Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Timoti 1:1-14

2 Timoti 1:1-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Pauro, mupostori waKristu Jesu nokuda kwaMwari, maererano nechipikirwa choupenyu huri muna Kristu Jesu, kuna Timoti mwanakomana wangu anodikanwa: Nyasha, ngoni norugare zvinobva kuna Mwari Baba naKristu Jesu, Ishe wedu ngazvive newe. Ndinovonga Mwari, wandinoshumira sezvakaitwa namadzitateguru angu, nehana yakachena, sezvo ndichikurangarira muminyengetero yangu usiku namasikati. Ndichirangarira misodzi yako, ndinoshuva kukuona, kuti ndigozadzwa nomufaro. Ndinoyeuchidzwa kutenda kwako kusinganyengeri, kwakanga kuri muna mbuya vako Roisi uye nomuna mai vako Yunisi pakutanga, uye zvino ndinoziva kuti kunogarawo mauri. Nokudaro ndinokuyeuchidza kuti ukuchidzire chipo chaMwari chiri mauri nokuiswa kwamaoko angu pamusoro wako. Nokuti Mwari haana kutipa mweya wokutya, asi mweya wesimba, neworudo newokuzvidzora. Saka usanyadziswa nokupupura Ishe wedu, kana kunyadziswa neni musungwa wake. Asi utambudzike pamwe chete neni nokuda kwevhangeri, nesimba raMwari, akatiponesa uye akatidanira kuupenyu hutsvene, kwete nokuda kwechinhu chatakaita asi kuti nokuda kwake iye, uye nenyasha. Nyasha idzi takadzipiwa muna Kristu Jesu nguva dzisati dzavapo, asi zvino dzakaratidzwa nokuonekwa kwoMuponesi wedu Kristu Jesu, akaparadza rufu uye akabudisa pachena upenyu nokusafa kubudikidza nevhangeri. Uye ndakaitwa muparidzi, mupostori nomudzidzisi wevhangeri iri. Ndokusaka ndichitambudzika sezvandiri kuita. Asi handinyadziswi, nokuti ndinoziva wandakatenda, uye ndinoziva kwazvo kuti anogona kuchengeta chandakamupa kusvikira zuva iroro. Zvawakanzwa kubva kwandiri, zvichengete sedzidziso yechokwadi, nokutenda norudo muna Kristu Jesu. Chengetedza chakanaka chiri mauri chawakapiwa, chichengetedze uchibatsirwa naMweya Mutsvene anogara matiri.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu 2 Timoti 1

2 Timoti 1:1-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Pauro, mupostori waKristu Jesu, nokuda kwaMwari, nokuda kwechipikirwa choupenyu huri muna Kristu Jesu, kuna Timoti, mwana wangu anodikanwa: Nyasha, nengoni, norugare, zvinobva kuna Mwari Baba, naKristu Jesu, Ishe wedu, ngazvive newe. Ndinovonga Mwari, wandinoshumira samadziteteguru angu, nehana yakachena, kana ndichiramba ndichikurangarira pakukumbira kwangu husiku namasikati, ndichishuva zvikuru kukuona, ndichirangarira misodzi yako, kuti ndizadzwe nomufaro; ndichiyeudzwa kutenda kusinganyengeri kuri mauri, kwaimbogara muna mbuya vako nomuna mai vako, vaJuniki, kwandinoziva kwazvo kuti kunogarawo mauri. Nemhaka iyi ndinokuyeudzira kuti ukuchidzire chipiwa chaMwari chiri mauri nokuiswa kwamaoko angu. Nokuti Mwari haana kutipa mweya wokutya, asi wesimba, noworudo, nowokuzvidzora. Naizvozvo usanyadziswa nokupupurira Ishe wedu, kana ini, musungwa wake, asi utambudzike pamwechete neni nokuda kweVhangeri nesimba raMwari, akatiponesa, akatidana nokudana kutsvene, zvisingabvi pamabasa edu, asi nokufunga kwake, nenyasha dzaakatiitira muna Kristu Jesu nguva dzisati dzavapo, asi kwakaratidzwa zvino nokuonekwa kwoMuponesi wedu, Kristu Jesu, iye akaparadza rufu, akabudisa pachena upenyu nokusaora nenzira yeVhangeri, yandakaitwa muparidzi, nomupostori, nomudzidzisi wayo. Nemhaka iyi ndinotambudzikawo nezvinhu izvi, asi handinyadziswi, nokuti ndinoziva wandakatenda, ndinoziva kwazvo kuti anogona kuchengeta chandakamupa kusvikira zuva irero. Batisisa zvawakaratidzwa zvamashoko akarurama, izvo zvawakanzwa kwandiri mukutenda norudo ruri muna Kristu Jesu. Icho chakanaka, chawakapiwa, uchichengete naMweya Mutsvene anogara matiri.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu 2 Timoti 1

