2 Timoti 2:1-26
2 Timoti 2:1-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino iwe mwanakomana wangu, iva nesimba munyasha dziri muna Kristu Jesu. Uye zvinhu zvawakanzwa ndichitaura pamberi pezvapupu zvizhinji zvipe kuvanhu vakatendeka avo vachazozvidzidzisawo vamwe. Tsungirira pamwe chete nesu somurwi akanaka waKristu Jesu. Hakuna munhu anoshanda somurwi anozviisa pazvinhu zvoupenyu hwavasiri varwi, nokuti anoda kufadza mukuru wake wehondo. Zvimwe chetezvo, kana munhu achikwikwidza somumhanyi, haagoni kuwana korona yokukunda kunze kwokunge apedza nhangemutange sezvakarayirwa. Murimi anoshanda nesimba ndiye anofanira kutanga kudya zvibereko. Funga pamusoro pezvandinoreva, nokuti Ishe achakupa kunzwisisa pane izvi zvose. Rangarirai Jesu Kristu, akamuka kubva kuvakafa, worudzi rwaDhavhidhi. Iri ndiro vhangeri rangu, randinotambudzikira kunyange kusvikira pakusungwa segororo. Asi shoko raMwari harina kusungwa. Naizvozvo ndinotsungirira pazvinhu zvose nokuda kwavasanangurwa, kuti naivowo vawane ruponeso rwuri muna Kristu Jesu, nokubwinya kusingaperi. Herino shoko rechokwadi: Kana takafa pamwe chete naye, tichararamawo pamwe chete naye; kana tikatsungirira, tichabata ushe pamwe chete naye. Kana tikamuramba, iye achatirambawo; kana tikasava nokutenda, iye anoramba akatendeka, nokuti haangazvirambi. Ramba uchivayeuchidza zvinhu izvi. Uvayambire pamberi paMwari kuti varege kuita nharo pamusoro pamashoko; hazvina maturo, zvinongoparadza chete vaya vanoteerera. Shingaira kuti uzviratidze pamberi paMwari, somunhu anogamuchirwa, mushandi asingafaniri kunyadziswa uye anonyatsoruramisa shoko rechokwadi. Nzvenga kutaura kusinei naMwari, nokuti vaya vanhu vanodaro vacharamba vachirasikirwa noumwari. Dzidziso yavo ichanyenga seronda. Pakati pavo pana Himenayasi naFiretasi, vakatsauka kubva pazvokwadi. Vanoti kumuka kwavakafa kwakatopfuura, uye vanoparadza kutenda kwavamwe. Kunyange zvakadaro, nheyo dzakasimba dzaMwari dzinomira, dzine chisimbiso ichi chinoti: “Ishe anoziva vanhu vake,” uye, “Ani naani anopupura zita raShe anofanira kubva pane zvakaipa.” Muimba huru mune midziyo kwete yegoridhe kana yesirivha chete, asiwo yamatanda, neyevhu; mimwe inokudzwa, mimwe isingakudzwi. Kana munhu achizvinatsa kwazvo pazvinhu izvi, achava mudziyo unokudzwa, wakaitwa mutsvene, wakawanirwa basa naTenzi uye wakagadzirirwa basa rose rakanaka. Tiza kuchiva kwose kwoujaya, uye utevere kururama, kutenda, rudo norugare navose vanodana kuna Ishe nomwoyo wakachena. Usava nechokuita nemibvunzo youpenzi isina maturo, nokuti unoziva kuti inongomutsa kukakavara. Zvino muranda waIshe haafaniri kukakavara; asi anofanira kuva munyoro kumunhu wose, achigona kudzidzisa, asingatsamwi. Vaya vanomupikisa anofanira kuvadzidzisa nounyoro, aine tariro yokuti Mwari achavapa kutendeuka vagoziva chokwadi, uye kuti vachapengenuka vagopunyuka kubva mumusungo wadhiabhori, akavaita nhapwa kuti vaite kuda kwake.
