kukazadza imba yose yavakanga vagere. Vakaona zvakanga zvakaita sendimi dzomoto dzakaparadzana uye dzakamhara pamusoro pomumwe nomumwe wavo. Vose vakazadzwa noMweya Mutsvene vakatanga kutaura nedzimwe ndimi sokupiwa kwavakaitwa noMweya. Zvino muJerusarema maigara vaJudha vaitya Mwari vaibva kundudzi dzose pasi pedenga. Vakati vanzwa kutinhira uyu, vazhinji vakaungana pamwe chete vachishamiswa, nokuti mumwe nomumwe akavanzwa vachitaura norurimi rwake chairwo. Vakashamiswa kwazvo, vakabvunzana vachiti, “Ko, vanhu ava vose havasi vaGarirea here vari kutaura? Zvino seiko mumwe nomumwe wedu achivanzwa nomutauro waakaberekwa nawo? VaPatio, vaMedhia navaEramu; navanogara kuMesopotamia, Judhea neKapadhokia, Pondasi neEzhia, Firigia nePamufiria, Ijipiti namativi eRibhia pedyo neKureni; vaeni vanobva kuRoma (zvose vaJudha navakatendeukira kuchiJudha); vaKirete navaArabhu, tinovanzwa vachitaura zvishamiso zvaMwari nendimi dzedu chaidzo!” Vakakatyamara uye vakakanganisika, vakabvunzana vachiti, “Zvinoreveiko izvi?” Kunyange zvakadaro, vamwe vakavaseka vakati, “Vanwa waini yakawanda.” Ipapo Petro akamira pamwe chete navane gumi nomumwe, akadanidzira kuvanhu vazhinji achiti, “Hama imi vaJudha nemi mose mugere muJerusarema, regai ndikutsanangurirei chinhu ichi; nyatsoteererai mashoko angu. Vanhu ava havana kudhakwa sezvamunofungidzira zvaichiri nguva yepfumbamwe mangwanani kudai! Kwete, izvi ndizvo zvakataurwa nomuprofita Joere achiti, “ ‘Mumazuva okupedzisira,’ ndizvo zvinotaura Mwari, ‘ndichadurura Mweya wangu pamusoro pavanhu vose. Vanakomana navanasikana venyu vachaprofita, majaya enyu achaona zviratidzo, vatana venyu vacharota hope.
Mabasa 2:1-17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino zuva rePendekositi rakati rasvika, vakanga vakaungana vose pamwechete panzvimbo imwechete. Pakarepo kutinhira sokwemhepo inovhuvhuta nesimba kwakabva kudenga, kukazadza imba yose mavakanga vagere. Vakaonawo marimi achiparadzana, anenge emoto; ndokumhara pamusoro womumwe nomumwe wavo. Vose vakazadzwa naMweya Mutsvene, vakatanga kutaura nedzimwe ndimi, pavakapiwa napo naMweya kureva. Zvino paJerusaremu pakanga pagere vaJudha, varume vakarutama, vaibva kumarudzi ose pasi pedenga. Zvino kutinhira uku kwakati kwanzwika, vanhu vazhinji vakaungana, vakakanganiswa, nokuti mumwe nomumwe akavanzwa, vachitaura norurimi rwake. Vakakatyamara vose, nokushamiswa, vachiti, “Tarirai, ava vose vanotaura havazi vaGariria here? Zvino tinogovanzwa seiko mumwe nomumwe norurimi rwedu, rwatakaberekwa narwo? VaPatiya, navaMedhia, navaEramu, navanogara Mesopotamia, neJudhea, neKapadhokia, nePonto, neAsia, neFirigiya, nePamufiria, neIjipiti, namativi enyika dzeRibhia, dziri pedyo neKurine, navaeni vabva Roma, navaJudha, vanyakupandukira kuchipinda, navaKiriti, navaArabhia, tinovanzwa vachitaura nendimi dzedu mabasa makuru aMwari.” Vakakatyamara vose, vakakanganiswa, ndokutaurirana, vachiti, “Izvi zvinoti kudiniko?” Asi vamwe vakaseka, vachiti, “Vaguta waini itsva.” Zvino Petirosi amire navane gumi nomumwe, akadanidzira, akaparidza kwavari, achiti, “Varume veJudhea, nemi mose mugere Jerusaremu, chinhu ichi ngachizikanwe nemi, muteerere mashoko angu, nokuti ava havana kubatwa, sezvamunofunga imi, zvaichiri nguva yechitanhatu yezuva, asi ichi ndicho chakarchwa nomuporofita Joeri achiti, ‘Mwari anoti, namazuva okupedzisira, Ndichadurura Mweya wangu pamusoro penyama yose; Vanakomana venyu navanasikana venyu vachaporofita; Majaya enyu achaona zviratidzo, Navatana venyu vacharota hope.
