Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Maɓasa Aʋaapostora 2:1-17

Maɓasa Aʋaapostora 2:1-17 SUB1949

Ɀino zuʋa rePentekosta rakati raȿika, ʋakaŋga ʋakaʋuŋgana ʋose pamŋe cete panɀimbo imŋe. Pakarepo kutinhira sokwemhepo inovuvuta nesimba kwakabva kuɗeŋga, kukazadza imba yose maʋakaŋga ʋagere. Ʋakaʋona ʋo ndimi dziciparadzana, dzineŋge dzomŋoto; ndokumhara pamusoro womumŋe nomumŋe waʋo. Ʋose ʋakazadzwa noMŋeya Mutȿene, ʋakataŋga kutaura nedzimŋe ndimi, paʋakapiwa napo noMŋeya kureʋa. Ɀino paJerusarema pakaŋga pagere ʋaJuda, ʋarume ʋakarurama, ʋaibva kumarudzi ose pasi peɗeŋga. Ɀino kutinhira uku kwakati kwanzwika, ʋanhu ʋazhinji ʋakaʋuŋgana, ʋakakaŋganiswa, nokuti mumŋe nomumŋe wakaʋanzwa, ʋacitaura norurimi rwake. Ʋakakatyamara ʋose, nokushamiswa, ʋaciti: Tarirai, aʋa ʋose ʋanotaura haʋazi ʋaGarirea here? Ɀino tinogoʋanzwa seiko mumŋe nomumŋe norurimi rweɗu, rwatakaɓerekwa narwo? ƲaPartia, naʋaMedia, naʋaErami, naʋanogara Mesopotamia, neJudea, neKapadokia, nePonto, neAsia, neFrigia, nePamfiria, neEgipita, namatiʋi enyika dzeRibia, dziri pedyo neKurine, naʋaeni ʋabva Roma, naʋaJuda, naʋaproserite, naʋaKrete, naʋaArabia, tinoʋanzwa ʋacitaura nendimi dzeɗu maɓasa makuru aMŋari. Ʋakakatyamara ʋose, ʋakakaŋganiswa, ndokutaurirana, ʋaciti: Iɀi ɀinoti kuɗiniko? Asi ʋamŋe ʋakaseka, ʋaciti: Ʋaguta waini itȿa. Ɀino Petro amire naʋanegumi nomumŋe, akaɗanidzira, akaparidza kwaʋari, aciti: Ʋarume ʋeJudea, nemi mose mugere Jerusarema, cinhu ici ŋgacizikanwe nemi, muterere mashoko aŋgu, nokuti aʋa haʋana‐kuɓatwa, seɀamunofuŋga imi, ɀaiciri ŋguʋa yecitanhatu yezuʋa, asi ici ndico cakarebga nomuprofita Joeri, aciti: Mŋari unoti: Namazuʋa okupedzisira, Ndicaɗurura ɀoMŋeya waŋgu pamsoro penyama yose; Ʋanakomana ʋenyu naʋanasikana ʋenyu ʋacaprofita; Majaya enyu acaʋona ɀiratidzo, Naʋatana ʋenyu ʋacarota hope.