3 Johani 1:1-14
3 Johani 1:1-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mukuru kuna Gayo, mudikanwi, wandinoda nechokwadi. Mudikanwi, ndinokunyengetera kuti ufare pazvinhu zvose, uye uve mukukutu, sokufara kwomweya wako. Nokuti ndakafara zvikuru hama dzichisvika dzichikupupurira chokwadi yako, dzichiti, unofamba muchokwadi. Handina mufaro unopfuura uyu, wokuti ndinzwe kuti vana vangu vanofamba muchokwadi. Mudikanwi, unobata basa rakatendeka pazvinhu zvose zvaunoitira hama navaeniwo; vakapupurira rudo rwako pamberi pekereke; uchaita zvakanaka kana uchivaperekedza nomutoo wakafanira Mwari. Nokuti vakabuda nokuda kweZita rake, vasingatori chinhu kuvahedheni. Naizvozvo isu tinofanira kugamuchira zvakanaka vakadaro, kuti tibatsirane pachokwadi. Ndakanyorera kereke; asi Dhioti refe, anoda kuva mukuru pakati pavo, anotiramba isu. Naizvozvo, kana ndichiuya, ndichayeudza mabasa ake aanoita, kuti anotiitira makuhwa namashoko akaipa; uye, haatendi naizvozvo bedzi, iye amene haagamuchiri hama, uye vakanga vachida havo anovadzivisa nokuvadzinga mukereke. Mudikanwi usatevera chakaipa, asi chakanaka. Uyo, anoita zvakanaka, ndowaMwari; anoita zvakaipa, haana kuona Mwari. Dhemetirio anopupurirwa navanhu vose, uye nechokwadi chaicho; nesu tinopupurawo, newe unoziva kuti kupupura kwedu ndokwechokwadi. Ndakanga ndine zvizhinji zvandaida kukunyorera, asi handidi kukunyorera neingi nepeni; asi ndinotarira kuti ndichakurumidza kukuona, tigotaurirana nomuromo.
3 Johani 1:1-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Ini mukuru wesangano, ndinokunyorera iwe Gayusi wandinoda wapamwoyo pangu zvechokwadi. Mudikanwi, ndinonamata kuti dai waro zvinhu zvose zvangokufambira zvakanaka uye kuti uve noutano hwakanaka. Ndine chokwadi chokuti pane zvomweya wako, muchete. Ndakafara zvikuru vamwe vedu pavakasvika vachipupurawo nezvechokwadi chiri mauri sokutevedzawo kwaunoita idi zviri pachokwadi. Hapana chingandifadze kupfuura izvi zvokunzwa kuti vana vangu vari kutevedza chokwadi. Mudikanwi, chinhu chakatendeka chaunoita chokubatsira kwaunoita vamwe vedu, zvikuru kuvaenzi. Ivowo vakapupura nezvorudo rwako kusangano. Chingave chinhu chakanaka kuvabatsira kuenderera mberi nerwendo rwavo nomutowo unofadza Mwari. Chakaita kuti vapinde munzira, izita iroro uye hapana chavakatambira kubva kuna vasiri vanamati. Naizvozvo isu tinofanira kutsigira vanhu vakadai tive vashandipamwe muchokwadi. Pane zvandakanyora kusangano asi Dhiotirefesi uyo anoda kuzviita mutungamiri, haandioni somutungamiri. Naizvozvo kana ndauya ikoko ndichavhundunyura zvaari kuita, zvokufambisa makuhwa nezvangu. Pamusoro paizvozvo anoramba kugamuchira vamwe vedu achirambidzawo vamwe kuvagamuchira achitovadzinga musangano. Mudikanwi, usatevedzere uipi asi tevedzera zvinhu zvakanaka. Munhu anoita zvakanaka munhu waMwari. Anoita zvakaipa haana kuona Mwari. Dhemetiriusi munhu anoyemurika kuvanhu vose uye achipupurirwa nechokwadi pachacho. Neniwo ndinomupupurira. Iwe unoziva kuti kupupura kwangu ndekwechokwadi. Ndanga ndine zvizhinji zvokukunyorera asi handingadi zvangu kukunyorera nepeni neingi. Ndinovimba kuti ndichakuona nokukurumidza. Ipapo tichazotaurirana takatarisana uso nouso.
