Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

III Johane 1:1-14

III Johane 1:1-14 SUB1949

Mukuru kunaGayo, muɗikanwa, wandinoɗa neɀokwaɗi. Muɗikanwa, ndinokunyeŋgetera kuti ufare paɀinhu ɀose, ʋuye uʋe mukukutu, sokufara kwomŋeya wako. Nokuti ndakafara ɀikuru hama dziciȿika dzicipupurira ɀokwaɗi yako, dziciti, unofamba muɀokwaɗi. Handinomufaro unopfuʋura uyu, wokuti ndinzwe kuti ʋana ʋaŋgu ʋanofamba muɀokwaɗi. Muɗikanwa, unoɓate‐ɓasa rakatendeka paɀinhu ɀose ɀaunoitira hama naʋaeni ʋo; ʋakapupurira ruɗo rwako pamberi pekereke; ucaita ɀakanaka kana uciʋaperekedza nomutoʋo wakafanira Mŋari. Nokuti ʋakaɓuɗa nokuɗa kweZita rake, ʋasiŋgatori cinhu kuʋahedeni. Naiɀoɀo isu tinofanira kugamucira ɀakanaka ʋakaɗaro, kuti tiɓatsirane paɀokwaɗi. Ndakanyorera kereke; asi Diotrefe, unoɗa kuʋa mukuru pakati paʋo, unotiramba isu. Naiɀoɀo, kana ndiciʋuya, ndicayeʋudza maɓasa ake aanoita, kuti unotiitira makuhwa namashoko akaipa; ʋuye, haatendi naiɀoɀo ɓedzi, iye amene haagamuciri hama, ʋuye ʋakaŋga ʋaciɗa haʋo unoʋadziʋisa nokuʋadziŋga mukereke. Muɗikanwa, usateʋera cakaipa, asi cakanaka. Uyo, unoita ɀakanaka, ndowaMŋari; unoita ɀakaipa, haana‐kuʋona Mŋari. Demetrio unopupurirwa naʋanhu ʋose, ʋuye neɀokwaɗi imene; nesu tinopupura ʋo, iwe unoziʋa kuti kupupura kweɗu ndokwaɀokwaɗi. Ndakaŋga ndineɀizhinji ɀandaiɗa kukunyorera, asi handiɗi kukunyorera. neiŋgi nepeni; asi ndinotarira kuti ndicakurumidza kukuʋona, tigotaurirana nomuromo.