Mabasa 18:12-23
Mabasa 18:12-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Panguva iyo Gario akanga ari mubati weAkaya, vaJudha vakabatana mukurwisa Pauro uye vakauya naye kudare redzimhosva. Vakati, “Munhu uyu, ari kugombedzera vanhu kuti vanamate Mwari nenzira inopesana nomurayiro.” Pauro akati oda kutaura, Gario akati kuvaJudha, “Kana imi vaJudha manga muchinyunyuta pamusoro pemhosva yezvisakarurama kana kutadza kwakaipisisa, zvainge zviri nyore kwandiri kuti ndikuteererei. Asi sezvo ichingova mibvunzo pamusoro pamashoko namazita uye nezvomurayiro wenyu, gadzirisanai pachenyu. Ini handidi kutonga nyaya dzakadai.” Saka akaita kuti vadzingwe kubva mudare remhosva. Ipapo vose vakatendeukira kuna Sosteni mukuru wesinagoge vakamurova pamberi pedare. Asi Gario haana kumbova nehanya nazvo. Pauro akaramba ari muKorinde kwamazuva mazhinji. Ipapo akabva pahama ndokuenda nechikepe kuSiria, achiperekedzwa naPirisira naAkwira. Asati akwira chikepe, akaveura bvudzi rake paKenikireya nokuda kwemhiko yaakanga aita. Vakasvika paEfeso, Pauro akasiya Pirisira naAkwira ipapo. Iye pachake akapinda musinagoge akataurirana navaJudha. Vakati vamukumbira kuti agare navo nguva refu, iye akaramba. Asi paakabva, akavimbisa achiti, “Ndichadzokazve kana Mwari achida.” Ipapo akakwira chikepe kubva kuEfeso. Akati aburuka paKesaria, akakwidza akandokwazisa kereke ipapo ndokubva aburuka oenda kuAndioki. Shure kwokunge ambogara muAndioki kwechinguva, Pauro akabvapo akaenda achishanya munzvimbo nenzvimbo, akapinda nomumatunhu eGaratia neFirigia, achisimbisa vadzidzi vose.
Mabasa 18:12-23 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Gario akati ava mubati weAkaya, vaJudha vakamukira Pauro nomwoyo mumwe, vakauya naye pachigaro chokutonga, vachiti, “Uyu anogombedzera vanhu kuti vanamate Mwari nenzira isingatenderwi nomurayiro.” Zvino Pauro akati oda kushamisa muromo wake, Gario akati kuvaJudha, “Dai yaiva mhosva yezvisakarurama, kana kutadza kwakaipa, ndaifanira kuva nomwoyo murefu kwamuri, imi vaJudha. Asi kana dziri nharo pamusoro pamashoko namazita nomurayiro wenyu, tambai henyu imi mhosva iyo; ini handidi kuva mutongi waizvozvo.” Akavadzinga pachigaro chokutonga. Zvino vose vakabata Sositeni, mukuru wesinagoge, vakamurova pamberi pechigaro chokutonga; asi Gario haana kuva nehanya nechinhu chimwe chaizvozvo. Pauro akati agarapo mazuva mazhinji, akaonekana nehama, akabvapo, akaenda Siria nechikepe, ana Pirisira naAkwira, aveura musoro wake paKenikiria, nokuti akanga apika. Vakasvika Efeso, akavasiyapo; asi iye amene akapinda musinagoge akataurirana navaJudha. Zvino vakati vachikumbira kuti agare navo nguva refu, haana kutenda; asi wakaonekana navo, achiti, “Ndichadzokerazve kwamuri, kana Mwari achida,” akabva Efeso nechikepe. Akati asvika Kesaria, akakwira kundokwazisa kereke, akaburukira Andioki. Akati agarapo nguva, akabva, akagura nenyika dzeGaratiya neFirigiya achidzitevedzanisa, achisimbisa vadzidzi vose.
