KuIkoniumu vakapinda vose pamwechete musinagogu yavaJudha vakataura zvokuti boka guru ravaJudha navaGiriki rakatenda. Asi vaJudha vakanga vasingatendi vakaisa mweya wokupanduka mukati mevechirudzi vakavapengesa kuti varwise vehama. Nokudaro vakagara kwenguva ndefu vachitaura nechivindi nezvaTenzi. Iyewo Tenzi, akapupurira Shoko rake renyasha nokupa kwaakaita zviratidzo nezvishamiso kuti zviitwe namaoko avo. Asi vanhu veguta iroro vakanga vakakamukana. Vamwe vaiva kurutivi rwavaJudha vamwe vari divi ravapositori. Vechirudzi navaJudha navatongi vavo pavakanga vachironga kuvatambudza uye kuvataka namabwe, vakazviziva vakatizira kuRisitira nokuDhebhe maguta enyika yeIkoniumu uye kunyika yakatenderedza. Ikoko vakaparidza Shoko Rakanaka. KuRisitira kwaiva nomumwe murume aingogara asingakwanisi kufamba namakumbo ake. Akanga ari mhetamakumbo chizvarirwo chake, asina kana kutombofamba. Akateerera Pauro achitaura. Pauro akanyatsomutarisisa. Paakaona kuti ane chitendero chokuti angaponeswe akataura nezwi riri pamusoro akati, “Simuka umire namakumbo ako.” Iye akakwakuka akafamba. Mhomho yavanhu payakaona zvakanga zvaitwa naPauro yakadaidzira nechiRikaonia vachiti, “Vamwari vaburuka kwatiri vakaita savanhu.” Bhanabhasi vakamuti ndiZeusi, Pauro, nokuti ndiye aiva mutauri mukuru, vakamuti ndiHeremesi. Mupristi waZeusi aiva neTemberi pamberi peguta, akauya namadhonza uye anamaruva kumisuo mikuru achida kupira chibayiro pamwechete navanhu. Vapositori, vanaBhanabhasi naPauro, pavakazvinzwa vakabvarura nguwo dzavo neshungu. Vakamhanya mumhomho yavanhu vachidaidzira vachiti, “Varume, ko mavakuitireiko izvi? Tiri vanhuwo vakangofanana nemi uye tiri kukuunzirai Shoko Rakanaka tichikutaurirai kuti mutendeuke kune zvinhu izvi zvisina maturo muchienda kuna Mwari mupenyu akasika denga napasi negungwa nazvose zvirimo. Muzvizvarwa zvakapfuura Mwari akabvumira marudzi ose kutevera maitiro avo. Zvakadaro zvazvo haana kukusiyai musina zvinoratidza zvokuvapo kwake munezvinhu zvakanaka zvaanokuitirai. Anokutumirai mvura inobva kudenga, nemwaka yamaguta achikugutsai mwoyo nezvokudya nokufara.” Kunyange namazwi aya vakange votoda kukundika kurambidza vanhu ava kupira chibayiro kwavari.
Verenga chikamu Mabasa 14
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mabasa 14:1-18
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo