Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 15:6-21

Mabasa 15:6-21 SCLB

Vapositori navakuru vakuru vakaungana kuti vafunge nezvenyaya iyi. Pashure pokunge patauriranwa zvikuru, Pita akasimuka akati kwavari, “Hama, imi munoziva kuti pamazuva okutanga, Mwari akandisarudza pakati penyu kuti vechirudzi vanzwe kubva pamuromo pangu dama reShoko Rakanaka kuti vadavire. Mwari anoziva mwoyo womunhu akazvitsigira nokuvapa Mweya Mutsvene sezvaakangoitawo kwatiri. Haana kumbotisianisa navo asi akachenesa mwoyo yavo nechitendero. Zvino munoedzerei Mwari nokuisa joko pamutsipa yavadzidzi risina kukwanisa kutakurwa namadzibaba edu kana nesu? Asi tinotenda kuti tichaponeswa nenyasha dzaTenzi Jesu sokuponeswa kwavachaitwa.” Gungano rakati zii kunyarara. Vakateerera Bhanabhasi naPauro vachirondedzera zviratidzo nezvishamiso zvakaitwa naMwari nemavari pakati pevechirudzi. Pavakapedza kutaura, Jemusi akapindura achiti, “Varume hama, nditeererei. Simoni atitaurira kuti Mwari akashanyira sei vechirudzi, nokutora vanhu mukati mavo vanodaidzwa nezita rake. Izvi zvinowirirana namashoko avaporofita sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi, “ ‘Mushure mezvo ndichadzoka ndigovakazve imba yokwaDhavhidhi yadai kuputsika. Ndichagadziridza matongo ayo ndiamutsurudze kuti vamwe vanhu vose vatsvake Tenzi nevechirudzi vose vanodaidzwa nezita rangu. Ndizvo zviri kutaura Tenzi akazivisa zvinhu izvi kubvira pasi chigare.’ “Naizvozvo ini ndinofunga kuti hatifaniri kunetsa vechirudzi vanotendeukira kuna Mwari. Asi ngativanyorerei kuti varege kusvibiswa nezvifananidzo zvokunamata; varege upombwe nenyama isina kusinzwa nomusiya. Nokuti kubvira pazvizvarwa zvokutanga mutemo waMosesi wakaparidzwa muguta roga roga uye unoverengwa mumasinagogu pamaSabata ose ose.”

Verenga chikamu Mabasa 15