2 Timoti 2:22-23
2 Timoti 2:22-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Tiza kuchiva kwose kwoujaya, uye utevere kururama, kutenda, rudo norugare navose vanodana kuna Ishe nomwoyo wakachena. Usava nechokuita nemibvunzo youpenzi isina maturo, nokuti unoziva kuti inongomutsa kukakavara.
2 Timoti 2:22-23 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi tiza kuchiva kwoujaya, uvinge kururama, nokutenda, norudo, norugare, pamwechete navanodana kuna Ishe nomwoyo wakachena. Asi urambe mibvunzo youpenzi nokusaziva, uchiziva kuti zvinobereka kukakavara.
2 Timoti 2:22-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Naizvozvo siyana nehavi dzevechiduku unangane noururami nechitendero norudo norugare pamwechete navanodaidza kuna Tenzi nemwoyo wakanaka. Siyana nenharo dzoupenzi dzisina musoro. Iwe unoziva kuti dzinomutsa gakava.
2 Timoti 2:22-23 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi tiza kuciʋa kwoʋujaya, uʋiŋge kururama, nokutenda, noruɗo, norugare, pamŋe cete naʋanoɗana kunaShe nomŋoyo wakacena. Asi urambe mibvunzo yoʋupenzi nokusaziʋa, uciziʋa kuti ɀinoɓereka kukakaʋara.
2 Timoti 2:22-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)