Mabasa 14:1-18
Mabasa 14:1-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
PaIkoniamu Pauro naBhanabhasi vakasvikopinda musinagoge ravaJudha sezvavaisiita nguva dzose. Imomo vakataura zvinobata mwoyo kwazvo zvokuti vaJudha vazhinji neveDzimwe Ndudzi vakatenda. Asi vaJudha vakaramba kutenda vakamutsa mwoyo yeveDzimwe Ndudzi uye vakavakanganisa pfungwa dzavo kuti vavenge hama. Saka Pauro naBhanabhasi vakapedza nguva refu varipo, vachitaura zvaIshe vasingatyi, iye akasimbisa shoko renyasha dzake nokuvagonesa kuita zviratidzo nezvishamiso. Vanhu vomuguta vakapesana; vamwe vakatsigira vaJudha, vamwewo vakatsigira vapostori. VeDzimwe Ndudzi navaJudha, pamwe chete navatungamiri vavo vakarangana kuvaitira zvakaipa nokuvataka namabwe. Asi vakazviziva vakabva vatizira kuRistira neDhebhe maguta avaRikonia nokudunhu rose rakanga rakapoteredza, uko kwavakaramba vachiparidza vhangeri. MuRistira maigara mumwe murume akanga ari mhetamakumbo, akanga ari chirema kubva pakuberekwa kwake uye akanga asina kumbofamba. Akateerera Pauro paakanga achitaura. Pauro akamutarisisa, akaona kuti akanga ano kutenda kuti angaporeswa akadanidzira akati, “Simuka netsoka dzako!” Ipapo, murume akakwakuka akatanga kufamba. Vazhinji vakati vaona zvakanga zvaitwa naPauro, vakadanidzira norurimi rwechiRikonia vachiti, “Vamwari vaburuka kwatiri muchimiro chavanhu!” Bhanabhasi vakamutumidza kuti Zeusi, uye Pauro vakamutumidza kuti Herimesi nokuti ndiye aiva mutauri mukuru. Muprista waZeusi aiva netemberi yake yakanga iri kunze kweguta, akauya nehando namaruva kumasuo eguta nokuti iye navanhu vazhinji vaida kupa zvibayiro kwavari. Asi vapostori Bhanabhasi naPauro vakati vazvinzwa, vakabvarura nguo dzavo vakamhanyira mukati moruzhinji, vakadanidzira vachiti, “Varume, munoitireiko izvi? Isuwo tiri vanhu semi, vanhuwo zvavo semi. Tinokuparidzirai mashoko akanaka, tichikuudzai kuti mubve pazvinhu izvi zvisina maturo mudzokere kuna Mwari mupenyu, akaita denga nenyika negungwa nezvinhu zvose zviri mukati mazvo. Panguva dzakapfuura, akarega hake ndudzi dzose dzichifamba nenzira dzadzo. Asi haana kusiya pasina zvingamupupurira: Akakuitirai tsitsi nokukupai mvura inobva kudenga nezvirimwa nenguva yazvo; akakupai zvokudya zvakawanda uye akazadza mwoyo yenyu nomufaro.” Kunyange namashoko iwaya, zvakanga zvakaoma chose kuti vadzivise vanhu vazhinji ava kuti varege kuvabayira.