2 Timoti 2:1-26 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Naizvozvo iwe, mwana wangu, iva nesimba munyasha dziri muna Kristu Jesu. Izvo zvawakanzwa kwandiri pamberi pezvapupu zvizhinji, uzvipe vanhu vakatendeka, vanogonawo kudzidzisa vamwe. Utambudzike pamwechete neni, somurwi wakanaka waKristu Jesu. Hakuna munhu anorwa papfumo anozvipinganidza namabasa ohupenyu huno, kuti agone kufadza uyo wakakokera kuhondo. Nemunhuwo kana achivhivhana navamwe, haashongedzwi korona, kana asina kuvhivhana sezvakarayirwa. Murimi anobata basa ndiye anofanira kutanga kudya zvibereko. Funga zvandinoreva, nokuti Ishe achakupa kunzwisisa pazvinhu zvose. Rangarira Jesu Kristu akamuka kuvakafa, worudzi rwaDhavhidhi, sezvandinoparidza neVhangeri yangu; yandinotambudzikira kusvikira pakusungwa somunyangadzi; asi shoko raMwari harina kusungwa. Saka ndinotsungirira pazvinhu zvose nokuda kwavakasanangurwa, kuti naivo vawane kuponeswa kuri muna Kristu Jesu, pamwechete nokubwinya kusingaperi. Ishoko rechokwadi; “Nokuti kana tikafa pamwechete naye tichararamawo pamwechete naye. Kana tikatsungirira, tichabata ushe pamwechete naye; kana tikamuramba, iye achatirambawo. Kana isu tisakatendeka iye anoramba akatendeka, nokuti haangazvirambi iye.” Uvayeuchidze zvinhu izvi, uvarayire pamberi paMwari, kuti varege kuita nharo zvisina maturo, zvinongoparadza vanonzwa. Shingaira kuti uzviratidze pamberi paMwari uri munhu akatendeka, mubati asingafaniri hake kunyadziswa, anonatsa kururamisa shoko rechokwadi. Nzvenga kutaura kusina hanya naMwari; nokuti vanhu vacharamba vachingonyanya pakusanamata Mwari, neshoko ravo richanyenga seronda; pakati pavo kuna Himenayo naFireto; ivo vakarasika pachokwadi, vachiti, kumuka kwavakafa kwatopfuura, vachikanganisa kutenda kwavamwe. Kunyange zvakadaro, nheyo dzakasimba dzaMwari dzinomira, dzine chisimbiso ichi, “Ishe anoziva vanhu vake;” uye “Mumwe nomumwe anoreva zita raIshe ngaabve pakusarurama.” Zvino muimba huru hamuna midziyo yendarama neyesirivha bedzi, asi mimwe yamatandawo, neyevhu; mimwe inokudzwa, mimwe isingakudzwi. Naizvozvo kana munhu achizvinatsa kwazvo pazvinhu izvi, achava mudziyo unokudzwa, wakaitwa mutsvene, wakakwanira basa raTenzi, wakagadzirirwa mabasa ose akanaka. Asi tiza kuchiva kwoujaya, uvinge kururama, nokutenda, norudo, norugare, pamwechete navanodana kuna Ishe nomwoyo wakachena. Asi urambe mibvunzo youpenzi nokusaziva, uchiziva kuti zvinobereka kukakavara. Zvino muranda washe haafaniri kukakavara, asi ave munyoro kuvanhu vose, anoziva kudzidzisa, anotsungirira pakuitirwa zvakaipa, anodzidzisa nounyoro avo vanomudzivisa, kuti zvimwe Mwari avape kutendeuka vagoziva chokwadi, vapengenukezve, vabve pamusungo waDhiabhori, wavakanga vakabatwa naye kuti vaite kuda kwake.
