Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Timoti 1:1-14

2 Timoti 1:1-14 SCLB

Ndini Pauro mupositori waJesu Kristu nokuda kwaMwari maererano nechitsidzo choupenyu huri muna Kristu Jesu ndinokunyorera iwe Timoti mwana wangu wapamwoyo ndichiti: Dai Mwari angokupa chikomborero chenyasha nengoni norugare zvichibva kuna Mwari Baba naKristu Jesu Tenzi wedu. Ndinotenda Mwari wandinoshandira nemwoyo wakachena sezvakaitwa namadzibaba angu pandinokuyeuka nguva dzose muminamato yangu. Pandinoyeuka misodzi yako ndinosuwira siku nesikati kukuona kuti ndizadzwe norufaro. Ndinoyeuka chitendero chako chiri pachokwadi, chitendero chakatanga muna ambuya vako Roisi naamai vako Yunisi chandine chokwadi kuti chavawo mauri. Naizvozvo ndinokuyeuchidza kuti ukuchidzirezve chipo chaMwari chiri mauri chawakawana nokukuisa maoko pamusoro kwandakuita nokuti Mwari haana kutipa mweya woumbwende asi mweya wesimba norudo nowokuzvibata. Saizvozvo usanyare kupupurira Tenzi wedu kana kundipupurirawo ini musungwa wake, nesimba raunopiwa naMwari. Chikonzero chiri chokuti utambudzikewo pamwechete neni pamusana peShoko Rakanaka raiye akatinunura akatidaidza nokudaidza kunoera, kwete nokuda kwamabasa edu asi pamusana pezvirongwa zvake uye pamusana penyasha dzake dzaakatipa muna Kristu Jesu karekareko. Asi iye zvino akaratidzwa pachena nokuzvionesa kwomununuri wedu Kristu Jesu akaparadza rufu akaunza upenyu ndokuratidza pachena, nokuShoko Rakanaka, upenyu nokusafa. Ndakasarudzwa kuva muparidzi nomupositori nomudzidzisi weShoko Rakanaka iroro, nokuda kwaizvozvi ndinotambudzika kudai, asi handinyari nokuti ndinoziva wandakatenda maari uye ndine chokwadi chokuti anokwanisa kuchengetedza zvakaiswa mumaoko mangu kusvikira Zuva iroro. Nyatsochengetedza mashoko ezviro kwazvo awakanzwa kwandiri somuenzaniso waunofanira kutevera uri muchitendero norudo zvinowanikwa muna Kristu Jesu. Chengetedza chokwadi chakaiswa mumaoko ako naMweya Mutsvene anogara matiri.

Verenga chikamu 2 Timoti 1