Mabasa 14:1-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino paIkonio vakapinda kamwe vose musinagoge ravaJudha, vakataura nokudaro kuti vazhinjizhinji vavaJudha navaGiriki vakatenda. Asi vaJudha vasina kuteerera, vakamutsa mwoyo yavahedheni, kuti vavenge hama. Naizvozvo vakagarapo nguva refu, vachitaura munaIshe vasingatyi; iye akapupurira shoko renyasha dzake, akavapa simba kuti zviratidzo nezvishamiso zviitwe namaoko avo. Asi vanhu vazhinji veguta vakapesana, vamwe vakava kuvaJudha, vamwe kuvapostori. Zvino vahedheni, navaJudha, navabati vavo vakati vachivavarira kuvaitira zvakaipa nokuvataka namabwe; ivo vakazviziva, vakatizira Risitira neDhebhe, aiva maguta eRikonia, nokunyika yakapoteredza; vakaparidzira Vhangeri ikoko. Zvino paRisitira paigara mumwe murume akanga asina simba patsoka dzake, chirema kubva padumbu ramai vake, asina kutongofamba. Iye akanzwa Pauro achitaura; zvino iye akati achimutarisisa, akaona kuti anokutenda kuti angaporeswa, akati nezwi guru, “Mira kwazvo netsoka dzako.” Iye akavazuka, akafamba. Vanhu vazhinji vakati vaona zvaitwa naPauro, vakadanidzira norurimi rwavaRikonia, vachiti, “Vamwari vaburukira kwatiri, vaita savanhu.” Bhanabhasi vakamutumidza Jupiteri, naPauro Merikuro, nokuti ndiye aiva mutauri mukuru. Ipapo mupristi waJupiteri aiva netemberi yake pamberi peguta, akauya pamusuo nenzombe namaruva okushonga, achida kuvabayira, anavanhu vazhinji naye. Zvino vapostori, Bhanabhasi naPauro, vakati vachinzwa izvozvo, vakabvarura nguo dzavo, vakamhanyira pakati pavanhu vazhinji, vakadanidzira, vachiti, “Varume, munoitireiko izvozvi? Nesu tiri vanhu semiwo; tinokuparidzirai mashoko akanaka, kuti mubve panaizvozvo zvisina maturo, mutendeukire kuna Mwari mupenyu akaita denga napasi; negungwa, nezvose zviri mukati mazvo. Iye, panguva dzakapfuura akatendera vahedheni vose kufamba nenzira dzavo. Asi haana kurega kuzvipupurira, achiita zvakanaka, achikupai mvura yokudenga, nenguva yezviyo zvizhinji, achizadza mwoyo yenyu nezvokudya nomufaro.” Nokutaura kwavo saizvozvo, vakatambura kwazvo kudzivisa vanhu kuti varege kuvabayira.
Mabasa 14:1-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
KuIkoniumu vakapinda vose pamwechete musinagogu yavaJudha vakataura zvokuti boka guru ravaJudha navaGiriki rakatenda. Asi vaJudha vakanga vasingatendi vakaisa mweya wokupanduka mukati mevechirudzi vakavapengesa kuti varwise vehama. Nokudaro vakagara kwenguva ndefu vachitaura nechivindi nezvaTenzi. Iyewo Tenzi, akapupurira Shoko rake renyasha nokupa kwaakaita zviratidzo nezvishamiso kuti zviitwe namaoko avo. Asi vanhu veguta iroro vakanga vakakamukana. Vamwe vaiva kurutivi rwavaJudha vamwe vari divi ravapositori. Vechirudzi navaJudha navatongi vavo pavakanga vachironga kuvatambudza uye kuvataka namabwe, vakazviziva vakatizira kuRisitira nokuDhebhe maguta enyika yeIkoniumu uye kunyika yakatenderedza. Ikoko vakaparidza Shoko Rakanaka. KuRisitira kwaiva nomumwe murume aingogara asingakwanisi kufamba namakumbo ake. Akanga ari mhetamakumbo chizvarirwo chake, asina kana kutombofamba. Akateerera Pauro achitaura. Pauro akanyatsomutarisisa. Paakaona kuti ane chitendero chokuti angaponeswe akataura nezwi riri pamusoro akati, “Simuka umire namakumbo ako.” Iye akakwakuka akafamba. Mhomho yavanhu payakaona zvakanga zvaitwa naPauro yakadaidzira nechiRikaonia vachiti, “Vamwari vaburuka kwatiri vakaita savanhu.” Bhanabhasi vakamuti ndiZeusi, Pauro, nokuti ndiye aiva mutauri mukuru, vakamuti ndiHeremesi. Mupristi waZeusi aiva neTemberi pamberi peguta, akauya namadhonza uye anamaruva kumisuo mikuru achida kupira chibayiro pamwechete navanhu. Vapositori, vanaBhanabhasi naPauro, pavakazvinzwa vakabvarura nguwo dzavo neshungu. Vakamhanya mumhomho yavanhu vachidaidzira vachiti, “Varume, ko mavakuitireiko izvi? Tiri vanhuwo vakangofanana nemi uye tiri kukuunzirai Shoko Rakanaka tichikutaurirai kuti mutendeuke kune zvinhu izvi zvisina maturo muchienda kuna Mwari mupenyu akasika denga napasi negungwa nazvose zvirimo. Muzvizvarwa zvakapfuura Mwari akabvumira marudzi ose kutevera maitiro avo. Zvakadaro zvazvo haana kukusiyai musina zvinoratidza zvokuvapo kwake munezvinhu zvakanaka zvaanokuitirai. Anokutumirai mvura inobva kudenga, nemwaka yamaguta achikugutsai mwoyo nezvokudya nokufara.” Kunyange namazwi aya vakange votoda kukundika kurambidza vanhu ava kupira chibayiro kwavari.