2 Timoti 2:1-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Naizvozvo iwe mwanangu chisimba uchibatsirwa nenyasha dzatinowana muna Kristu Jesu. Zvawakanzwa kwandiri pamberi pezvapupu zvizhinji, zviturire kuvanhu vakatendeka vanokwanisa kudzidzisawo vamwe. Tirira chikamu chako chamatambudziko zvakanaka somurwi waKristu Jesu. Hakuna musoja achiri pabasa anozvipinza mumabasa amazuva ose kana achida kugutsa akamunyora pabasa. Hakunawo munhu wamapitse omutambo anopiwa chiremba kusatoti achengeta mitemo yacho. Murimi anoshanda zvakasimba ndiye anofanira kuwana mukoho wokutanga wembeswa. Rangarira zvandinotaura nokuti Tenzi achakupa kunzwisisa muna zvose. Yeuka Jesu Kristu akamuka muvafi, wedzinza raDhavhidhi sokuparidzwa kwazvinoitwa muShoko rangu Rakanaka randiri kutambudzikira ndakasungwa makechemi somunhu anotyora mitemo yenyika. Asi Shoko Rakanaka harisungwi. Naizvozvo ndinotirira zvose pamusana pavasarudzwi kuti naivowo vawane ruponeso rwuri muna Kristu Jesu nembiri yarwo inogara narini narini. Izvi ndezvechokwadi zvokuti “Kana takafa pamwechete naKristu tichararama pamwechete naye. Kana tikatirira tichatonga pamwe naye kana tikamuramba iye achatirambawo. Kana tikasatendeka iye anoramba akatendeka nokuti haagoni kuva zvaasiri.” Vayeuchidze izvi uvakomerese pamberi paTenzi kuti varege kuitirana nharo nezvamazwi zvisingavabatsiri asi zvinotouraya vanenge vakateerera. Edza napose paunogona kuva munhu anogamuchirika pana Mwari, mushandi asina chaanganyare nacho anoziva kushanda namagwaro matsvene echokwadi zvakanaka. Siyana nehurukuro dzisina zvoumwari mukati nokuti zvinoramba zvongotungamirira vanhu mune zvisina umwari. Hurukuro dzavo dzinonyenga seronda risingapori. Vamwe vavo ndavana Himenayosi naFiretusi vakatsauka pachokwadi, vanoti zvokumuka kuvafi zvakatoitika. Vari kudzongodza chitendero chavamwe. Asi hwaro hwaMwari hwakasimba hunoramba huripo hwakanyorwa kuti, “Tenzi anoziva avo,” uye kuti, “Munhu wose anodaidza zita raTenzi, ngaasiyane nouipi.” Muzimba hombe hamuna midziyo yendarama neyesirivha chete asi mune yemiti neyevhu. Mimwe ndeyamazuva makuru, imwewo ndeyamazuva ose. Munhu akazvichenura kune zvinoshoreka anobva ava mudziyo wakakosha wamazuva makuru achiva mudziyo wakayereswa une basa, kumuridzi wemba, wakagarira basa ripi neripi rakanaka. Naizvozvo siyana nehavi dzevechiduku unangane noururami nechitendero norudo norugare pamwechete navanodaidza kuna Tenzi nemwoyo wakanaka. Siyana nenharo dzoupenzi dzisina musoro. Iwe unoziva kuti dzinomutsa gakava. Muranda waTenzi haafaniri kuva munhu wenharo asi kuva nomutsa kuvanhu vose ari mudzidzisi kwaye ano mwoyo murefu, anodzora vanorwisana naye nounyoro. Zvichida Mwari anovasvitsa pakutendeuka vakasvika pakuziva chokwadi vachigona kutopunyuka riva raDhiabhori ivo vambobatwa naye kuti vaite zvaanoda.
