Mukuru kuna Gayo, mudikanwi, wandinoda nechokwadi.
Mudikanwi, ndinokunyengetera kuti ufare pazvinhu zvose, uye uve mukukutu, sokufara kwomweya wako. Nokuti ndakafara zvikuru hama dzichisvika dzichikupupurira chokwadi yako, dzichiti, unofamba muchokwadi. Handina mufaro unopfuura uyu, wokuti ndinzwe kuti vana vangu vanofamba muchokwadi.
Mudikanwi, unobata basa rakatendeka pazvinhu zvose zvaunoitira hama navaeniwo; vakapupurira rudo rwako pamberi pekereke; uchaita zvakanaka kana uchivaperekedza nomutoo wakafanira Mwari. Nokuti vakabuda nokuda kweZita rake, vasingatori chinhu kuvahedheni. Naizvozvo isu tinofanira kugamuchira zvakanaka vakadaro, kuti tibatsirane pachokwadi.
Ndakanyorera kereke; asi Dhioti refe, anoda kuva mukuru pakati pavo, anotiramba isu. Naizvozvo, kana ndichiuya, ndichayeudza mabasa ake aanoita, kuti anotiitira makuhwa namashoko akaipa; uye, haatendi naizvozvo bedzi, iye amene haagamuchiri hama, uye vakanga vachida havo anovadzivisa nokuvadzinga mukereke.
Mudikanwi usatevera chakaipa, asi chakanaka. Uyo, anoita zvakanaka, ndowaMwari; anoita zvakaipa, haana kuona Mwari.
Dhemetirio anopupurirwa navanhu vose, uye nechokwadi chaicho; nesu tinopupurawo, newe unoziva kuti kupupura kwedu ndokwechokwadi.
Ndakanga ndine zvizhinji zvandaida kukunyorera, asi handidi kukunyorera neingi nepeni; asi ndinotarira kuti ndichakurumidza kukuona, tigotaurirana nomuromo.