Zvino zuva rePendekositi rakati rasvika, vakanga vakaungana vose pamwechete panzvimbo imwechete. Pakarepo kutinhira sokwemhepo inovhuvhuta nesimba kwakabva kudenga, kukazadza imba yose mavakanga vagere. Vakaonawo marimi achiparadzana, anenge emoto; ndokumhara pamusoro womumwe nomumwe wavo.
Vose vakazadzwa naMweya Mutsvene, vakatanga kutaura nedzimwe ndimi, pavakapiwa napo naMweya kureva.
Zvino paJerusaremu pakanga pagere vaJudha, varume vakarutama, vaibva kumarudzi ose pasi pedenga. Zvino kutinhira uku kwakati kwanzwika, vanhu vazhinji vakaungana, vakakanganiswa, nokuti mumwe nomumwe akavanzwa, vachitaura norurimi rwake.
Vakakatyamara vose, nokushamiswa, vachiti, “Tarirai, ava vose vanotaura havazi vaGariria here? Zvino tinogovanzwa seiko mumwe nomumwe norurimi rwedu, rwatakaberekwa narwo? VaPatiya, navaMedhia, navaEramu, navanogara Mesopotamia, neJudhea, neKapadhokia, nePonto, neAsia, neFirigiya, nePamufiria, neIjipiti, namativi enyika dzeRibhia, dziri pedyo neKurine, navaeni vabva Roma, navaJudha, vanyakupandukira kuchipinda, navaKiriti, navaArabhia, tinovanzwa vachitaura nendimi dzedu mabasa makuru aMwari.” Vakakatyamara vose, vakakanganiswa, ndokutaurirana, vachiti, “Izvi zvinoti kudiniko?”
Asi vamwe vakaseka, vachiti, “Vaguta waini itsva.”
Zvino Petirosi amire navane gumi nomumwe, akadanidzira, akaparidza kwavari, achiti, “Varume veJudhea, nemi mose mugere Jerusaremu, chinhu ichi ngachizikanwe nemi, muteerere mashoko angu, nokuti ava havana kubatwa, sezvamunofunga imi, zvaichiri nguva yechitanhatu yezuva, asi ichi ndicho chakarchwa nomuporofita Joeri achiti,
‘Mwari anoti, namazuva okupedzisira,
Ndichadurura Mweya wangu
pamusoro penyama yose;
Vanakomana venyu navanasikana
venyu vachaporofita;
Majaya enyu achaona zviratidzo,
Navatana venyu vacharota hope.