Mabasa 10:23-44
Mabasa 10:23-44 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo Petro akakoka varume ava kuti vapinde mumba vave vaeni vake. Fume mangwana Petro akasimuka pamwe chete navo, uye dzimwe hama dzokuJopa dzakaendawo naye. Zuva rakatevera akasvika Kesaria. Koniriasi akanga akavamirira uye akanga akoka hama dzake neshamwari dzapedyo. Petro akati apinda mumba, Koniriasi akamugamuchira uye akawira patsoka dzake achimuremekedza. Asi Petro akaita kuti asimuke akati, “Simuka, ndinongova munhuwo zvangu.” Petro achitaura naye, akapinda mumba akawana vanhu vazhinji vakaungana. Akati kwavari, “Imi munozviziva kuti hazvibvumirwi nomurayiro wedu kuti muJudha adyidzane nomuhedheni kana kumushanyira. Asi Mwari andiratidza kuti handifaniri kuti nditi munhu haana kunaka kana kuti ane tsvina. Nokudaro pandakadanwa, ndakabva ndauya ndisingarambi. Regai ndichibvunza hangu kwamuri kuti mandidanirei?” Koniriasi akapindura akati, “Mazuva mana apfuura ndakanga ndiri mumba mangu ndichinyengetera senguva ino, nenguva yechitatu yamasikati. Pakarepo munhu akanga akapfeka nguo dzinopenya akamira pamberi pangu akati, ‘Koniriasi, Mwari anzwa minyengetero yako uye arangarira zvipo zvako kuvarombo. Tumira vanhu kuJopa kuna Simoni anonzi Petro. Mueni mumba maSimoni musuki wamatehwe, anogara pedyo negungwa.’ Saka ndakabva ndatumira vanhu kwamuri pakarepo, uye maita zvakanaka zvamauya. Zvino isu tose tiri pano pamberi paMwari kuti tinzwe kwamuri zvose zvamarayirwa naShe kuti muzotitaurira.” Ipapo Petro akatanga kutaura achiti, “Zvino ndava kuziva kuti zvirokwazvo Mwari haazi mutsauri wavanhu asi anogamuchira vanhu vanobva kundudzi dzose, ivo vanomutya uye vanoita zvakarurama. Imi munoziva shoko rakatumwa naMwari kuvanhu veIsraeri, achivaudza mashoko akanaka orugare kubudikidza naJesu Kristu, anova Ishe wavose. Munoziva zvakaitika muJudhea yose, kutanga kuGarirea shure kworubhabhatidzo rwakaparidzwa naJohani, zvokuti Mwari akazodza sei Jesu Kristu weNazareta noMweya Mutsvene nesimba, uye kuti akapota sei nenyika achiita zvakanaka achiporesa vose vakanga vari pasi pesimba radhiabhori, nokuti Mwari aiva naye. “Isu tiri zvapupu zvezvinhu zvose zvaakaita munyika yavaJudha nomuJerusarema. Vakamuuraya nokumuturika pamuti, asi Mwari akamumutsa kubva kuvakafa nezuva retatu akaita kuti aonekwe. Haana kuonekwa navanhu vose, asi nezvapupu zvakanga zvagara zvasarudzwa naMwari nesu takadya uye tikanwa naye shure kwokumuka kwake kubva kuvakafa. Akatirayira kuti tiparidze kuvanhu uye tipupure kuti ndiye akagadzwa naMwari kuti ave mutongi wavapenyu navakafa. Vaprofita vose vanopupura nezvake kuti ani naani anotenda kwaari anogamuchira kanganwiro yezvivi kubudikidza nezita rake.” Petro achiri kutaura mashoko aya, Mweya Mutsvene akauya pamusoro pavose vakanzwa shoko.
