Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 15:6-21

Mabasa 15:6-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Vapostori navakuru vakasangana kuti vaongorore nyaya iyi. Shure kwehurukuro huru, Petro akasimuka akati, “Hama dzangu, munoziva imi kuti nguva dzakare Mwari akandisarudza pakati penyu kuti veDzimwe Ndudzi vanzwe shoko revhangeri rinobva pamiromo yangu vagotenda. Mwari, iye anoziva mwoyo yavanhu akaratidza kuti anovagamuchira nokuvapa Mweya Mutsvene, sezvaakangoitawo kwatiri. Haana kuisa mutsauko pakati pedu navo, nokuti akanatsa mwoyo yavo nokutenda. Naizvozvo zvino, munodireiko kuedza Mwari nokuisa pamitsipa yavadzidzi joko risina kugona kutakurwa nesu kana namadzibaba edu? Kwete! Isu tinotenda kuti takaponeswa kubudikidza nenyasha dzaShe wedu Jesu sezvavakangoitwawo.” Sangano rose rakanyarara pavakanga vakateerera kuna Bhanabhasi naPauro vachirondedzera pamusoro pezviratidzo nezvishamiso zvakanga zvaitwa naMwari pakati peveDzimwe Ndudzi kubudikidza navo. Vakati vapedza, Jakobho akapindura achiti, “Hama dzangu, nditeererei. Simoni arondedzera kwatiri kuti pakutanga Mwari akaratidza nyasha dzake sei paakazvitorera vanhu vake kubva kune veDzimwe Ndudzi. Mashoko avaprofita anotenderana naizvozvi, sezvazvakanyorwa zvichinzi: “ ‘Shure kwaizvozvo ndichadzoka ndigozovakazve tende yaDhavhidhi yakawa. Ndichavakazve matongo ayo, uye ndichaivandudzazve, kuti vakasara vavanhu vatsvake Ishe, uye neveDzimwe Ndudzi vose vanodanwa nezita rangu, ndizvo zvinotaura Ishe, anoita zvinhu izvi,’ zvakangova zvazivikanwa kubva kare. “Naizvozvo, kufunga kwangu ini ndinoti hatifaniri kuomesera veDzimwe Ndudzi ava vari kutendeukira kuna Mwari. Asi ngativanyorerei tsamba tichivataurira kuti varege kudya zvakasvibiswa nezvifananidzo, vabve paupombwe, nokudya nyama yemhuka dzakadzipwa, uye neropa. Nokuti kubva kare Mozisi akanga achiparidzwa muguta rimwe nerimwe uye anoverengwa musinagoge paSabata rimwe nerimwe.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mabasa 15

Mabasa 15:6-21 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Ipapo vapostori navakuru vakaungana kuti varangane pamusoro peshoko iri. Zvino, nharo huru dzakati dzavapo, Petirosi akasimuka akati kwavari, “Varume, hama, munoziva kuti kubva pamazuva akare Mwari akanditsanangura pakati penyu, kuti vahedheni vanzwe shoko reVhangeri nomuromo wangu, vatende. Zvino Mwari, muzivi womwoyo, wakavapupurira, akavapa Mweya Mutsvene sesu; haana kutsaura pakati pedu navo, zvaakanatsa mwoyo yavo nokutenda. Naizvozvo zvino, munoedzireiko Mwari, muchiisa pamitsipa yavadzidzi joko, rakanga risingagoni kutakurwa namadzibaba edu kunyange nesu? Asi tinotenda kuti isu tichaponeswa nenyasha dzaIshe Jesu nomutoo mumwe navo.” Ipapo vanhu vazhinji vose vakaramba vanyerere, vakateerera vanaBhanabhasi naPauro vachirondedzera zviratidzo nezvishamiso, zvakaitwa naMwari navo pakati pavahedheni. Zvino vakati vanyarara, Jakobho akapindura, akati, “Varume, hama, nditeererei. Simoni akarondedzera matangiro aMwari kumutsa vahedheni, kuti atore kwavari vanhu vezita rake. Naizvozvo mashoko avaporofita anobvumira izvozvi; sezvazvakanyorwa, zvichinzi, ‘Shure kwaizvozvi ndichadzoka, Ndivake tabhenakeri yaDhavhidhi, yakawa; Ndichavakazve matongo ayo, Ndichiimutsa; Kuti vakasara kuvanhu vatsvake Ishe, Navahedheni vose vakadanwa nezita rangu, Ndizvo zvinotaura Ishe, unozivisa izvozvi zvose kubva pakutanga kwenyika.’ “Naizvozvi ini ndinoti, ngatirege kugumbusa avo pakati pavahedheni vakatendeukira kuna Mwari; asi tivanyorere kuti varege zvakashatiswa nezvifananidzo, noupombwe, nezvakadzipwa, neropa. Nokuti Mosesi kubva pamarudzi ekare, aiva navanomuparidza paguta rimwe nerimwe, achirawa mumasinagoge Sabata rimwe nerimwe.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mabasa 15