Mabasa 2:1-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zuva rePendekositi parakasvika, vakanga vari panzvimbo imwechete. Pakarepo kwakava nokutinhira kuchibva kudenga kuchinge kuvhuvhuta kwemhepo inesimba kukazadza imba yose yavakanga vagere. Vakaona marimi anenge omoto akapararana achindogara pano mumwe nomumwe wavo. Vakabva vazadzwa vose naMweya Mutsvene vakabva vatangisa kutaura nedzimwe ndimi sokupiwa kwavakaitwa naMweya kuti vataure. Izvozvo muJerusaremu makanga muina vaJudha, vanhu vakanga vakazvipira pakunamata, vakanga vauya kuzombogaramo vaibva kumarudzi ose avanhu enyika dzose dziri pasi pedenga. Nokunzwa kutinhira uku, mhomho yavanhu yakaungana vakashamiswa nokuti mumwe nomumwe akanzwa vachitaura norurimi rwake. Vakakatyamara vakashamiswa vachiti, “Vose vari kutaura ava havasi vokuGarirea here? Zviri kuitika sei kuti mumwe nomumwe wedu ari kuvanzwa vachitaura norurimi rwake? Panoti vaPatia navaMidhia koti vaEramu navagari vokuMesopatamia nokuJudhea novokuKapadhosia kozoti vokuPondusi neAsia kouyawo vokuFirigia novokuPamufiria kozotiwo vokuIjipiti novokune dzimwe nzvimbo dzeRibhia pedyo neKurini. Kune vaenzi vanobva kuRoma vechiJudha navakapindukira kuchiJudha. Kune vokuKiriti nevokuArabhia. Tiri kuvanzwa vachitaura mundimi dzedu mabasa makuru aMwari.” Vose vakakatyamara vakakangaidzwa vachitaurirana vachiti, “Ko zvinoreveiko izvi?” Asi vamwe, vachishora, vakati, “Vaguta waini itsva.” Asi Pita, amire navane gumi nomumwechete vaya, akadaidzira akataura zviri pachena achiti, “Imi varume veJudhea nemi mose mugere muJerusaremu, izvi ngazvizivikanwe kwamuri mumbopawo nzeve kumashoko angu nokuti vanhu ava havana kudhakwa sezvamuri kufunga nokuti ruchiri rudziyakamwe. Asi izvi ndizvo zvakataurwa nomuporofita Joeri achiti, “ ‘Mumazuva okupedzisira, ndizvo zviri kutaura Mwari, ndichadururira Mweya wangu pamusoro pavanhu vose. Vanakomana venyu navanasikana venyu vachaporofita. Vechidiki venyu vachaona zviratidzo, vakwegura venyu vacharotswa hope.
Mabasa 2:1-17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino zuʋa rePentekosta rakati raȿika, ʋakaŋga ʋakaʋuŋgana ʋose pamŋe cete panɀimbo imŋe. Pakarepo kutinhira sokwemhepo inovuvuta nesimba kwakabva kuɗeŋga, kukazadza imba yose maʋakaŋga ʋagere. Ʋakaʋona ʋo ndimi dziciparadzana, dzineŋge dzomŋoto; ndokumhara pamusoro womumŋe nomumŋe waʋo. Ʋose ʋakazadzwa noMŋeya Mutȿene, ʋakataŋga kutaura nedzimŋe ndimi, paʋakapiwa napo noMŋeya kureʋa. Ɀino paJerusarema pakaŋga pagere ʋaJuda, ʋarume ʋakarurama, ʋaibva kumarudzi ose pasi peɗeŋga. Ɀino kutinhira uku kwakati kwanzwika, ʋanhu ʋazhinji ʋakaʋuŋgana, ʋakakaŋganiswa, nokuti mumŋe nomumŋe wakaʋanzwa, ʋacitaura norurimi rwake. Ʋakakatyamara ʋose, nokushamiswa, ʋaciti: Tarirai, aʋa ʋose ʋanotaura haʋazi ʋaGarirea here? Ɀino tinogoʋanzwa seiko mumŋe nomumŋe norurimi rweɗu, rwatakaɓerekwa narwo? ƲaPartia, naʋaMedia, naʋaErami, naʋanogara Mesopotamia, neJudea, neKapadokia, nePonto, neAsia, neFrigia, nePamfiria, neEgipita, namatiʋi enyika dzeRibia, dziri pedyo neKurine, naʋaeni ʋabva Roma, naʋaJuda, naʋaproserite, naʋaKrete, naʋaArabia, tinoʋanzwa ʋacitaura nendimi dzeɗu maɓasa makuru aMŋari. Ʋakakatyamara ʋose, ʋakakaŋganiswa, ndokutaurirana, ʋaciti: Iɀi ɀinoti kuɗiniko? Asi ʋamŋe ʋakaseka, ʋaciti: Ʋaguta waini itȿa. Ɀino Petro amire naʋanegumi nomumŋe, akaɗanidzira, akaparidza kwaʋari, aciti: Ʋarume ʋeJudea, nemi mose mugere Jerusarema, cinhu ici ŋgacizikanwe nemi, muterere mashoko aŋgu, nokuti aʋa haʋana‐kuɓatwa, seɀamunofuŋga imi, ɀaiciri ŋguʋa yecitanhatu yezuʋa, asi ici ndico cakarebga nomuprofita Joeri, aciti: Mŋari unoti: Namazuʋa okupedzisira, Ndicaɗurura ɀoMŋeya waŋgu pamsoro penyama yose; Ʋanakomana ʋenyu naʋanasikana ʋenyu ʋacaprofita; Majaya enyu acaʋona ɀiratidzo, Naʋatana ʋenyu ʋacarota hope.
Mabasa 2:1-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)