Ipapo akavadana mumba, akati vagarepo.
Fume mangwana akasimuka akaenda navo; nedzimwe hama dzapaJopa dzikamuperekedza. Fumezve mangwana akapinda Kesaria. Zvino Konerio akanga akavamirira, akakokera hama dzake neshamwari dzake dzaidikanwa.
Zvino Petirosi akati achipinda, Konerio akamuchingamidza, akawira pasi petsoka dzake, akamupfugamira. Asi Petirosi akamusimudza, akati, “Simuka, neni ndiri munhuwo.” Zvino akati achataura naye, akapinda, akawana vazhinji vakaungana, akati kwavari, “Imi munoziva kuti hazvina kufanira kuti muJudha afambidzane nomunhu worumwe rudzi, kana kuuya kwaari. Asi Mwari akandiratidza, kuti ndirege kuti munhu haana kunaka, kana kuti ane tsvina; naizvozvo ndauya, ndisingaramba, zvandadanwa; zvino ndinobvunza kuti mandidanireiko.”
Konerio akati, “Ava mazuva mana kusvikira nguva ino, ini ndakanga ndichinyengetera mumba mangu nenguva yepfumbamwe; ipapo ndikaona murume amire pamberi pangu, ane nguo dzinopenya, akati, ‘Konerio, kunyengetera kwako kwanzwikwa, nezvipo zvako zvarangarirwa naMwari. Naizvozvo chitumira vanhu Jopa, udane Simoni, anonzi Petirosi; anogara mumba maSimoni musuki wamatehwe, pagungwa.’ Naizvozvo ndakakurumidza kutuma kwamuri; zvino maita zvakanaka, zvamauya. Zvino isu tose tiri pano pamberi paMwari kuti tinzwe zvose zvamarayirwa naIshe.”
Ipapo Petirosi akashamisa muromo wake akati,
“Zvirokwazvo, ndinoona kuti Mwari haazi mutsauri wavanhu; asi parudzi rupi norupi, munhu, anomutya, achiita zvakarurama, anogamuchirwa naye.
“Ndiro shoko, raakatuma kuvana vaIsiraeri, achiparidza mashoko akanaka orugare naJesu Kristu (ndiye Ishe wavose). Imi munoziva shoko iro rakaparidzwa paJudhea rose, rakatanga paGariria, shure kwokubhabhatidza kwakaparidzwa naJohani; raJesu weNazareta, kuti Mwari akamuzodza naMweya Mutsvene nesimba; iye aipota nyika, achiita zvakanaka, achiporesa vose vakamanikidzwa naDhiabhori; nokuti Mwari aiva naye. Nesu tiri zvapupu zvazvose, zvaakaita munyika yavaJudha nomuJerusaremu; ndiye wavakauraya, vachimuturika pamuti.
“Ndiye akamutswa naMwari nezuva retatu, akamupa simba kuti aonekwe pachena; akasaonekwa navanhu vose, asi nezvapupu zvakagara zvatsaurwa naMwari, iyesu, taidya nokunwa naye, amuka kuvakafa. Akatirayira kuti tiparidzire vanhu, nokupupura kwazvo kuti ndiye akagadzwa naMwari, kuti ave Mutongi wavapenyu navakafa.
“Vaporofita vose vanomupupurira kuti nezita rake mumwe nomumwe anotenda kwaari achapiwa ruregerero rwezvivi.”
Petirosi akati achataura mashoko awa, Mweya Mutsvene akaburuka pamusoro pavose, vakanzwa shoko.