Mabasa 10:23-44 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo akavadana mumba, akati vagarepo. Fume mangwana akasimuka akaenda navo; nedzimwe hama dzapaJopa dzikamuperekedza. Fumezve mangwana akapinda Kesaria. Zvino Konerio akanga akavamirira, akakokera hama dzake neshamwari dzake dzaidikanwa. Zvino Petirosi akati achipinda, Konerio akamuchingamidza, akawira pasi petsoka dzake, akamupfugamira. Asi Petirosi akamusimudza, akati, “Simuka, neni ndiri munhuwo.” Zvino akati achataura naye, akapinda, akawana vazhinji vakaungana, akati kwavari, “Imi munoziva kuti hazvina kufanira kuti muJudha afambidzane nomunhu worumwe rudzi, kana kuuya kwaari. Asi Mwari akandiratidza, kuti ndirege kuti munhu haana kunaka, kana kuti ane tsvina; naizvozvo ndauya, ndisingaramba, zvandadanwa; zvino ndinobvunza kuti mandidanireiko.” Konerio akati, “Ava mazuva mana kusvikira nguva ino, ini ndakanga ndichinyengetera mumba mangu nenguva yepfumbamwe; ipapo ndikaona murume amire pamberi pangu, ane nguo dzinopenya, akati, ‘Konerio, kunyengetera kwako kwanzwikwa, nezvipo zvako zvarangarirwa naMwari. Naizvozvo chitumira vanhu Jopa, udane Simoni, anonzi Petirosi; anogara mumba maSimoni musuki wamatehwe, pagungwa.’ Naizvozvo ndakakurumidza kutuma kwamuri; zvino maita zvakanaka, zvamauya. Zvino isu tose tiri pano pamberi paMwari kuti tinzwe zvose zvamarayirwa naIshe.” Ipapo Petirosi akashamisa muromo wake akati, “Zvirokwazvo, ndinoona kuti Mwari haazi mutsauri wavanhu; asi parudzi rupi norupi, munhu, anomutya, achiita zvakarurama, anogamuchirwa naye. “Ndiro shoko, raakatuma kuvana vaIsiraeri, achiparidza mashoko akanaka orugare naJesu Kristu (ndiye Ishe wavose). Imi munoziva shoko iro rakaparidzwa paJudhea rose, rakatanga paGariria, shure kwokubhabhatidza kwakaparidzwa naJohani; raJesu weNazareta, kuti Mwari akamuzodza naMweya Mutsvene nesimba; iye aipota nyika, achiita zvakanaka, achiporesa vose vakamanikidzwa naDhiabhori; nokuti Mwari aiva naye. Nesu tiri zvapupu zvazvose, zvaakaita munyika yavaJudha nomuJerusaremu; ndiye wavakauraya, vachimuturika pamuti. “Ndiye akamutswa naMwari nezuva retatu, akamupa simba kuti aonekwe pachena; akasaonekwa navanhu vose, asi nezvapupu zvakagara zvatsaurwa naMwari, iyesu, taidya nokunwa naye, amuka kuvakafa. Akatirayira kuti tiparidzire vanhu, nokupupura kwazvo kuti ndiye akagadzwa naMwari, kuti ave Mutongi wavapenyu navakafa. “Vaporofita vose vanomupupurira kuti nezita rake mumwe nomumwe anotenda kwaari achapiwa ruregerero rwezvivi.” Petirosi akati achataura mashoko awa, Mweya Mutsvene akaburuka pamusoro pavose, vakanzwa shoko.
Mabasa 10:23-44 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ipapo akavapa pokurara. Ramangwana acho, akamuka akaenda navo. Vamwe vehama vokuJopa vakaendawo naye. Pazuva rinotevera racho vakapinda muSezaria. Koneriasi anga achivatarisira uye, akanga atodaidza hama neshamwari dzake dzapamwoyo. Pita paakapinda, Koneriasi akamuchingura akagwadama patsoka dzake akamupfugamira. Pita akamusimudza achiti, “Simukai ini ndiri munhuwo?” Paaitaura naye akapinda akawana vanhu vazhinji vakaungana akati kwavari, “Imi munozviziva pachenyu kuti zvinorambidzwa nomutemo zvakadii kuti muJudha afambidzane kana kushanyira ani zvake worumwe rudzi asi Mwari wandiratidza kuti handifaniri kuti ani zvake haakodzeri kana kuti akan'ora. Saizvozvo pakauya vanhu kuzondikoka, ndakauya pasina zvokuramba. Nezvo ndinokubvunzai kuti mandidaidzirei.” Koneriasi akati, “Mazuva mana apfuura panguva yakaita saiyo ino ndakanga ndichinamata paawa yechitatu masikati mumba mangu. Ndiye onei munhu amira pamberi pangu akapfeka zvinhu zvichena! Akati, ‘Koneriasi munamato wako wanzwika uye zvipo zvako kuvarombo zvakayeukwa pamberi paMwari. Tumira nhume kuJopa ubvunze nezvaSimoni anonzi Pita agere paSimoni musuki wamatehwe ane imba iri munyasi megungwa.’ Saizvozvo ndakabva ndatumira nhume kwamuri pakarepo. Imiwo maita zvakanaka kuti mauya. Naizvozvo tiri pano tose pamberi paMwari kuti tinzwe zvamaudzwa naMwari.” Pita akatanga kutaura achiti, “Chokwadi ndiri kuona kuti Mwari haana rusaruro. Asi mumarudzi ose, ani naani anomutya uye anoita zvakarurama anogamuchirika kwaari. Imi munoziva izwi raakatuma kuIsiraeri raiparidza Shoko Rakanaka rorugare zvichiitwa nokuna Jesu Kristu Tenzi wavose. Ndiroro shoko rakaparidzwa muJudhea yose kubvira kuGarirea mushure meruombeko rwaiparidzwa naJohani. Mwari akazodza Jesu weNazareti naMweya Mutsvene uye akamupa simba. Munozivawo kuti akafamba achiita zvakanaka achiporesa vose vainge vari pasi pesimba raDhiyabhori nokuti Mwari aiva naye. Isu tiri zvapupu zvezvinhu zvose zvaakaita munyika yavaJudha neJerusaremu. Vakamuuraya nokumuturika pamuti. Mwari akamumutsa pazuva retatu akamuratidza kwete kuvanhu vose asi kunesu vakasarudzwa naMwari kuva zvapupu isu takadya nokunwa naye mushure mokumuka kwake muvafi; uye akatiti tinofanira kundoparidza vanhu nokupupura kuti ndiye akagadzwa naMwari kuva mutongi wavapenyu navakafa. Vaporofita vose vanomupupurira kuti munhu wose anotenda kwaari anoregererwa zvitadzo zvake muzita rake.” Pita paakanga achiri kutaura, Mweya Mutsvene akaburikira pana vose vakanzwa shoko iri.