3 Johani 1:1-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mukuru, kushamwari yangu inodikanwa Gayo, wandinoda muchokwadi. Mudikani, ndinonyengetera kuti uve noutano hwakanaka uye kuti zvose zvikunakire kunyange sokufara kwomweya wako. Ndakafara kwazvo dzimwe hama padzakauya dzikandiudza nezvokutendeka kwako pachokwadi uye kuti unoramba uchifamba sei muchokwadi. Hapana chimwe chinhu chinondifadza kupfuura kunzwa kuti vana vangu vari kufamba muchokwadi. Mudikani, wakatendeka pane zvaunoita kuhama, kunyange vasiri vanhu vaunoziva. Vakataurira kereke nezvorudo rwako. Uchaita zvakanaka kana ukavadzosazve nenzira yakafanira pamberi paMwari. Nokuda kweZita iri vakabuda, vasingagamuchiri rubatsiro kubva kuvahedheni. Naizvozvo tinofanira kugamuchira vanhu vakadai kuti tishande pamwe chete muchokwadi. Ndakanyorera kukereke, asi Dhiotirefesi, iye anoda kuva mukuru, akati haagamuchiri zvatinotaura. Saka kana ndauya, ndichamuyeuchidza mabasa ake aanoita, okunyeya, nokuitira godo. Kwete izvozvo zvoga, anorambawo kugamuchira hama. Anodzivisawo vaya vanoda havo kuita izvozvo uye achivabudisa mukereke. Mudikani, usatevedzera zvakaipa asi zvakanaka. Ani naani anoita zvakanaka ndiye anobva kuna Mwari. Ani naani anoita zvakaipa haana kuona Mwari. Dhemetriasi anopupurirwa zvakanaka navose, uye kunyange nechokwadi chaicho. Nesuwo tinotaura zvakanaka nezvake, uye munoziva kuti uchapupu hwedu ndohwechokwadi. Ndine zvizhinji zvokukunyorera, asi handidi kuita izvozvi nechinyoreso neingi. Ndinovimba kuti ndichakuonai nokukurumidza, uye tichazotaurirana chiso nechiso.
3 Johani 1:1-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mukuru kuna Gayo, mudikanwi, wandinoda nechokwadi. Mudikanwi, ndinokunyengetera kuti ufare pazvinhu zvose, uye uve mukukutu, sokufara kwomweya wako. Nokuti ndakafara zvikuru hama dzichisvika dzichikupupurira chokwadi yako, dzichiti, unofamba muchokwadi. Handina mufaro unopfuura uyu, wokuti ndinzwe kuti vana vangu vanofamba muchokwadi. Mudikanwi, unobata basa rakatendeka pazvinhu zvose zvaunoitira hama navaeniwo; vakapupurira rudo rwako pamberi pekereke; uchaita zvakanaka kana uchivaperekedza nomutoo wakafanira Mwari. Nokuti vakabuda nokuda kweZita rake, vasingatori chinhu kuvahedheni. Naizvozvo isu tinofanira kugamuchira zvakanaka vakadaro, kuti tibatsirane pachokwadi. Ndakanyorera kereke; asi Dhioti refe, anoda kuva mukuru pakati pavo, anotiramba isu. Naizvozvo, kana ndichiuya, ndichayeudza mabasa ake aanoita, kuti anotiitira makuhwa namashoko akaipa; uye, haatendi naizvozvo bedzi, iye amene haagamuchiri hama, uye vakanga vachida havo anovadzivisa nokuvadzinga mukereke. Mudikanwi usatevera chakaipa, asi chakanaka. Uyo, anoita zvakanaka, ndowaMwari; anoita zvakaipa, haana kuona Mwari. Dhemetirio anopupurirwa navanhu vose, uye nechokwadi chaicho; nesu tinopupurawo, newe unoziva kuti kupupura kwedu ndokwechokwadi. Ndakanga ndine zvizhinji zvandaida kukunyorera, asi handidi kukunyorera neingi nepeni; asi ndinotarira kuti ndichakurumidza kukuona, tigotaurirana nomuromo.
