Zvino Gario akati ava mubati weAkaya, vaJudha vakamukira Pauro nomwoyo mumwe, vakauya naye pachigaro chokutonga, vachiti, “Uyu anogombedzera vanhu kuti vanamate Mwari nenzira isingatenderwi nomurayiro.”
Zvino Pauro akati oda kushamisa muromo wake, Gario akati kuvaJudha, “Dai yaiva mhosva yezvisakarurama, kana kutadza kwakaipa, ndaifanira kuva nomwoyo murefu kwamuri, imi vaJudha. Asi kana dziri nharo pamusoro pamashoko namazita nomurayiro wenyu, tambai henyu imi mhosva iyo; ini handidi kuva mutongi waizvozvo.” Akavadzinga pachigaro chokutonga. Zvino vose vakabata Sositeni, mukuru wesinagoge, vakamurova pamberi pechigaro chokutonga; asi Gario haana kuva nehanya nechinhu chimwe chaizvozvo.
Pauro akati agarapo mazuva mazhinji, akaonekana nehama, akabvapo, akaenda Siria nechikepe, ana Pirisira naAkwira, aveura musoro wake paKenikiria, nokuti akanga apika.
Vakasvika Efeso, akavasiyapo; asi iye amene akapinda musinagoge akataurirana navaJudha. Zvino vakati vachikumbira kuti agare navo nguva refu, haana kutenda; asi wakaonekana navo, achiti, “Ndichadzokerazve kwamuri, kana Mwari achida,” akabva Efeso nechikepe. Akati asvika Kesaria, akakwira kundokwazisa kereke, akaburukira Andioki.
Akati agarapo nguva, akabva, akagura nenyika dzeGaratiya neFirigiya achidzitevedzanisa, achisimbisa vadzidzi vose.