Mabasa 18:12-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Panguva yakanga Gario ari gavhuna weAkaya, vaJudha vakaita rimwe kurwisa Pauro. Vakamuunza kudare vachiti murume uyu anokurudzira vanhu kunamata Mwari zvisiri pamurao. Pauro paakanga ava kuda kutaura, Gario akati kuvaJudha, “Dai yanga iri mhosva kana kuti kutadza kwakaipisisa, ndaiwana chikonzero chokukuitirai mwoyo murefu, vaJudha imi. Zvino zvairi nyaya yokubvunza pamusoro pezvamazwi nezvamazita uye nezvomutemo wenyu, zvionerei pachenyu. Handidi kuva mutongi mune zvinhu izvi.” Akabva avadzinga mudare. Vose vakabata Sositeni mukuru wapasinagogu vakamurova pamberi pedare; asi Gario haana kuita hanya nazvo. Mushure mezvo Pauro akagara mamwe mazuva mazhinji ndokuzoonekana nevehama. Akazoenda kuSiria nechikepe pamwechete naPirisira naAkwira. KuKenikirie akaveura vhudzi rake nokuti akanga aita mhiko. Vakasvika kuEfesusi akavasiyako asi iye akamboenda musinagogu akataura kuvaJudha. Pavakamukumbira kuti ambogarazve, akaramba. Paakanga ava kuenda akati, “Ndichadzoka kwamuri kana Mwari achida. Akaenda nechikepe achibva kuEfesusi.” Paakasvika kuSezaria akakwira akandokwazisa sangano ndokuzodzika kuAndiyoku. Akati apedza chinguva ariko akasimuka akaenda munzvimbo nenzvimbo nomudunhu reGaratia nereFirigia achisimbisa vadzidzi vose.
Mabasa 18:12-23 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Gario wakati aʋa muɓati weAkaya, ʋaJuda ʋakamukira Pauro nomŋoyo mumŋe, ʋakaʋuya naye pacigaro cokutoŋga, ʋaciti: Uyu unogombedzera ʋanhu kuti ʋanamate Mŋari nenzira isiŋgatenderwi nomurairo. Ɀino Pauro wakati oɗa kushamisa muromo wake, Gario akati kuʋaJuda: Ƌai yaiʋa mhoȿa yeɀisakarurama, kana kutadza kwakaipa, ndaifanira kuʋa nomŋoyo murefu kwamuri, imi ʋaJuda. Asi kana dziri nharo pamsoro pamashoko namazita nomurairo wenyu, tambai henyu imi mhoȿa iyo; ini handiɗi kuʋa mutoŋgi waiɀoɀo. Akaʋadziŋga pacigaro cokutoŋga. Ɀino ʋose ʋakaɓata Sosteni, mukuru wesinagoge, ʋakamuroʋa pamberi pecigaro cokutoŋga; asi Gario haana‐kuʋa nehanya necinhu cimŋe caiɀoɀo. Pauro wakati agara’po mazuʋa mazhinji, akawonekana nehama, akabva’po, akaenda Siria necikepe, anaPrisira naAkwira, aʋeʋura musoro wake paKenkrea, nokuti wakaŋga apika. Ʋakaȿika Efeso, akaʋasiya’po; asi iye amene wakapinda musinagoge, akataurirana naʋaJuda. Ɀino ʋakati ʋacikumbira kuti agare naʋo ŋguʋa refu, haana‐kutenda; asi wakawonekana naʋo, aciti: Ndicadzokera ɀe kwamuri, kana Mŋari aciɗa, akabva paEfeso necikepe. Wakati aȿika Kesaria, akakwira kundokwazisa kereke, akaɓurukira Antiokia. Wakati agara’po ŋguʋa, akabva, akagura nenyika dzeGaratia neFrigia acidziteʋedzanisa, acisimbisa ʋadzidzi ʋose.
Mabasa 18:12-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)