2 Timoti 2:1-26 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Naiɀoɀo iwe, mŋana waŋgu, iʋa nesimba munyasha dziri munaKristu Jesu. Iɀo ɀawakanzwa kwandiri pamberi peɀapupu ɀizhinji, uɀipe ʋanhu ʋakatendeka, ʋanogona ʋo kudzidzisa ʋamŋe. Utambudzike pamŋe cete neni, somurwi wakanaka waKristu Jesu. Hakunomunhu unorwa papfumo unoɀipiŋganidza namaɓasa oʋupenyu bguno, kuti agone kufadza uyo wakakokera kuhondo. Nomunhu ʋo kana aciʋiʋana naʋamŋe, haashoŋgedzwi korona, kana asina‐kuʋiʋana seɀakarairwa. Murimi unoɓate‐ɓasa ndiye unofanira kutaŋga kudya ɀiɓereko. Fuŋga ɀandinoreʋa, nokuti Ishe ucakupa kunzwisisa paɀinhu ɀose. Raŋgarira Jesu Kristu wakamuka kuʋakafa, worudzi rwaDavidi, seɀandinoparidza paEvaŋgeri yaŋgu; yandinotambudzikira kuȿikira pakusuŋgwa somunyaŋgadzi; asi shoko raMŋari harinakusuŋgwa. Saka ndinotsuŋgirira paɀinhu ɀose nokuɗa kwaʋakasanaŋgurwa, kuti naiʋo ʋawane kuponeswa kuri munaKristu Jesu, pamŋe cete nokubginya kusiŋgaperi. Ishoko raɀokwaɗi; nokuti kana tikafa pamŋe cete naye, ticararama ʋo pamŋe cete naye. Kana tikatsuŋgirira, ticaɓata ʋushe pamŋe cete naye; kana tikamuramba, iye ucatiramba ʋo. Kana isu tisakatendeka, iye unoramba akatendeka, nokuti haaŋgaɀirambi iye. Uʋayeʋudzire ɀinhu iɀi, uʋaraire pamberi paMŋari, kuti ʋarege kuita nharo ɀisinamaturo, ɀinoŋgoparadza ʋanonzwa. Shiŋgaira kuti uɀiratidze pamberi paMŋari uri munhu wakatendeka, muɓati usiŋgafaniri hake kunyadziswa, unonatsa kururamisa shoko raɀokwaɗi. Nɀeŋga kutaura kusinehanya naMŋari; nokuti ʋacaramba ʋaciŋgonyanya pakusanamata Mŋari, neshoko raʋo ricanyeŋga seronda; pakati paʋo kunaHimenayo naFireto; iʋo ʋakarashika paɀokwaɗi, ʋaciti, kumuka kwaʋakafa kwatopfuʋura, ʋacikaŋganisa kutenda kwaʋamŋe. Kunyaŋge ɀakaɗaro, nheyo dzakasimba dzaMŋari dzinomira, dzinecisimbiso ici: Ishe unoziʋa ʋanhu ʋake; ʋuye: Mumŋe nomumŋe unoreʋa zita raShe ŋgaabve pakusarurama. Ɀino muimba huru hamunamidziyo yendarama neyesirveri ɓedzi, asi mimŋe yamatanda ʋo, neyevu; mimŋe inokudzwa, mimŋe isiŋgakudzwi. Naiɀoɀo kana munhu aciɀinatsa kwaɀo paɀinhu iɀi, ucaʋa mudziyo unokudzwa, wakaitwa mutȿene, wakakwanira ɓasa raTenzi, wakagadzirirwa maɓasa ose akanaka. Asi tiza kuciʋa kwoʋujaya, uʋiŋge kururama, nokutenda, noruɗo, norugare, pamŋe cete naʋanoɗana kunaShe nomŋoyo wakacena. Asi urambe mibvunzo yoʋupenzi nokusaziʋa, uciziʋa kuti ɀinoɓereka kukakaʋara. Ɀino muranda waShe haafaniri kukakaʋara, asi aʋe munyoro kuʋanhu ʋose, unoziʋa kudzidzisa, unotsuŋgirira pakuitirwa ɀakaipa, unodzidzisa noʋunyoro aʋo ʋanomudziʋisa, kuti ɀimŋe Mŋari aʋape kutendeʋuka ʋagoziʋa ɀokwaɗi, ʋapeŋgenuke ɀe, ʋabve pamusuŋgo waDiaborosi, waʋakaŋga ʋakaɓatwa naye kuti ʋaite kuɗa kwake.
2 Timoti 2:1-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)