Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Maɓasa Aʋaapostora 10:23-44

Maɓasa Aʋaapostora 10:23-44 SUB1949

Ipapo akaʋaɗana mumba, akati ʋagare’po. Fume maŋgwana akasimuka, akaenda naʋo; nedzimŋe hama dzapaJopa dzikamuperekedza. Fume ɀe maŋgwana akapinda Kesaria. Ɀino Kornerio wakaŋga akaʋamirira, akakokera hama dzake neshamŋari dzake dzaiɗikanwa. Ɀino Petro wakati acipinda, Kornerio akamuciŋgamidza, akawira pasi petsoka dzake, akamunamata. Asi Petro wakamusimudza, akati: Simuka, neni ndiri munhu ʋo. Ɀino wakati acataura naye, akapinda, akawana ʋazhinji ʋakaʋuŋgana, akati kwaʋari: Imi munoziʋa kuti haɀina‐kufanira kuti muJuda afambidzane nomunhu worumŋe rudzi, kana kuʋuya kwaari. Asi Mŋari wakandiratidza, kuti ndirege kuti munhu haana‐kunaka, kana kuti unetȿina; naiɀoɀo ndaʋuya, ndisiŋgarambi, ɀandaɗanwa; ɀino ndinobvunza kuti mandiɗanireiko. Kornerio akati: Aʋa mazuʋa manna kuȿikira ŋguʋa ino, ini ndakaŋga ndicinyeŋgetera mumba maŋgu neŋguʋa yepfumbamŋe; ipapo ndikaʋona murume amire pamberi paŋgu, aneŋguʋo dzinopenya, akati: Kornerio, kunyeŋgetera kwako kwanzwika, neɀipo ɀako ɀaraŋgarirwa naMŋari. Naiɀoɀo citumira ʋanhu Jopa, uɗane Simoni, unonzi Petro; unogara mumba maSimoni musuki wamatebge, paguŋgwa. Naiɀoɀo ndakakurumidza kutuma kwamuri; ɀino maita ɀakanaka, ɀamaʋuya. Ɀino isu tose tiri pano pamberi paMŋari, kuti tinzwe ɀose ɀamarairwa naShe. Ipapo Petro akashamisa muromo wake, akati: Ɀirokwaɀo, ndinoʋona kuti Mŋari haazi mutsauri waʋanhu; asi parudzi rupi norupi, munhu, unomutya, aciita ɀakarurama, unogamucirwa naye. Ndiro shoko, raakatuma kuʋana ʋaIsraeri, aciparidza mashoko akanaka orugare naJesu Kristu (ndiye Ishe waʋose). Imi munoziʋa shoko iro rakaparidzwa paJudea rose, rakataŋga paGarirea, shure kwokubapatidza kwakaparidzwa naJohane; raJesu weNazareta, kuti Mŋari wakamuzodza noMŋeya Mutȿene nesimba; iye waipote‐nyika, aciita ɀakanaka, aciporesa ʋose ʋakamanikidzwa naDiaborosi; nokuti Mŋari waiʋa naye. Nesu tiri ɀapupu ɀaɀose, ɀaakaita munyika yaʋaJuda nomuJerusarema; ndiye waʋakaʋuraya, ʋacimuturika pamuti. Ndiye wakamutswa naMŋari nezuʋa retatu, akamupa simba kuti aʋonekwe pacena; akasaʋonekwa naʋanhu ʋose, asi neɀapupu ɀakagara ɀatsaurwa naMŋari, iyesu, taidya nokunwa naye, amuka kuʋakafa. Akatiraira kuti tiparidzire ʋanhu, nokupupura kwaɀo kuti ndiye wakagadzwa naMŋari, kuti aʋe Mutoŋgi waʋapenyu naʋakafa. Ʋaprofita ʋose ʋanomupupurira kuti nezita rake mumŋe nomumŋe unotenda kwaari ucapiwa kaŋganwiro yeɀiʋi. Petro wakati acataura mashoko awa, Mŋeya Mutȿene akaɓuruka pamsoro paʋose, ʋakanzwa shoko.