3 Johani 1:1-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ini mukuru wesangano, ndinokunyorera iwe Gayusi wandinoda wapamwoyo pangu zvechokwadi. Mudikanwi, ndinonamata kuti dai waro zvinhu zvose zvangokufambira zvakanaka uye kuti uve noutano hwakanaka. Ndine chokwadi chokuti pane zvomweya wako, muchete. Ndakafara zvikuru vamwe vedu pavakasvika vachipupurawo nezvechokwadi chiri mauri sokutevedzawo kwaunoita idi zviri pachokwadi. Hapana chingandifadze kupfuura izvi zvokunzwa kuti vana vangu vari kutevedza chokwadi. Mudikanwi, chinhu chakatendeka chaunoita chokubatsira kwaunoita vamwe vedu, zvikuru kuvaenzi. Ivowo vakapupura nezvorudo rwako kusangano. Chingave chinhu chakanaka kuvabatsira kuenderera mberi nerwendo rwavo nomutowo unofadza Mwari. Chakaita kuti vapinde munzira, izita iroro uye hapana chavakatambira kubva kuna vasiri vanamati. Naizvozvo isu tinofanira kutsigira vanhu vakadai tive vashandipamwe muchokwadi. Pane zvandakanyora kusangano asi Dhiotirefesi uyo anoda kuzviita mutungamiri, haandioni somutungamiri. Naizvozvo kana ndauya ikoko ndichavhundunyura zvaari kuita, zvokufambisa makuhwa nezvangu. Pamusoro paizvozvo anoramba kugamuchira vamwe vedu achirambidzawo vamwe kuvagamuchira achitovadzinga musangano. Mudikanwi, usatevedzere uipi asi tevedzera zvinhu zvakanaka. Munhu anoita zvakanaka munhu waMwari. Anoita zvakaipa haana kuona Mwari. Dhemetiriusi munhu anoyemurika kuvanhu vose uye achipupurirwa nechokwadi pachacho. Neniwo ndinomupupurira. Iwe unoziva kuti kupupura kwangu ndekwechokwadi. Ndanga ndine zvizhinji zvokukunyorera asi handingadi zvangu kukunyorera nepeni neingi. Ndinovimba kuti ndichakuona nokukurumidza. Ipapo tichazotaurirana takatarisana uso nouso.
3 Johani 1:1-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mukuru kunaGayo, muɗikanwa, wandinoɗa neɀokwaɗi. Muɗikanwa, ndinokunyeŋgetera kuti ufare paɀinhu ɀose, ʋuye uʋe mukukutu, sokufara kwomŋeya wako. Nokuti ndakafara ɀikuru hama dziciȿika dzicipupurira ɀokwaɗi yako, dziciti, unofamba muɀokwaɗi. Handinomufaro unopfuʋura uyu, wokuti ndinzwe kuti ʋana ʋaŋgu ʋanofamba muɀokwaɗi. Muɗikanwa, unoɓate‐ɓasa rakatendeka paɀinhu ɀose ɀaunoitira hama naʋaeni ʋo; ʋakapupurira ruɗo rwako pamberi pekereke; ucaita ɀakanaka kana uciʋaperekedza nomutoʋo wakafanira Mŋari. Nokuti ʋakaɓuɗa nokuɗa kweZita rake, ʋasiŋgatori cinhu kuʋahedeni. Naiɀoɀo isu tinofanira kugamucira ɀakanaka ʋakaɗaro, kuti tiɓatsirane paɀokwaɗi. Ndakanyorera kereke; asi Diotrefe, unoɗa kuʋa mukuru pakati paʋo, unotiramba isu. Naiɀoɀo, kana ndiciʋuya, ndicayeʋudza maɓasa ake aanoita, kuti unotiitira makuhwa namashoko akaipa; ʋuye, haatendi naiɀoɀo ɓedzi, iye amene haagamuciri hama, ʋuye ʋakaŋga ʋaciɗa haʋo unoʋadziʋisa nokuʋadziŋga mukereke. Muɗikanwa, usateʋera cakaipa, asi cakanaka. Uyo, unoita ɀakanaka, ndowaMŋari; unoita ɀakaipa, haana‐kuʋona Mŋari. Demetrio unopupurirwa naʋanhu ʋose, ʋuye neɀokwaɗi imene; nesu tinopupura ʋo, iwe unoziʋa kuti kupupura kweɗu ndokwaɀokwaɗi. Ndakaŋga ndineɀizhinji ɀandaiɗa kukunyorera, asi handiɗi kukunyorera. neiŋgi nepeni; asi ndinotarira kuti ndicakurumidza kukuʋona, tigotaurirana nomuromo.