Ɀino paIkonio ʋakapinda kamŋe ʋose musinagoge raʋaJuda, ʋakataura nokuɗaro kuti ʋazhinji‐zhinji ʋaʋaJuda naʋaGiriki ʋakatenda. Asi ʋaJuda ʋasina‐kuterera, ʋakamutsa mŋoyo yaʋahedeni, kuti ʋaʋeŋge hama. Naiɀoɀo ʋakagara’po ŋguʋa refu, ʋacitaura munaShe ʋasiŋgatyi; iye akapupurira shoko renyasha dzake, akaʋapa simba kuti ɀiratidzo neɀishamiso ɀiitwe namaʋoko aʋo. Asi ʋanhu ʋazhinji ʋeguta ʋakapesana, ʋamŋe ʋakaʋa kuʋaJuda, ʋamŋe kuʋaapostora. Ɀino ʋahedeni, naʋaJuda, naʋaɓati ʋaʋo ʋakati ʋaciʋaʋarira kuʋaitira ɀakaipa nokuʋataka namabge; iʋo ʋakaɀiziʋa, ʋakatizira Ristra neDerbe, aiʋa maguta eRikaonia, nokunyika yakapoteredza; ʋakaparidzira Evaŋgeri ikoko.
Ɀino paRistra paigara mumŋe murume wakaŋga asinesimba patsoka dzake, cirema kubva paɗumbu ramai ʋake, asina‐kutoŋgofamba. Iye wakanzwa Pauro acitaura; ɀino iye wakati acimutarisisa, akaʋona kuti unokutenda kuti uŋgaporeswa, akati nenzwi guru: Mira kwaɀo netsoka dzako. Iye akavazuka, akafamba. Ʋanhu ʋazhinji ʋakati ʋaʋona ɀaitwa naPauro, ʋakaɗanidzira norurimi rwaʋaRikaonia, ʋaciti: Ʋamŋari ʋaɓurukira kwatiri, ʋaita saʋanhu. Barnabasi ʋakamutumidza Jupiteri, naPauro Merkurio, nokuti ndiye waiʋa mutauri mukuru. Ipapo muprista waJupiteri waiʋa netembere yake pamberi peguta, akaʋuya pamasuʋo nenzombe namaruʋa okushoŋga, aciɗa kuʋaɓayira, anaʋanhu ʋazhinji naye. Ɀino ʋaapostora, Barnabasi naPauro, ʋakati ʋacinzwa iɀoɀo, ʋakabvarura ŋguʋo dzaʋo, ʋakamhanyira pakati paʋanhu ʋazhinji, ʋakaɗanidzira, ʋaciti: Ʋarume, munoitireiko iɀoɀi? Nesu tiri ʋanhu semi ʋo; tinokuparidzirai mashoko akanaka, kuti mubve panaiɀoɀo ɀisinamaturo, mutendeʋukire kunaMŋari mupenyu wakaita ɗeŋga napasi, neguŋgwa, neɀose ɀiri mukati maɀo. Iye, paŋguʋa dzakapfuʋura wakatendera ʋahedeni ʋose kufamba nenzira dzaʋo. Asi haana‐kurega kuɀipupurira, aciita ɀakanaka, acikupai mvura yokuɗeŋga, neŋguʋa dzeɀiyo ɀizhinji, acizadza mŋoyo yenyu neɀokudya nomufaro. Nokutaura kwaʋo saiɀoɀo, ʋakatambura kwaɀo kudziʋisa ʋanhu kuti ʋarege kuʋaɓayira.