Mabasa 14:1-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino paIkonio ʋakapinda kamŋe ʋose musinagoge raʋaJuda, ʋakataura nokuɗaro kuti ʋazhinji‐zhinji ʋaʋaJuda naʋaGiriki ʋakatenda. Asi ʋaJuda ʋasina‐kuterera, ʋakamutsa mŋoyo yaʋahedeni, kuti ʋaʋeŋge hama. Naiɀoɀo ʋakagara’po ŋguʋa refu, ʋacitaura munaShe ʋasiŋgatyi; iye akapupurira shoko renyasha dzake, akaʋapa simba kuti ɀiratidzo neɀishamiso ɀiitwe namaʋoko aʋo. Asi ʋanhu ʋazhinji ʋeguta ʋakapesana, ʋamŋe ʋakaʋa kuʋaJuda, ʋamŋe kuʋaapostora. Ɀino ʋahedeni, naʋaJuda, naʋaɓati ʋaʋo ʋakati ʋaciʋaʋarira kuʋaitira ɀakaipa nokuʋataka namabge; iʋo ʋakaɀiziʋa, ʋakatizira Ristra neDerbe, aiʋa maguta eRikaonia, nokunyika yakapoteredza; ʋakaparidzira Evaŋgeri ikoko. Ɀino paRistra paigara mumŋe murume wakaŋga asinesimba patsoka dzake, cirema kubva paɗumbu ramai ʋake, asina‐kutoŋgofamba. Iye wakanzwa Pauro acitaura; ɀino iye wakati acimutarisisa, akaʋona kuti unokutenda kuti uŋgaporeswa, akati nenzwi guru: Mira kwaɀo netsoka dzako. Iye akavazuka, akafamba. Ʋanhu ʋazhinji ʋakati ʋaʋona ɀaitwa naPauro, ʋakaɗanidzira norurimi rwaʋaRikaonia, ʋaciti: Ʋamŋari ʋaɓurukira kwatiri, ʋaita saʋanhu. Barnabasi ʋakamutumidza Jupiteri, naPauro Merkurio, nokuti ndiye waiʋa mutauri mukuru. Ipapo muprista waJupiteri waiʋa netembere yake pamberi peguta, akaʋuya pamasuʋo nenzombe namaruʋa okushoŋga, aciɗa kuʋaɓayira, anaʋanhu ʋazhinji naye. Ɀino ʋaapostora, Barnabasi naPauro, ʋakati ʋacinzwa iɀoɀo, ʋakabvarura ŋguʋo dzaʋo, ʋakamhanyira pakati paʋanhu ʋazhinji, ʋakaɗanidzira, ʋaciti: Ʋarume, munoitireiko iɀoɀi? Nesu tiri ʋanhu semi ʋo; tinokuparidzirai mashoko akanaka, kuti mubve panaiɀoɀo ɀisinamaturo, mutendeʋukire kunaMŋari mupenyu wakaita ɗeŋga napasi, neguŋgwa, neɀose ɀiri mukati maɀo. Iye, paŋguʋa dzakapfuʋura wakatendera ʋahedeni ʋose kufamba nenzira dzaʋo. Asi haana‐kurega kuɀipupurira, aciita ɀakanaka, acikupai mvura yokuɗeŋga, neŋguʋa dzeɀiyo ɀizhinji, acizadza mŋoyo yenyu neɀokudya nomufaro. Nokutaura kwaʋo saiɀoɀo, ʋakatambura kwaɀo kudziʋisa ʋanhu kuti ʋarege kuʋaɓayira.
Mabasa 14:1-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)