2 Timoti 1:1-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Ndini Pauro mupositori waJesu Kristu nokuda kwaMwari maererano nechitsidzo choupenyu huri muna Kristu Jesu ndinokunyorera iwe Timoti mwana wangu wapamwoyo ndichiti: Dai Mwari angokupa chikomborero chenyasha nengoni norugare zvichibva kuna Mwari Baba naKristu Jesu Tenzi wedu. Ndinotenda Mwari wandinoshandira nemwoyo wakachena sezvakaitwa namadzibaba angu pandinokuyeuka nguva dzose muminamato yangu. Pandinoyeuka misodzi yako ndinosuwira siku nesikati kukuona kuti ndizadzwe norufaro. Ndinoyeuka chitendero chako chiri pachokwadi, chitendero chakatanga muna ambuya vako Roisi naamai vako Yunisi chandine chokwadi kuti chavawo mauri. Naizvozvo ndinokuyeuchidza kuti ukuchidzirezve chipo chaMwari chiri mauri chawakawana nokukuisa maoko pamusoro kwandakuita nokuti Mwari haana kutipa mweya woumbwende asi mweya wesimba norudo nowokuzvibata. Saizvozvo usanyare kupupurira Tenzi wedu kana kundipupurirawo ini musungwa wake, nesimba raunopiwa naMwari. Chikonzero chiri chokuti utambudzikewo pamwechete neni pamusana peShoko Rakanaka raiye akatinunura akatidaidza nokudaidza kunoera, kwete nokuda kwamabasa edu asi pamusana pezvirongwa zvake uye pamusana penyasha dzake dzaakatipa muna Kristu Jesu karekareko. Asi iye zvino akaratidzwa pachena nokuzvionesa kwomununuri wedu Kristu Jesu akaparadza rufu akaunza upenyu ndokuratidza pachena, nokuShoko Rakanaka, upenyu nokusafa. Ndakasarudzwa kuva muparidzi nomupositori nomudzidzisi weShoko Rakanaka iroro, nokuda kwaizvozvi ndinotambudzika kudai, asi handinyari nokuti ndinoziva wandakatenda maari uye ndine chokwadi chokuti anokwanisa kuchengetedza zvakaiswa mumaoko mangu kusvikira Zuva iroro. Nyatsochengetedza mashoko ezviro kwazvo awakanzwa kwandiri somuenzaniso waunofanira kutevera uri muchitendero norudo zvinowanikwa muna Kristu Jesu. Chengetedza chokwadi chakaiswa mumaoko ako naMweya Mutsvene anogara matiri.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu 2 Timoti 1

2 Timoti 1:1-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Pauro, muapostora waKristu Jesu, nokuɗa kwaMŋari, nokuɗa kwecipikirwa coʋupenyu bguri munaKristu Jesu, kunaTimotio, mŋana waŋgu unoɗikanwa: Nyasha, neŋgoni, norugare, ɀinobva kunaMŋar Ƃaɓa, naKristu Jesu, Ishe weɗu, ŋgaɀiʋe newe. Ndinoʋoŋga Mŋari, wandinoshumira samadziteteguru aŋgu, nehana yakacena, kana ndiciramba ndicikuraŋgarira pakukumbira kwaŋgu ʋusiku namasikati, ndicishuʋa ɀikuru kukuʋona, ndiciraŋgarira misodzi yako, kuti ndizadzwe nomufaro; ndiciyeʋudzwa kutenda kusiŋganyeŋgeri kuri mauri, kwaimbogara munambuya ʋako, ʋaRoisi, nomunamai ʋako, ʋaJuniki, kwandinoziʋa kwaɀo kuti kunogara ʋo mauri. Nemhaka iyi ndinokuyeʋudzira kuti ukucidzire cipiwa caMŋari ciri mauri nokuiswa kwamaʋoko aŋgu. Nokuti Mŋari haana‐kutipa mŋeya wokutya, asi wesimba, noworuɗo, nowokuɀidzora. Naiɀoɀo usanyadziswa nokupupurira Ishe weɗu, kana ini, musuŋgwa wake, asi utambudzike pamŋe cete neni nokuɗa kweEvaŋgeri nesimba raMŋari, wakatiponesa, akatiɗana nokuɗana kutȿene, ɀisiŋgabvi pamaɓasa eɗu, asi nokufuŋga kwake, nenyasha dzaakatiitira munaKristu Jesu ŋguʋa dzisati dzaʋa’po, asi kwakaratidzwa ɀino nokuʋonekwa kwoMuponesi weɗu, Kristu Jesu, iye wakaparadza rufu, akaɓuɗisa pacena ʋupenyu nokusaʋora nenzira yeEvaŋgeri, yandakaitwa muparidzi, nomuapostora, nomudzidzisi wayo. Nemhaka iyi ndinotambudzika ʋo neɀinhu iɀi, asi handinyadziswi, nokuti ndinoziʋa wandakatenda, ndinoziʋa kwaɀo kuti unogona kuceŋgeta candakamupa kuȿikira zuʋa irero. Ƃatisisa ɀawakaratidzwa ɀamashoko akarurama, iɀo ɀawakanzwa kwandiri mukutenda noruɗo ruri munaKristu Jesu. Ico cakanaka, cawakapiwa, uciceŋgete noMŋeya Mutȿene unogara matiri

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu 2 Timoti 1

2 Timoti 1:1-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)