Ipapo ʋaapostora naʋakuru ʋakaʋuŋgana kuti ʋaraŋgane pamsoro peshoko iri. Ɀino, nharo huru dzakati dzaʋa’po, Petro akasimuka akati kwaʋari:
Ʋarume, hama, munoziʋa kuti kubva pamazuʋa akare Mŋari wakandisanaŋgura pakati penyu, kuti ʋahedeni ʋanzwe shoko reEvaŋgeri nomuromo waŋgu, ʋatende. Ɀino Mŋari, muziʋi womŋoyo, wakaʋapupurira, akaʋapa Mŋeya Mutȿene sesu; haanakutsaura pakati peɗu naʋo, ɀaakanatsa mŋoyo yaʋo nokutenda. Naiɀoɀo ɀino, munoidzireiko Mŋari, muciisa pamitsipa yaʋadzidzi joko, rakaŋga risiŋgagoni kutakurwa namadziɓaɓa eɗu kunyaŋge nesu? Asi tinotenda kuti isu ticaponeswa nenyasha dzaShe Jesu nomutoʋo mumŋe naʋo.
Ipapo ʋanhu ʋazhinji ʋose ʋakaramba ʋanyerere, ʋakaterera ʋanaBarnabasi naPauro ʋacirondedzera ɀiratidzo neɀishamiso, ɀakaitwa naMŋari naʋo pakati paʋahedeni. Ɀino ʋakati ʋanyarara, Jakobo akapindura, akati:
Ʋarume, hama, nditererei. Simeoni wakarondedzera mutaŋgire waMŋari kumutsa ʋahedeni, kuti atore kwaʋari ʋanhu ʋezita rake. Namashoko aʋaprofita anobvumira iɀoɀi; seɀaɀakanyorwa, ɀicinzi:
Shure kwaiɀoɀi ndicadzoka,
Ndiʋake tabernakeri yaDavidi, yakawa;
Ndicaʋaka ɀe matoŋgo ayo,
Ndiciimutsa;
Kuti ʋakasara kuʋanhu ʋatȿake Ishe,
Naʋahedeni ʋose ʋakaɗanwa nezita raŋgu,
Ndiɀo ɀinotaura Ishe, unoziʋisa iɀoɀi ɀose kubva pakutaŋga kwenyika.
Naiɀoɀi ini ndinoti, ŋgatirege kugumbusa aʋo pakati paʋahedeni ʋakatendeʋukira kunaMŋari; asi tiʋanyorere kuti ʋarege ɀakashatiswa neɀifananidzo, noʋupombge, neɀakadzipxa, neropa. Nokuti Mosesi kubva pamarudzi ekare, waiʋa naʋanomuparidza paguta rimŋe nerimŋe, acirabga mumasinagoge saɓata rimŋe nerimŋe.