Mabasa 10:23-44 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ipapo akaʋaɗana mumba, akati ʋagare’po. Fume maŋgwana akasimuka, akaenda naʋo; nedzimŋe hama dzapaJopa dzikamuperekedza. Fume ɀe maŋgwana akapinda Kesaria. Ɀino Kornerio wakaŋga akaʋamirira, akakokera hama dzake neshamŋari dzake dzaiɗikanwa. Ɀino Petro wakati acipinda, Kornerio akamuciŋgamidza, akawira pasi petsoka dzake, akamunamata. Asi Petro wakamusimudza, akati: Simuka, neni ndiri munhu ʋo. Ɀino wakati acataura naye, akapinda, akawana ʋazhinji ʋakaʋuŋgana, akati kwaʋari: Imi munoziʋa kuti haɀina‐kufanira kuti muJuda afambidzane nomunhu worumŋe rudzi, kana kuʋuya kwaari. Asi Mŋari wakandiratidza, kuti ndirege kuti munhu haana‐kunaka, kana kuti unetȿina; naiɀoɀo ndaʋuya, ndisiŋgarambi, ɀandaɗanwa; ɀino ndinobvunza kuti mandiɗanireiko. Kornerio akati: Aʋa mazuʋa manna kuȿikira ŋguʋa ino, ini ndakaŋga ndicinyeŋgetera mumba maŋgu neŋguʋa yepfumbamŋe; ipapo ndikaʋona murume amire pamberi paŋgu, aneŋguʋo dzinopenya, akati: Kornerio, kunyeŋgetera kwako kwanzwika, neɀipo ɀako ɀaraŋgarirwa naMŋari. Naiɀoɀo citumira ʋanhu Jopa, uɗane Simoni, unonzi Petro; unogara mumba maSimoni musuki wamatebge, paguŋgwa. Naiɀoɀo ndakakurumidza kutuma kwamuri; ɀino maita ɀakanaka, ɀamaʋuya. Ɀino isu tose tiri pano pamberi paMŋari, kuti tinzwe ɀose ɀamarairwa naShe. Ipapo Petro akashamisa muromo wake, akati: Ɀirokwaɀo, ndinoʋona kuti Mŋari haazi mutsauri waʋanhu; asi parudzi rupi norupi, munhu, unomutya, aciita ɀakarurama, unogamucirwa naye. Ndiro shoko, raakatuma kuʋana ʋaIsraeri, aciparidza mashoko akanaka orugare naJesu Kristu (ndiye Ishe waʋose). Imi munoziʋa shoko iro rakaparidzwa paJudea rose, rakataŋga paGarirea, shure kwokubapatidza kwakaparidzwa naJohane; raJesu weNazareta, kuti Mŋari wakamuzodza noMŋeya Mutȿene nesimba; iye waipote‐nyika, aciita ɀakanaka, aciporesa ʋose ʋakamanikidzwa naDiaborosi; nokuti Mŋari waiʋa naye. Nesu tiri ɀapupu ɀaɀose, ɀaakaita munyika yaʋaJuda nomuJerusarema; ndiye waʋakaʋuraya, ʋacimuturika pamuti. Ndiye wakamutswa naMŋari nezuʋa retatu, akamupa simba kuti aʋonekwe pacena; akasaʋonekwa naʋanhu ʋose, asi neɀapupu ɀakagara ɀatsaurwa naMŋari, iyesu, taidya nokunwa naye, amuka kuʋakafa. Akatiraira kuti tiparidzire ʋanhu, nokupupura kwaɀo kuti ndiye wakagadzwa naMŋari, kuti aʋe Mutoŋgi waʋapenyu naʋakafa. Ʋaprofita ʋose ʋanomupupurira kuti nezita rake mumŋe nomumŋe unotenda kwaari ucapiwa kaŋganwiro yeɀiʋi. Petro wakati acataura mashoko awa, Mŋeya Mutȿene akaɓuruka pamsoro paʋose, ʋakanzwa shoko.
Mabasa 10:23-44 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)