Mabasa 15:6-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Vapositori navakuru vakuru vakaungana kuti vafunge nezvenyaya iyi. Pashure pokunge patauriranwa zvikuru, Pita akasimuka akati kwavari, “Hama, imi munoziva kuti pamazuva okutanga, Mwari akandisarudza pakati penyu kuti vechirudzi vanzwe kubva pamuromo pangu dama reShoko Rakanaka kuti vadavire. Mwari anoziva mwoyo womunhu akazvitsigira nokuvapa Mweya Mutsvene sezvaakangoitawo kwatiri. Haana kumbotisianisa navo asi akachenesa mwoyo yavo nechitendero. Zvino munoedzerei Mwari nokuisa joko pamutsipa yavadzidzi risina kukwanisa kutakurwa namadzibaba edu kana nesu? Asi tinotenda kuti tichaponeswa nenyasha dzaTenzi Jesu sokuponeswa kwavachaitwa.” Gungano rakati zii kunyarara. Vakateerera Bhanabhasi naPauro vachirondedzera zviratidzo nezvishamiso zvakaitwa naMwari nemavari pakati pevechirudzi. Pavakapedza kutaura, Jemusi akapindura achiti, “Varume hama, nditeererei. Simoni atitaurira kuti Mwari akashanyira sei vechirudzi, nokutora vanhu mukati mavo vanodaidzwa nezita rake. Izvi zvinowirirana namashoko avaporofita sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi, “ ‘Mushure mezvo ndichadzoka ndigovakazve imba yokwaDhavhidhi yadai kuputsika. Ndichagadziridza matongo ayo ndiamutsurudze kuti vamwe vanhu vose vatsvake Tenzi nevechirudzi vose vanodaidzwa nezita rangu. Ndizvo zviri kutaura Tenzi akazivisa zvinhu izvi kubvira pasi chigare.’ “Naizvozvo ini ndinofunga kuti hatifaniri kunetsa vechirudzi vanotendeukira kuna Mwari. Asi ngativanyorerei kuti varege kusvibiswa nezvifananidzo zvokunamata; varege upombwe nenyama isina kusinzwa nomusiya. Nokuti kubvira pazvizvarwa zvokutanga mutemo waMosesi wakaparidzwa muguta roga roga uye unoverengwa mumasinagogu pamaSabata ose ose.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mabasa 15

Mabasa 15:6-21 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ipapo ʋaapostora naʋakuru ʋakaʋuŋgana kuti ʋaraŋgane pamsoro peshoko iri. Ɀino, nharo huru dzakati dzaʋa’po, Petro akasimuka akati kwaʋari: Ʋarume, hama, munoziʋa kuti kubva pamazuʋa akare Mŋari wakandisanaŋgura pakati penyu, kuti ʋahedeni ʋanzwe shoko reEvaŋgeri nomuromo waŋgu, ʋatende. Ɀino Mŋari, muziʋi womŋoyo, wakaʋapupurira, akaʋapa Mŋeya Mutȿene sesu; haanakutsaura pakati peɗu naʋo, ɀaakanatsa mŋoyo yaʋo nokutenda. Naiɀoɀo ɀino, munoidzireiko Mŋari, muciisa pamitsipa yaʋadzidzi joko, rakaŋga risiŋgagoni kutakurwa namadziɓaɓa eɗu kunyaŋge nesu? Asi tinotenda kuti isu ticaponeswa nenyasha dzaShe Jesu nomutoʋo mumŋe naʋo. Ipapo ʋanhu ʋazhinji ʋose ʋakaramba ʋanyerere, ʋakaterera ʋanaBarnabasi naPauro ʋacirondedzera ɀiratidzo neɀishamiso, ɀakaitwa naMŋari naʋo pakati paʋahedeni. Ɀino ʋakati ʋanyarara, Jakobo akapindura, akati: Ʋarume, hama, nditererei. Simeoni wakarondedzera mutaŋgire waMŋari kumutsa ʋahedeni, kuti atore kwaʋari ʋanhu ʋezita rake. Namashoko aʋaprofita anobvumira iɀoɀi; seɀaɀakanyorwa, ɀicinzi: Shure kwaiɀoɀi ndicadzoka, Ndiʋake tabernakeri yaDavidi, yakawa; Ndicaʋaka ɀe matoŋgo ayo, Ndiciimutsa; Kuti ʋakasara kuʋanhu ʋatȿake Ishe, Naʋahedeni ʋose ʋakaɗanwa nezita raŋgu, Ndiɀo ɀinotaura Ishe, unoziʋisa iɀoɀi ɀose kubva pakutaŋga kwenyika. Naiɀoɀi ini ndinoti, ŋgatirege kugumbusa aʋo pakati paʋahedeni ʋakatendeʋukira kunaMŋari; asi tiʋanyorere kuti ʋarege ɀakashatiswa neɀifananidzo, noʋupombge, neɀakadzipxa, neropa. Nokuti Mosesi kubva pamarudzi ekare, waiʋa naʋanomuparidza paguta rimŋe nerimŋe, acirabga mumasinagoge saɓata rimŋe nerimŋe.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mabasa 15

Mabasa 15:6-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)