Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 10:23-44

Mabasa 10:23-44 SCLBD

Ipapo akavapa pokurara. Ramangwana acho, akamuka akaenda navo. Vamwe vehama vokuJopa vakaendawo naye. Pazuva rinotevera racho vakapinda muSezaria. Koneriasi anga achivatarisira uye, akanga atodaidza hama neshamwari dzake dzapamwoyo. Pita paakapinda, Koneriasi akamuchingura akagwadama patsoka dzake akamupfugamira. Pita akamusimudza achiti, “Simukai ini ndiri munhuwo?” Paaitaura naye akapinda akawana vanhu vazhinji vakaungana akati kwavari, “Imi munozviziva pachenyu kuti zvinorambidzwa nomutemo zvakadii kuti muJudha afambidzane kana kushanyira ani zvake worumwe rudzi asi Mwari wandiratidza kuti handifaniri kuti ani zvake haakodzeri kana kuti akan'ora. Saizvozvo pakauya vanhu kuzondikoka, ndakauya pasina zvokuramba. Nezvo ndinokubvunzai kuti mandidaidzirei.” Koneriasi akati, “Mazuva mana apfuura panguva yakaita saiyo ino ndakanga ndichinamata paawa yechitatu masikati mumba mangu. Ndiye onei munhu amira pamberi pangu akapfeka zvinhu zvichena! Akati, ‘Koneriasi munamato wako wanzwika uye zvipo zvako kuvarombo zvakayeukwa pamberi paMwari. Tumira nhume kuJopa ubvunze nezvaSimoni anonzi Pita agere paSimoni musuki wamatehwe ane imba iri munyasi megungwa.’ Saizvozvo ndakabva ndatumira nhume kwamuri pakarepo. Imiwo maita zvakanaka kuti mauya. Naizvozvo tiri pano tose pamberi paMwari kuti tinzwe zvamaudzwa naMwari.” Pita akatanga kutaura achiti, “Chokwadi ndiri kuona kuti Mwari haana rusaruro. Asi mumarudzi ose, ani naani anomutya uye anoita zvakarurama anogamuchirika kwaari. Imi munoziva izwi raakatuma kuIsiraeri raiparidza Shoko Rakanaka rorugare zvichiitwa nokuna Jesu Kristu Tenzi wavose. Ndiroro shoko rakaparidzwa muJudhea yose kubvira kuGarirea mushure meruombeko rwaiparidzwa naJohani. Mwari akazodza Jesu weNazareti naMweya Mutsvene uye akamupa simba. Munozivawo kuti akafamba achiita zvakanaka achiporesa vose vainge vari pasi pesimba raDhiyabhori nokuti Mwari aiva naye. Isu tiri zvapupu zvezvinhu zvose zvaakaita munyika yavaJudha neJerusaremu. Vakamuuraya nokumuturika pamuti. Mwari akamumutsa pazuva retatu akamuratidza kwete kuvanhu vose asi kunesu vakasarudzwa naMwari kuva zvapupu isu takadya nokunwa naye mushure mokumuka kwake muvafi; uye akatiti tinofanira kundoparidza vanhu nokupupura kuti ndiye akagadzwa naMwari kuva mutongi wavapenyu navakafa. Vaporofita vose vanomupupurira kuti munhu wose anotenda kwaari anoregererwa zvitadzo zvake muzita rake.” Pita paakanga achiri kutaura, Mweya Mutsvene akaburikira pana vose vakanzwa shoko iri.

Verenga chikamu Mabasa 10